1Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.
1大衛投奔非利士之迦特王大衛心裡說:“總有一天,我會死在掃羅的手裡,我倒不如逃奔到非利士人的國土,掃羅對我就會死心,不再在以色列全境尋索我,我就可以逃脫他的手了。”
2Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
2於是大衛起來,和跟隨他的六百人都越過邊界,到迦特王瑪俄的兒子亞吉那裡去。
3Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinowamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari.
3大衛和跟隨他的人,以及他們各人的家眷,都與亞吉一同住在迦特。大衛的兩個妻子,就是耶斯列人亞希暖和作過拿八妻子的迦密人亞比該也都住在那裡。
4Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve.
4有人告訴掃羅,大衛已經逃到迦特去了,掃羅就不再尋索他了。
5Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nekuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?
5大衛對亞吉說:“我若是在你眼前蒙恩,求你在這地的城市中,給我一個地方,讓我住在那裡。為甚麼要你的僕人與你一同住在王城呢?”
6Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi.
6那天,亞吉就把洗革拉賜給大衛,因此,洗革拉直到今日還是屬猶大王的。
7Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina.
7大衛在非利士人的鄉鎮居住的日子,共有一年零四個月。
8Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nekuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeEgipita.
8征服鄰近外族大衛和跟隨他的人上去襲擊基述人、基色人和亞瑪力人,這些人自古以來就是這地的居民,居於書珥到埃及地之間。
9Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguvo; akadzoka, akasvika kuna Akishi.
9大衛攻打那地,無論男女,都不讓一人存活,又擄走了牛、羊、驢子、駱駝和衣服,然後回來,到亞吉那裡去。
10Akishi akati, Mandopambara kupiko nhasi? Dhavhidhi akati, Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.
10亞吉問:“你們今天襲擊了甚麼地方呢?”大衛回答:“我們襲擊了猶大的南方,耶拉蔑的南部,和基尼的南方。”
11Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, Ngavarege kutiudzisira, vachiti, Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.
11無論男女,大衛都不讓一人活著帶到迦特來,他說:“恐怕他們把我們的事告訴別人,說:‘大衛作了這樣的事,他住在非利士人鄉鎮的日子,常常這樣作。’”
12Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.
12亞吉相信了大衛,心裡說:“他在自己的族人以色列中留下了臭名,他必永遠作我的僕人了。”