Shona

聖經新譯本

1 Peter

5

1Vakuru vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mukuru pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovaniwo wekubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
1務要牧養 神的羊群我這同作長老,也是為基督受苦作見證,又是同享將來所要顯現的榮耀的,勸你們當中作長老的:
2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu muchiritarisisa, kwete nekurovererwa asi nechido, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nekutenda;
2務要牧養你們中間的羊群,按著 神的旨意照顧他們。不是出於勉強,而是出於甘心;不是因為貪財,而是出於熱誠;
3kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa asi muri mufananidzo weboka.
3也不是要轄制託付你們的羊群,而是作他們的榜樣。
4Zvino kana Mufudzi mukuru achizoonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.
4到了牧長顯現的時候,你們必定得著那永不衰殘的榮耀冠冕。
5Saizvozvo imwi vaduku, muzviise pasi pevakuru, imwi mose muzviise pasi mumwe kune mumwe, uye mupfekedzwe nekuninipa, nekuti Mwari unopikisa vanozvikudza achipa nyasha vanozvininipisa.
5照樣,你們青年人要順服年長的。就是你們各人也要彼此以謙卑為裝束,因為“ 神敵擋驕傲的人,賜恩給謙卑的人。”
6Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,
6所以你們要謙卑,服在 神大能的手下,到了時候,他必叫你們升高。
7muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nekuti iye unokuchengetai.
7你們要把一切憂慮卸給 神,因為他顧念你們。
8Svinurai, murinde, nekuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba unofamba-famba ichitsvaka waangaparadza;
8你們要謹守、警醒。你們的仇敵魔鬼,好像吼叫的獅子走來走去,尋找可以吞吃的人;
9mumupikise makamira nesimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.
9你們要用堅強的信心抵擋他,因為知道你們在世上的弟兄,也經歷過同樣的苦難。
10Asi Mwari wenyasha dzose, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi naKristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye ungakuperedzerai nekukusimbisai, nekukupai simba, nekukuteyai.
10但滿有恩典的 神,就是在基督裡召你們進入他永遠榮耀的那一位,在你們受了短暫的苦難之後,必定親自成全你們,堅固你們,賜力量給你們,建立你們。
11Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
11願權能歸給他,直到永遠。阿們。
12NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri pakufunga kwangu, ndakakunyorerai nepaduku, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; dzamumire madziri.
12勸勉和祝福我藉著我認為忠心的弟兄西拉,簡略地寫了這封信勸勉你們,又向你們證實這是 神真正的恩典;你們要在這恩典上站立得住。
13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMako mwanakomana wangu.
13在巴比倫與你們同蒙揀選的,和我兒子馬可都問候你們。
14Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
14你們要用愛心彼此親嘴問安。願平安歸與你們所有在基督裡的人。