Shona

聖經新譯本

1 Peter

4

1Naizvozvo Kristu sezvaakatitamburira panyama, nemwiwo muzvishongedze zvombo nemurangariro wakadaro; nekuti iye wakatambudzika panyama warega chivi;
1要有受苦的心志基督既然在肉身受過苦,你們也應當以同樣的心志裝備自己(因為在肉身受過苦的,就已經與罪斷絕了),
2kuti panguva yakasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
2好叫你們不再隨從人的私慾,只順從 神的旨意,在世上度餘下的光陰。
3Nekuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba muutera, kuchiva, nekumwisa waini, mabongozozo, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisakafanira;
3因為你們過去隨從教外人的心意,行邪淫、私慾、醉酒、荒宴、狂飲和可憎拜偶像的事,時候已經夠了。
4zvavanoshamisika mazviri kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kwenyonganyonga imwe, vachinyomba;
4他們見你們不再與他們同奔那縱情放蕩的路,就覺得奇怪,毀謗你們。
5vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
5他們必要向那位預備要審判活人死人的主交帳。
6Nekuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwawo kune vakafa, kuti vatongwe panyama nemutowo wevanhu, asi vararame nomutowo waMwari pamweya.
6因此,那些死人也曾有福音傳給他們,好使他們的肉體受了人要受的審判,他們的靈卻靠 神活著。
7Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
7按照恩賜彼此服事萬物的結局近了,所以你們要謹慎警醒地禱告。
8Uye pamusoro pezvinhu zvose dananai nerudo rwusingaperi, nekuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji.
8最重要的是要彼此切實相愛,因為愛能遮蓋許多的罪。
9Gamuchiranai nerudo, musinganyunyuti.
9你們要互相接待,不發怨言。
10Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
10你們要作 神各樣恩賜的好管家,各人照著所領受的恩賜彼此服事。
11Kana munhu achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba rinopiwa naMwari; kuti Mwari pazvinhu zvose akudzwe kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
11講道的,應當按著 神的聖言講;服事的,應當按著 神所賜的力量服事,為要在一切事上,使 神藉耶穌基督得榮耀。榮耀、權能都是他的,直到永永遠遠。阿們。
12Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa pakati penyu, unokuidzai sezvinonzi mawirwa nechisingazikamwi;
12為基督受苦的有福了親愛的,有火煉的試驗臨到你們,不要以為奇怪,好像是遭遇非常的事,
13asi farai sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, kuti pakuratidzwa kwekubwinya kwake mufarewo nemufaro mukurusa.
13倒要歡喜,因為你們既然在基督的受苦上有分,就在他榮耀顯現的時候,可以歡喜快樂。
14Kana muchinyombwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nekuti Mweya wekubwinya newaMwari ugere pamusoro penyu; kwavari unonyombwa asi kwamuri unokudzwa.
14你們要是為基督的名受辱罵,就有福了!因為 神榮耀的靈,住在你們身上。
15Nekuti kusva neumwe wenyu unotambudzika semhondi, kana mbavha, muiti wezvakaipa, kana unongongwarira zvevamwe;
15你們中間不可有人因為殺人、或偷竊、或行惡、或好管閒事而受苦。
16asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari nekuda kwezvizvi.
16如果因為作基督徒而受苦,不要以為羞恥,倒要藉著這名字榮耀 神。
17Nekuti nguva yasvika yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
17因為審判從 神的家開始,就在這時候了。如果先從我們起頭,那不信從 神福音的人,結局將要怎樣呢?
18uye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, uyo usingadi Mwari, nemutadzi, vachaonekwepi?
18“如果義人僅僅得救,不敬虔和犯罪的人,又會變成怎樣呢?”
19Naizvozvo naiwo vanotambudzika zvinoenderana nechodo chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo vachiita zvakanaka.
19所以那順著 神的旨意而受苦的人,要繼續地行善,把自己的生命交託那信實的創造者。