1Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.
1復述猶大的子孫猶大的兒子是法勒斯、希斯崙、迦米、戶珥和朔巴。
2Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati.
2朔巴的兒子利亞雅生雅哈;雅哈生亞戶買和拉哈。以上這些都是瑣拉人的家族。
3Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi;
3以坦的兒子(“兒子”原文作“父親”;現參照部分古譯本修改)是:耶斯列、伊施瑪、伊得巴;他們的妹妹名叫哈悉勒玻尼。
4naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu.
4基多的父親是毗努伊勒;戶沙的父親是以謝珥;這些都是伯利恆的父親以法他的長子戶珥所生的。
5Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara.
5提哥亞的父親亞施戶有兩個妻子,就是希拉和拿拉。
6Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara.
6拿拉給亞施戶生了亞戶撒、希弗、提米尼、哈轄斯他利;這些人都是拿拉的兒子。
7Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani.
7希拉的兒子是洗列、瑣轄和伊提南。
8Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi.
8哥斯生亞諾、瑣比巴和哈崙的兒子亞哈黑的眾家族。
9Jabhezi akakudzwa kukunda vanin'ina vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, nekuti ndakamubereka ndichitambudzika.
9雅比斯在眾兄弟中最受人尊重,他母親給他起名叫雅比斯,意思說:“我生產時十分痛苦。”
10Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira! Mwari akamupa zvaakakumbira.
10雅比斯呼求以色列的 神說:“深願你大大地賜福給我,擴張我的境界,你的能力常與我同在,保護我免遭災禍,不受痛苦。” 神就應允了他所求的。
11Kerubhi munin'ina waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni.
11書哈的兄弟基綠生米黑;米黑是伊施屯的父親。
12Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka.
12伊施屯生伯拉巴、巴西亞和珥拿轄的父親提欣拿;這些都是利迦人。
13Vanakomana vaKenazi : Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati.
13基納斯的兒子是俄陀聶和西萊雅;俄陀聶的兒子是哈塔和憫挪太。
14Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nekuti dzaiva mhizha.
14憫挪太生俄弗拉。西萊雅生革.夏納欣人的祖先約押;他們原是匠人。
15Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi.
15耶孚尼的兒子是迦勒;迦勒的兒子是以路、以拉和拿安;以拉的兒子是基納斯。
16Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri.
16耶哈利勒的兒子是西弗、西法、提利和亞撒列。
17Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa.
17以斯拉的兒子是益帖、米列、以弗和雅倫。米列娶法老的女兒比提雅為妻;比提雅懷孕,生了米利暗、沙買和以實提摩的父親益巴。米列的猶大妻子生了基多的父親雅列、梭哥的父親希伯和撒挪亞的父親耶古鐵。
18Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.
18
19Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati.
19荷第雅的妻子、拿含的妹妹生迦米人基伊拉的父親和瑪迦人以實提摩的父親。
20Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti.
20示門的兒子是暗嫩、林拿、便.哈南和提倫。以示的兒子是梭黑和便.梭黑。
21Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhiya;
21猶大的兒子是示拉;示拉的兒子是利迦的父親珥、瑪利沙的父親拉大,以及在伯亞實比織造細麻布的眾家族。
22naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata ushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare.
22還有約敬、哥西巴人、約阿施和薩拉,他們曾統治摩押地,又有雅叔比利恆。這都是古代的記載。
23Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara pazvirimwa nemakwenzi; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake.
23他們都是陶匠,是尼他應和基低拉的居民;他們與王一起住在那裡,為王作工。
24Vanakomana vaSimioni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri;
24西緬的子孫西緬的兒子是尼母利、雅憫、雅立、謝拉和掃羅。
25mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima.
25掃羅的兒子是沙龍;沙龍的兒子是米比衫;米比衫的兒子是米施瑪。
26Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei.
26米施瑪的子孫如下:米施瑪的兒子是哈母利;哈母利的兒子是撒刻;撒刻的兒子是示每。
27Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanin'ina vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha.
27示每有十六個兒子,六個女兒;他兄弟們的兒女卻不多;他們各家的兒女,都不如猶大族的子孫那樣多。
28Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari;
28他們住在別是巴、摩拉大、哈薩.書亞、
29napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi;
29辟拉、以森、陀臘、
30napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi;
30彼土利、何珥瑪、洗革拉、
31napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata ushe.
31伯.瑪嘉博、哈薩.蘇撒、伯.比利和沙拉音。直到大衛王的時代,這些都是他們的城市,
32Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;
32還有附近的村莊和以坦、亞因、臨門、陀健和亞珊等五座城,
33nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo.
33以及這些城周圍所有的村莊,直到巴力。這是他們居住的地方,他們也有自己的族譜。
34NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia;
34還有米所巴、雅米勒、亞瑪謝的兒子約沙、
35naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri;
35約珥、約示比的兒子耶戶;約示比是西萊雅的兒子,西萊雅是亞薛的兒子。
36naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya;
36還有以利約乃、雅哥巴、約朔海、亞帥雅、亞底業、耶西篾和比拿雅。
37naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;
37示非的兒子是細撒;示非是亞龍的兒子,亞龍是耶大雅的兒子,耶大雅是申利的兒子;申利是示瑪雅的兒子。
38ava vakarehwa namazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo.
38以上所記的名字,都是各家族的領袖;他們的家族都很興旺。
39Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro.
39他們往基多的關口去,直到山谷的東面,為自己的羊群尋找草場。
40Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nekuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu.
40他們找到了一塊肥美的草場;那地十分寬闊,又清靜、又安寧;從前住在那裡的是含族的人。
41Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nekuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.
41以上這些有名字記錄的人,在猶大王希西家的日子,前來攻擊含族人的帳棚和那裡所有的米烏尼人,把他們完全毀滅,直到今日,並且住在他們的地方,因為那裡有草場,可以牧放他們的羊群。
42Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimioni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana valshi.
42在西緬人中有五百人往西珥山去,他們的首領是以示的兒子毗拉提、尼利雅、利法雅和烏薛。
43Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi.
43他們擊殺了逃脫餘生的亞瑪力人,就住在那裡,直到今日。