1Girkite Viešpatį! Gera giedoti gyrių mūsų Dievui, labai malonu girti Jį!
1Hareruya. nekuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.
2Viešpats atstato Jeruzalės miestą, Izraelio tremtinius surenka.
2Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.
3Jis gydo sudužusias širdis, žaizdas jų sutvarsto.
3Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.
4Jis žvaigždes suskaičiuoja, jas visas vardais vadina.
4Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.
5Didis ir galingas yra Viešpats, Jo išmintis begalinė.
5Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.
6Romiuosius pakelia Viešpats, o nedorėlius partrenkia ant žemės.
6Jehovha anobatsira vanyoro;
7Padėkos giesmes Viešpačiui giedokite, skambinkite mūsų Viešpačiui arfa!
7Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;
8Jis debesimis uždengia dangų, žemei paruošia lietų, augina žolę kalnuose.
8Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.
9Jis teikia žvėrims maistą, jaunus varniukus pamaitina.
9Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.
10Ne žirgo stiprumu Jis gėrisi ir ne žmogaus kojos Jam patinka.
10Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.
11Viešpats gėrisi tais, kurie Jo bijo, kurie viliasi Jo gailestingumu.
11Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira tsitsi dzake.
12Girk, Jeruzale, Viešpatį! Savo Dievą girk, Sione!
12Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
13Jis sustiprino tavo vartų sklendes, tavo vaikus palaimino.
13nekuti wakasimbisa mazariro amasuwo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.
14Tavo krašte Jis duoda taiką, geriausiais kviečiais tave pasotina.
14Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.
15Jis siunčia įsakymą žemei, labai sparčiai Jo žodis atskrieja.
15Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16Jis sniegą kaip vilną duoda, šerkšną lyg pelenus barsto.
16Anopa vanhu chando samakushe amakwai, anoparadzira chando samadota.
17Ledus kaip duonos trupinius beria, sustingsta vanduo nuo Jo šalčio.
17Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?
18Jam žodį pasiuntus, ledas sutirpsta; kai vėjus paleidžia, vandenys teka.
18Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.
19Jokūbui savo žodį Jis paskelbė, Izraeliui savo nuostatus ir sprendimus.
19Anozivisa Jakove shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.
20Kitoms tautoms Jis to nepadarė, nė viena nepažino Jo sprendimų. Girkite Viešpatį!
20Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!