1Girkite Viešpatį! Girkite Viešpaties vardą! Girkite jūs, Viešpaties tarnai,
1Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imwi varanda vaJehovha;
2kurie stovite Jo namuose, mūsų Dievo namų kiemuose.
2imwi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
3Girkite Jį, nes Viešpats geras; giedokite gyrių Jo vardui, nes Jis mielas.
3Rumbidzai Jehovha; nekuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nekuti ndizvo zvinofadza.
4Jokūbą išsirinko Viešpats, Izraelį, kad būtų Jo nuosavybė.
4nekuti Jehovha akazvisanangurira Jakove, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo.
5Aš žinau, kad didis yra Viešpats! Mūsų Viešpats yra aukščiau visų dievų.
5nekuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.
6Visa, ko panorėjo Viešpats, Jis padarė danguje, žemėje ir jūrų gelmėse.
6Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
7Jis nuo žemės krašto atgena debesis, su žaibais siunčia lietų, paleidžia vėjus iš savo sandėlių.
7Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
8Jis ištiko Egipte žmonių ir gyvulių pirmagimius,
8Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo.
9siuntė ženklų ir stebuklų prieš faraoną ir jo tarnus.
9Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose.
10Sunaikino daugybę pagonių tautų ir jų galingų karalių:
10Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba.
11Sihoną, amoritų karalių, ir Ogą, Bašano karalių, ir visas karalystes Kanaane.
11Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose bweKanani;
12Atidavė jų žemę Izraeliui, savo tautai, paveldėti.
12Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.
13Viešpatie, Tavo vardas lieka per amžius. Atsiminimas apie Tave, Viešpatie, per kartų kartas.
13Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi.
14Viešpats teis savo tautą ir pasigailės savo tarnų.
14nekuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.
15Pagonių stabai iš sidabro ir aukso, žmogaus rankomis padaryti.
15Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu.
16Jie turi burnas, bet nekalba; turi akis, bet nemato;
16Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni;
17turi ausis, tačiau negirdi; jų burna nealsuoja.
17Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo.
18Į juos panašūs yra tie, kas juos padaro, ir visi, kurie jais pasitiki.
18Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
19Izraelio namai, laiminkite Viešpatį! Aarono namai, laiminkite Viešpatį!
19imwi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; imwi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
20Levio namai, laiminkite Viešpatį! Visi, kurie Viešpaties bijote, laiminkite Viešpatį!
20imwi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imwi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
21Palaimintas Viešpats iš Siono, kuris gyvena Jeruzalėje. Girkite Viešpatį!
21Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!