Portuguese: Almeida Atualizada

Shona

Genesis

11

1Ora, toda a terra tinha uma só língua e um só idioma.
1Zvino nyika yose yaiva yerurimi rwumwe neyeshoko rimwe.
2E deslocando-se os homens para o oriente, acharam um vale na terra de Sinar; e ali habitaram.
2Zvino zvakaitika vachifamba kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.
3Disseram uns aos outros: Eia pois, façamos tijolos, e queimemo-los bem. Os tijolos lhes serviram de pedras e o betume de argamassa.
3Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvikuru. Zvino zvidhina zvakava mabwe kwavari, netara ikava dope kwavari.
4Disseram mais: Eia, edifiquemos para nós uma cidade e uma torre cujo cume toque no céu, e façamo-nos um nome, para que não sejamos espalhados sobre a face de toda a terra.
4Zvino vakati: Uyai, ngatizviva­kire guta neshongwe ine musoro uri­kudenga, uye ngatizviitirei zita, zvikasadaro tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.
5Então desceu o Senhor para ver a cidade e a torre que os filhos dos homens edificavam;
5Zvino Jehovha wakaburuka kuzoona guta neshongwe, yakangi yava­kwa nevanakomana vevanhu.
6e disse: Eis que o povo é um e todos têm uma só língua; e isto é o que começam a fazer; agora não haverá restrição para tudo o que eles intentarem fazer.
6Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderwumwe, uye vane rurimi rwumwe vose, zvino ndizvo zvavanotanga kuita; uye ikozvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7Eia, desçamos, e confundamos ali a sua linguagem, para que não entenda um a língua do outro.
7Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa mutauro weumwe neumwe.
8Assim o Senhor os espalhou dali sobre a face de toda a terra; e cessaram de edificar a cidade.
8Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pamusoro pechiso chenyika, vakamira kuvaka guta.
9Por isso se chamou o seu nome Babel, porquanto ali confundiu o Senhor a linguagem de toda a terra, e dali o Senhor os espalhou sobre a face de toda a terra.
9Naizvozvo va­katumidza zita raro kuti Bhabheri, nekuti ipapo Jeho­vha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pachiso chenyika yose.
10Estas são as gerações de Sem. Tinha ele cem anos, quando gerou a Arfaxade, dois anos depois do dilúvio.
10Awa marudzi aShemu. Shemu wakange ane makore zana, akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.
11E viveu Sem, depois que gerou a Arfaxade, quinhentos anos; e gerou filhos e filhas.
11Shemu ndokurarama, shure kwekubereka Aripakishadhi, makore mazana mashanu; akabereka vanako­mana nevanasikana.
12Arfaxade viveu trinta e cinco anos, e gerou a Selá.
12Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, akabe­reka Shera.
13Viveu Arfaxade, depois que gerou a Selá, quatrocentos e três anos; e gerou filhos e filhas.
13Aripakishadhi ndokurarama, shure kwekubereka kwake Shera, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
14Selá viveu trinta anos, e gerou a Eber.
14Shera ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Ebheru.
15Viveu Selá, depois que gerou a Eber, quatrocentos e três anos; e gerou filhos e filhas.
15Shera ndokurarama, shure kwekubereka kwake Ebheru, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
16Eber viveu trinta e quatro anos, e gerou a Pelegue.
16Ebheru ndokurarama makore ma­kumi matatu nemana, akabereka Peregi.
17Viveu Eber, depois que gerou a Pelegue, quatrocentos e trinta anos; e gerou filhos e filhas.
17Ebheru ndokurarama, shure kwekubereka kwake Peregi, makore mazana mana nemakumi matatu; akabereka vanakomana nevanasi­kana.
18Pelegue viveu trinta anos, e gerou a Reú.
18Peregi ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Rehu.
19Viveu Pelegue, depois que gerou a Reú, duzentos e nove anos; e gerou filhos e filhas.
19Zvino Peregi wakararama, shure kwekubereka kwake Rehu, makore mazana maviri nemapfumbamwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
20Reú viveu trinta e dois anos, e gerou a Serugue.
20Rehu ndokurarama makore ma­kumi matatu nemaviri, akabereka Serugu.
21Viveu Reú, depois que gerou a Serugue, duzentos e sete anos; e gerou filhos e filhas.
21Zvino Rehu wakararama, shure kwekubereka kwake Serugu, makore mazana maviri nemanomwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
22Serugue viveu trinta anos, e gerou a Naor.
22Serugu ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Nahori.
23Viveu Serugue, depois que gerou a Naor, duzentos anos; e gerou filhos e filhas.
23Zvino Serugu wakararama, shure kwekubereka kwake Nahori, makore mazana maviri, akabereka vanako­mana nevanasikana.
24Naor viveu vinte e nove anos, e gerou a Tera.
24Nahori ndokurarama makore ma­kumi maviri nemapfumbamwe, akabe­reka Tera.
25Viveu Naor, depois que gerou a Tera, cento e dezenove anos; e gerou filhos e filhas.
25Zvino Nahori wakararama, shure kwekubereka kwake Tera, makore zana negumi nemapfumbamwe, akabereka vanakomana nevanasikana.
26Tera viveu setenta anos, e gerou a Abrão, a Naor e a Harã.
26Tera ndokurarama makore ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu, Nahori naHarani.
27Estas são as gerações de Tera: Tera gerou a Abrão, a Naor e a Harã; e Harã gerou a Ló.
27Zvino izvi zvizvarwa zvaTera. Tera waka­bereka Abhuramu, Nahori naHarani; Harani ndokubereka Roti;
28Harã morreu antes de seu pai Tera, na terra do seu nascimento, em Ur dos Caldeus.
28Harani akafa, baba vake Tera vasati vafa, panyika yechiberekerwa chake, muUri yevaKara­dhea.
29Abrão e Naor tomaram mulheres para si: o nome da mulher de Abrão era Sarai, e o nome da mulher do Naor era Milca, filha de Harã, que foi pai de Milca e de Iscá.
29Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhu­ramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHa­rani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30Sarai era estéril; não tinha filhos.
30Asi Sarai waiva mhanje, wakange asina mwana.
31Tomou Tera a Abrão seu filho, e a Ló filho de Harã, filho de seu filho, e a Sarai sua nora, mulher de seu filho Abrão, e saiu com eles de Ur dos Caldeus, a fim de ir para a terra de Canaã; e vieram até Harã, e ali habitaram.
31Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana wemwanakomana wake, naSarai, muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; vakabva Uri yevaKaradhea navo, kuenda kunyika yeKanani; vakasvika Harani, vakagarapo.
32Foram os dias de Tera duzentos e cinco anos; e morreu Tera em Harã.
32Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemashanu; Tera akafira Harani.