Shona

聖經新譯本

1 Samuel

24

1Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi.
1大衛在隱.基底不傷掃羅掃羅追趕非利士人回來的時候,有人告訴他說:“看哪,大衛在隱.基底的曠野。”(本節在《馬索拉抄本》為24:2)
2Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.
2掃羅就從以色列人中選出三千精兵,帶領他們到野羊磐石去搜索大衛和跟隨他的人。
3Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
3到了路旁的羊圈,那裡有一個洞,掃羅進去大解;那時,大衛和跟隨他的人正坐在洞裡的深處。
4Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
4跟隨大衛的人對他說:“耶和華曾應許你說:‘我要把你的仇敵交在你的手裡,你可以隨意待他。’看哪!今天就是時候了。”於是大衛起來,悄悄地割下掃羅外袍的衣邊。
5Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakange agura nguvo yaSauro.
5事後,大衛為了割下掃羅的衣邊,心中自責,
6Akati kuvanhu vake, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nekuti ndiye muzodzwa waJehovha.
6就對跟隨他的人說:“我在耶和華面前絕對不能這樣對待我主耶和華的受膏者,我絕對不能動手攻擊他,因為他是耶和華的受膏者。”
7Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
7大衛用這些話阻止了跟隨他的人,不讓他們起來攻擊掃羅。掃羅起來,出了山洞,繼續走他的路去了。
8NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, Ishe wangu, mambo! Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
8大衛向掃羅表白隨後,大衛也起來,離開了山洞,在掃羅背後呼叫,說:“我主!我王!”掃羅回頭向後看的時候,大衛就臉伏於地,向他叩拜。
9Dhavhidhi akati kuna Sauro, Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?
9大衛對掃羅說:“你為甚麼聽信人的話,說:‘大衛想要害你’呢?
10Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nekuti ndiye muzodzwa waJehovha.
10現在你親眼看到,今天耶和華在山洞裡,把你交在我手裡。有人叫我殺你,我卻愛惜你。我說:‘我不敢下手傷害我主,因為他是耶和華的受膏者。’
11Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nekuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
11我父啊,請看,你外袍的衣邊在我手中。我割下了你外袍的衣邊,卻沒有殺你。你從此可以知道,也可以看出我手中沒有邪惡,也沒有過犯。我雖然沒有得罪你,你卻要獵取我的性命。
12Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
12願耶和華在你我之間判斷是非;願耶和華在你身上為我伸冤。我的手卻不敢傷害你。
13Sezvinoreva tsumo yavekare, Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
13正如古時的格言:‘惡事出於惡人。’所以,我的手不敢傷害你。
14Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.
14以色列的王出去追捕誰呢?你現在追趕誰呢?不過是追趕一條死狗,一隻跳蚤吧了!
15Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu.
15願耶和華在你我中間施行審判,斷定是非;願他鑒察,為我的案件伸冤,救我脫離你的手。”
16Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi? Sauro akachema kwazvo.
16掃羅認錯大衛對掃羅說完了這些話,掃羅就說:“我兒大衛啊,這是你的聲音嗎?”於是掃羅放聲大哭,
17Akati kuna Dhavhidhi, Iwe unondikunda pakururama, nekuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
17對大衛說:“你比我公義,因為你以良善待我,我卻以惡待你。
18Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nekuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako.
18今天你所作的說明了你以良善待我,因為耶和華把我交在你手裡,你卻沒有殺我。
19Nekuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.
19如果人遇見仇敵,怎會讓他平平安安離去呢?願耶和華因你今天對我所作的報答你。
20Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
20現在我知道你必要作王,以色列的王國必在你手裡堅立起來。
21Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.
21現在你要指著耶和華向我起誓,不剪除我的後裔,也不從我父家消滅我的名。”
22Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
22於是大衛向掃羅起誓,掃羅就回自己的家去了,大衛和跟隨他的人也上山寨去了。