1Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya, vakati, Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?
1掃羅在西弗曠野尋索大衛西弗人基比亞來見掃羅,說:“大衛不是在曠野前面的哈基拉山中躲藏起來嗎?”
2Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
2掃羅就動身,下到西弗曠野去,跟隨他的有三千以色列精兵,要在西弗的曠野尋索大衛。
3Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakange agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje.
3那時,掃羅在曠野前面的哈基拉山的路旁安營,大衛仍然住在曠野。大衛看見掃羅來到曠野追尋他,
4Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
4就派出探子,知道掃羅已經到了納康。
5Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakange avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza.
5大衛起來,來到掃羅安營的地方,看見掃羅和他的元帥,尼珥的兒子押尼珥睡臥的地方。掃羅睡在軍營的中央,眾人都在他的周圍安營。
6Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munin'ina waJoabhu, akati, Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa? Abhishai akati, Ini ndichaburuka nemi.
6大衛在西弗也不傷害掃羅大衛問赫人亞希米勒和洗魯雅的兒子約押的兄弟亞比篩,說:“誰願與我一起下到掃羅的營裡去呢?”亞比篩回答:“我願與你一起下去。”
7Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza.
7於是大衛和亞比篩趁著夜裡到了眾軍那裡。掃羅正躺在軍營的中央睡著了,他的矛插在頭旁的地上;押尼珥和眾軍都躺在他的周圍。
8Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.
8亞比篩對大衛說:“今天 神把你的仇敵交在你手裡了。現在求你容我用矛把他刺透在地上,一刺就夠,不必再刺。”
9Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Usamuuraya, nekuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?
9大衛卻對亞比篩說:“不可殺死他,因為有誰伸手傷害耶和華的受膏者而無罪呢?”
10Dhavhidhi akati, NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
10大衛說:“我指著永活的耶和華起誓,他或被耶和華擊打,或死期到了,或下到戰場陣亡了,
11Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.
11我在耶和華面前,絕對不敢伸手傷害耶和華的受膏者。現在,你可以把掃羅頭旁的矛和水袋拿來,我們就走吧!”
12Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nekuti vakanga vavete vose, nekuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari.
12於是大衛從掃羅的頭旁拿了矛和水袋,他們二人就走了。沒有人看見,沒有人知道,也沒有人醒來。他們都睡著了,因為耶和華使他們沉睡。
13Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru.
13大衛嘲笑押尼珥然後大衛過到另一邊去,遠遠地站在山頂上,兩者之間的距離很遠。
14Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, Nhai Abhineri, haudaviri here? Ipapo Abhineri akadavira, akati, Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo.
14大衛呼叫眾人和尼珥的兒子押尼珥說:“押尼珥啊,你不答話嗎?”押尼珥回答說:“你是誰,竟敢呼叫王?”
15Dhavhidhi akati kuna Abhineri, Ko iwe hausi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? nekuti mumwe munhu wakange apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
15大衛對押尼珥說:“你不是一個男子漢嗎?以色列人中有誰能與你相比呢?眾民中有一個人來要殺害王你的主,你為甚麼沒有保護王你的主呢?
16Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nekuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?
16你所作的這事不好。我指著永活的耶和華起誓,你們都是該死的,因為你們沒有保護你的主,就是耶和華的受膏者。現在你看看王頭旁的矛和水袋在哪裡?”
17Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi, akati, Ndiro inzwi rako here, mwanangu Dhavhidhi? Dhavhidhi akati, inzwi rangu, ishe wangu, mambo.
17大衛勸諫掃羅掃羅認出是大衛的聲音,就說:“我兒大衛啊!這是你的聲音嗎?”大衛說:“我主我王啊!是我的聲音。”
18Akati, Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nekuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko?
18又說:“我主為甚麼這樣追趕僕人呢?我作了甚麼?我手裡犯了甚麼過錯?
19Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nekuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, Enda, undoshumira vamwe vamwari.
19現在求我主我王聽你僕人的話。如果是耶和華激動你攻擊我,願耶和華收納祭物;如果是人激動你,願他們在耶和華面前受咒詛,因為他們今天把我趕出來,不容我在耶和華的產業上有分,說:‘你去服事別的神吧!’
20Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nekuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hwari mumakomo.
20現在,求王不要讓我的血流在遠離耶和華的地上,因為以色列王出來尋索我的性命,就像人在山中獵取一隻鷓鴣一樣。”
21Ipapo Sauro akati, Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nekuti handichazokuitiri zvakaipa, nekuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.
21掃羅認錯掃羅說:“我有罪了,我兒大衛啊,你回來吧!因為今天你看我的命為寶貴,我必不再害你。看哪!我作了糊塗事了,並且錯得很厲害。”
22Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore.
22大衛回答說:“看哪!王的矛在這裡,可以叫一個僕人過來拿去。
23Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nekuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
23耶和華必按著各人的公義和信實報答他;今天耶和華把你交在我手裡,我卻不願伸手傷害耶和華的受膏者。
24Zvino tarirai, upenyu bwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kose.
24看哪,我今天怎樣看重你的命,願耶和華也怎樣看重我的命,並且救我脫離一切患難。”
25Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.
25掃羅對大衛說:“我兒大衛啊,願你得福,你必作成你所要作的,也必得勝。”於是大衛離去了,掃羅也回自己的地方去了。