Shona

聖經新譯本

1 Samuel

23

1Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro.
1大衛攻打非利士人有人告訴大衛:“看哪,非利士人正在攻打基伊拉,並且搶掠禾場。”
2Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira.
2大衛就求問耶和華說:“我可以去擊打這些非利士人嗎?”耶和華對大衛說:“你可以去擊打非利士人,拯救基伊拉。”
3Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia.
3跟隨大衛的人對他說:“看哪,我們在猶大地這裡尚且懼怕,何況到基伊拉去攻打非利士人的軍兵呢?”
4Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, Simuka, uburukire Keira, nekuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako.
4於是大衛再求問耶和華。耶和華回答他說:“你只管起來,下到基伊拉去,因為我必把非利士人交在你的手裡。”
5Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira.
5大衛和跟隨他的人就到基伊拉去,與非利士人爭戰,擄走了他們的牲畜,又在他們中間殺戮多人。這樣,大衛拯救了基伊拉的居民。
6Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake.
6亞希米勒的兒子亞比亞他逃到基伊拉去見大衛的時候,是手裡帶著以弗得下來的。
7Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuwo ezvipfigiso.
7有人告訴掃羅,大衛到了基伊拉,掃羅就說:“ 神把他交在我的手中了,因為他進了一座有門有閂的城,把自己關閉起來了。”
8Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake.
8於是掃羅召集眾人去爭戰,要下到基伊拉去,圍困大衛和跟隨他的人。
9Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupristi, Uya pano neefodhi.
9大衛知道掃羅設計害他,就對亞比亞他祭司說:“把以弗得拿來!”
10Zvino Dhavhidhi akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu.
10大衛說:“耶和華以色列的 神啊!你僕人確實聽見了掃羅想要到基伊拉來,為了我的緣故要毀滅這城。
11Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu. Jehovha akati, Uchaburuka.
11基伊拉人會把我交在掃羅的手裡嗎?掃羅會照著你僕人所聽到的下來嗎?耶和華以色列的 神啊!求你告訴你僕人。”耶和華說:“他必下來。”
12Dhavhidhi akati, Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha akati, Vachakuisa.
12大衛又說:“基伊拉人會把我和跟隨我的人交在掃羅手裡嗎?”耶和華說:“他們必把你們交出來。”
13Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
13大衛和跟從他的人,約有六百人,就起身離開基伊拉,到處漂泊。有人告訴掃羅,大衛已經逃離了基伊拉,掃羅就不出去了。
14Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake.
14大衛住在曠野的山寨裡,又住在亞弗曠野的山裡。掃羅天天尋索大衛, 神卻不把大衛交在他手裡。
15Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakange abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo.
15大衛再與約拿單立約大衛懼怕,因為掃羅出來尋索他的命。那時大衛住在西弗曠野的何列斯那裡。
16Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.
16掃羅的兒子約拿單起身,到何列斯去見大衛,鼓勵他,使他靠 神堅強起來,
17Akati kwaari, Usatya, nekuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.
17對他說:“你不要懼怕!我父親掃羅的手必不能害你。你必要作以色列的王,我要在你以下位居第二,這事連我父親掃羅也知道了。”
18Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
18於是他們二人在耶和華面前立了約。大衛仍住在何列斯,約拿單卻回自己的家去了。
19Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhiya vakati, Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?
19西弗人上到基比亞去見掃羅,說:“大衛不是在我們這裡的何列斯的山寨,就是在曠野南邊的哈基拉山上藏著嗎?
20Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda moyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo.
20王啊,現在請下來,請你隨著你的心願下來,我們必親自把他交在王的手裡。”
21Ipapo Sauro akati, Imi muropafadzwe naJehovha, nekuti makandinzwira tsitsi.
21掃羅說:“願耶和華賜福你們,因為你們關心我。
22Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nekuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo.
22你們要去再確實查看他腳蹤所到的地方,有誰看見他在那裡,因為有人對我說,他非常狡猾。
23Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha.
23你們要去查看他所有藏身的地方,確定以後再回來見我,我就與你們同去;如果他在本地,我必從猶大的千門萬戶中把他搜出來。”
24Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.
24掃羅在瑪雲曠野追尋大衛於是西弗人起身,在掃羅以先到西弗去了。那時大衛和跟隨他的人卻在瑪雲曠野,就是在荒野南邊的亞拉巴。
25Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
25掃羅和跟隨他的人去尋找大衛。有人告訴大衛,他就下到磐石那裡,留在瑪雲曠野。掃羅聽見了,就在瑪雲曠野追趕大衛。
26Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nekuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate.
26掃羅在山這邊走,大衛和跟隨他的人卻在山那邊走。大衛匆匆忙忙逃避掃羅,掃羅和跟隨他的人卻四面包圍大衛和跟隨他的人,要把他們捉住。
27Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, Kurumidzai, muuye, nekuti vaFirisitia vopambara nyika.
27那時忽有使者來見掃羅說:“請你趕快回去,因為非利士人來突擊這地。”
28Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti.
28於是掃羅不再追趕大衛,回去迎戰非利士人。因此這地方被稱為西拉.哈瑪希羅結。
29Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.
29大衛從那裡上去,住在隱.基底的山寨裡。(本節在《馬索拉抄本》為24:1)