1Saizvozvo imwi vakadzi, ivai pasi pevarume venyu; kuti kana varipo vamwe vasingateereri shoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,
1妻子與丈夫照樣,你們作妻子的,要順服自己的丈夫,好使不信道的丈夫受到感動,不是因著你們的言語,而是因著你們的生活,
2kana vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.
2因為他們看見了你們敬畏和純潔的生活。
3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka vhudzi nekwekushonga ndarama, kana kupfeka nguvo ;
3不要單注重外表的裝飾,就如鬈頭髮、戴金飾、穿華麗衣服;
4asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, unokosha zvikuru pamberi paMwari.
4卻要在裡面存著溫柔安靜的心靈,作不能毀壞的裝飾,這在 神面前是極寶貴的。
5Nekuti saizvozvo panguva dzakare vakadzi vatsvenewo vaivimba naMwari vakazvishongedza vakazviisa pasi pevarume vavo,
5因為古時仰望 神的聖潔婦女,正是這樣裝飾自己,順服丈夫,
6saSara akateerera Abhurahamu achimuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi kana muchingoita zvakanaka chete, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.
6像撒拉聽從亞伯拉罕,稱他為主一樣;你們若行善,不怕任何恐嚇,就是撒拉的女兒了。
7Saizvozvo imwi varume, garisanai neruzivo, muchikudza mukadzi semudziyo usina simba, uye savadyi venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe nemwi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviridzwa.
7照樣,你們作丈夫的,也要合情合理的與妻子同住。要體諒她比你軟弱,要尊敬她,因為她是和你一同承受生命的恩典的。這樣,就使你們的禱告不受攔阻。
8Pakupedzisira, muve nemoyo umwe mose, muchinzwirana tsitsi, mudanane sehama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;
8為義受苦的有福了總括來說,你們要彼此同心,互相體恤,親愛像弟兄,滿有溫柔,存心謙卑。
9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.
9不要以惡報惡,以辱罵還辱罵,倒要祝福,因為你們就是為此蒙召,好叫你們承受福氣。
10Nekuti uyo unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura zvinonyengera.
10因為“凡希望享受人生,要看見好日子的,就要禁止舌頭不出惡言,嘴唇不說詭詐的話;
11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevedze.
11也要離惡行善,尋找並追求和睦。
12Nekuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake paminyengetero yavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.
12因為主的眼睛看顧義人,他的耳朵垂聽他們的呼求;但主的臉敵對作惡的人。”
13Zvino ndiani uchakuitirai zvakaipa, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?
13如果你們熱心行善,有誰能害你們呢?
14Asi kana muchitambudzikawo nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kumanikidzika.
14就算你們要為義受苦,也是有福的。“不要怕人的恐嚇,也不要畏懼。”
15Asi kudzai Ishe Mwari mumoyo yenyu; mugare makazvigadzira kupindura umwe neumwe unokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu neunyoro nekutya;
15只要心裡尊基督為聖,以他為主;常常作好準備,去回答那些問你們為甚麼懷有盼望的人,
16mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanomhura mafambiro enyu akanaka muna Kristu.
16但要用溫柔敬畏的心回答。當存無愧的良心,使那些誣賴你們這在基督裡有好品行的人,在毀謗你們的事上蒙羞。
17Nekuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, muchiita zvakaipa.
17如果 神的旨意是要你們受苦,那麼為行善受苦,總比為行惡受苦好。
18Nekuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama nekuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa nemweya;
18因為基督也曾一次為你們的罪死了,就是義的代替不義的,為要領你們到 神面前。就肉體的方面說,他曾死去;就靈的方面說,他復活了;
19mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,
19他藉這靈也曾去向那些在監管中的靈宣講,
20iyo yaimbova isingateereri, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, mweya misere nemvura.
20他們就是挪亞建造方舟的日子、 神容忍等待的時候,那些不順從的人。當時進入方舟、藉著水得救的人不多,只有八個。
21Mufananidzo wayo ndirwo rubhabhatidzo rwunotiponesawo zvino, kwete kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nekumukazve kwaJesu Kristu;
21這水預表的洗禮,現在也拯救你們:不是除去肉體的污穢,而是藉著耶穌基督的復活,向 神許願常存純潔的良心。
22wakaenda kudenga, uye uri kuruoko rwerudyi rwaMwari; vatumwa nevatungamiriri nemasimba zvakaiswa pasi pake.
22基督已進到天上,在 神右邊,眾天使、有權勢的、有能力的,都服從了他。