Shona

聖經新譯本

2 Corinthians

5

1Nekuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, yedumba ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko, yekusingaperi iri kumatenga.
1渴望天上的居所我們知道,如果我們在地上的帳棚拆毀了,我們必得著從 神而來的居所。那不是人手所造的,而是天上永存的房屋。
2Nekuti mune iyi tinogomera, tichishuva nemoyo wose kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
2我們現今在這帳棚裡面歎息,渴望遷到那天上的住處,好像換上新的衣服;
3kana zvikadaro hatingawanikwi tisina chatakafuka.
3如果穿上了,就不會赤身出現了。
4Nekuti nesu tiri mutende tinogomera tichiremerwa; tisingadi kuti tikururwe, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.
4我們這些在帳棚裡面的人,勞苦歎息,是由於不願意脫去這個,卻願意穿上那個,使這必死的被生命吞滅。
5Zvino uyo wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rwoMweya.
5那在我們身上完成了工作,使我們達成這目標的,就是 神。他已經把聖靈賜給我們作憑據。
6Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti kana tiri kumusha mumuviri hatisi kuna Ishe;
6我們既然一向都是坦然無懼的,又知道住在身內就是與主分開
7Nekuti tinofamba nerutendo kwete nekuona;
7(因為我們行事是憑著信心,不是憑著眼見),
8naizvozvo tine ushingi, tichishuva kuti zviri nani kusava pamuviri, asi kuva kuna Ishe.
8現在還是坦然無懼,寧願與身體分開,與主同住。
9Naizvozvo tinoshingaira kuti kunyange tiri pamusha kana kure nemusha kwaari.
9因此,我們立定志向,無論住在身內或是與身體分開,都要討主的喜悅。
10Nekuti tose tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu; kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita pamuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
10因為我們眾人都必須在基督的審判臺前顯露出來,使各人按著本身所行的,或善或惡,受到報應。
11Naizvozvo zvatinoziva kutyisa kw aIshe, tinonyengetedza vanhu; asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwe pahana dzenyu.
11勸人與 神和好我們既然知道主是可畏的,就勸勉眾人。我們在 神面前是顯明的,我盼望在你們的良心裡也是顯明的。
12Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekurumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana navo vanozvirumbidza pachiso kwete pamoyo.
12我們不是又再向你們推薦自己,而是給你們機會以我們為樂,使你們可以應付那些只誇外貌不誇內心的人。
13Nekuti kana tichipenga, ndezve kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, ndezve kwamuri.
13如果我們瘋狂,那是為了 神;如果我們清醒,那是為了你們。
14Nekuti rudo rwaKristu runotimanikidza; nekuti tinoona saizvozvo kuti kana mumwe akafira vose, zvino vose vakafa;
14原來基督的愛催逼著我們,因為我們斷定一個人替眾人死了,眾人就都死了。
15zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.
15他替眾人死了,為的是要使活著的人不再為自己活著,卻為那替他們死而復活的主而活。
16Naizvozvo kubvira zvino hatizivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
16所以,從今以後,我們不再按照人的看法認識人;雖然我們曾經按照人的看法認識基督,但現在不再這樣了。
17Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvekare zvapfuura, tarirai zvose zvava zvitsva.
17如果有人在基督裡,他就是新造的人,舊事已經過去,你看,都變成新的了!
18Uye zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, uye wakatipa kushumira kweyananiso;
18這一切都是出於 神,他藉著基督使我們與他自己和好,並且把這和好的職分賜給我們,
19sezvinonzi Mwari wakange ari muna Kristu achiyananisa nyika kwaari, asingavaverengeri kudarika kwavo, akakumikidza kwatiri shoko rekuyananisa.
19就是 神在基督裡使世人與他自己和好,不再追究他們的過犯,並且把和好的道理託付了我們。
20Naizvozvo tiri nhumwa nekuda kwaKristu, Mwari saanenge achikukumbirisai, nesu tinokukumbirisaiwo pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
20因此,我們就是基督的使者, 神藉著我們勸告世人。我們代替基督請求你們:跟 神和好吧!
21Nekuti uyo wakange asingazivi chivi, wakamuita chivi pachinzvimbo chedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
21 神使那無罪的替我們成為有罪的,使我們在他裡面成為 神的義。