1Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereeri wakange anomunda wemizambiringa, waiva paJezereeri pedo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.
1亞哈貪圖拿伯的葡萄園耶斯列人拿伯在耶斯列有一個葡萄園,靠近撒瑪利亞王亞哈的王宮。
2Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nekuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.
2亞哈對拿伯說:“把你的葡萄園讓給我,我可以用作菜園,因為你的葡萄園靠近我的王宮。我要把一個更好的葡萄園與你交換。如果你喜歡,我也可以按市價給你銀子。”
3Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.
3可是拿伯對亞哈說:“耶和華絕對不容許我把祖業給你。”
4ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nekuti iye wakange ati, Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu. Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
4亞哈因為耶斯列人拿伯對他說:“我不能把祖業給你”,就悶悶不樂回到宮裡。他躺在床上,臉朝向內,也不吃飯。
5Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?
5耶洗別獻計他的妻子耶洗別進來見他,問他說:“你為甚麼心裡這麼煩悶,連飯也不吃呢?”
6Iye akati kwaari: Nekuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo, iye akapindura, akati, Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.
6亞哈回答她說:“因為我對耶斯列人拿伯說:‘把你的葡萄園讓給我,我付你銀子;或者你喜歡的話,我可以用另一個葡萄園與你交換’;可是他說:‘我不能把我的葡萄園讓給你。’”
7Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nekuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri.
7他的妻子耶洗別對他說:“你現在不是統治以色列的王嗎?只管起來吃飯,心神暢快,我必能把耶斯列人拿伯的葡萄園給你。”
8Naizvozvo akanyora tsamba nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma tsamba idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.
8於是耶洗別以亞哈的名義寫了一些信,然後把這些信送給那些住在拿伯城裡的長老和貴胄。
9Akanyora patsamba idzo, achiti, Tarirai musi wokutsanya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
9她在信上寫著說:“你們要宣告禁食,使拿伯坐在民間的首位上。
10Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, Iwe wakatuka Mwari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.
10又叫兩個匪徒坐在拿伯的對面,作見證控告他說:‘你曾經咒詛 神和君王’;然後把他拉出去,用石頭把他打死。”
11Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa patsamba dzavakanga vatumirwa naye.
11拿伯被殺害於是拿伯城裡的人,就是那些與拿伯同住一城的長老和貴胄,都照著耶洗別送給他們的信上所寫的去行。
12Vakatara zuva rokutsanya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.
12他們宣告禁食,使拿伯坐在民間的首席上。
13Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, Nabhoti wakatuka Mwari namambo. Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
13然後兩個匪徒來坐在拿伯的對面。這兩個流氓當眾作見證控告拿伯,說:“拿伯曾經咒詛 神和君王。”眾人就把拿伯拉出城外,用石頭打他,把他打死了。
14Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, Nabhoti watakwa namabwe, wafa.
14於是他們派人去見耶洗別,說:“拿伯已經被人用石頭打死了。”
15Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nekuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.
15亞哈霸佔葡萄園耶洗別聽見拿伯已經被人用石頭打死了,就對亞哈說:“你起來,去佔有那耶斯列人拿伯從前不肯給你的葡萄園,因為拿伯現在沒有命了,他已經死了。”
16Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, kundozvitorera iwo.
16亞哈聽見拿伯已經死了,就起來,下到耶斯列人拿伯的葡萄園那裡去,要佔有那園。
17Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
17以利亞責備亞哈之惡行那時,耶和華的話臨到提斯比人以利亞說:
18Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.
18“你起來,下去迎見住在撒瑪利亞的以色列王亞哈,他現在正在耶斯列人拿伯的葡萄園裡。他下到那裡去,是要佔有那個園。
19Umuudze, uti, Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here? Zvino umuudzewo, uti, Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.
19你要對他說:‘耶和華這樣說:你殺了人,又佔有他的產業嗎?’你又要對他說:‘耶和華這樣說:狗在甚麼地方舔拿伯的血,也必在甚麼地方舔你的血。’”
20Ahabhi akati kuna Eria, Wandiwana, iwe muvengi wangu here? Akapindura, akati, Ndakuwana; nekuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
20亞哈對以利亞說:“我的仇人哪,你找到了我嗎?”以利亞說:“我找到你了,因為你出賣了你自己,去行耶和華看為惡的事。
21Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri.
21耶和華說:‘看哪,我必使災禍臨到你,除滅你的後代,在以色列中屬亞哈的男丁,無論是自由的,或是不自由的,我都要除滅。
22Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.
22我要使你的家像尼八的兒子耶羅波安的家,又像亞希雅的兒子巴沙的家,因為你惹我發怒,又因為你使以色列人陷在罪中。’
23Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereeri.
23至於耶洗別,耶和華也說:‘狗必在耶斯列的地方吃耶洗別的肉。
24Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.
24屬亞哈的人,死在城裡的,必被野狗吃掉;死在田野的,必被空中的飛鳥吃掉。’”
25(Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake.
25只是從來沒有人像亞哈的;他受了他妻子耶洗別的引誘,出賣了他自己,行耶和華看為惡的事。
26Akaita zvakanyangadza kwazvo, nekuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri).
26他按照耶和華在以色列人面前趕走的亞摩利人所行的一切,跟從偶像。行了非常可憎的事。
27Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguvo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akatsanya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.
27亞哈悔改,免受懲罰亞哈聽見這些話,就撕裂自己的衣服,披上麻布,禁食,睡在麻布上,並且神色頹喪地行走。
28Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
28耶和華的話臨到提斯比人以利亞說:
29Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.
29“你看見了亞哈在我面前怎樣謙卑自己,因為他在我面前謙卑自己,所以他還在世的日子,我必不降這災禍;到他兒子的日子,我必降這災禍與他的家。”