Shona

聖經新譯本

2 Samuel

16

1Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
1大衛和洗巴大衛剛越過山頂不遠,就看見米非波設的僕人洗巴前來迎接他;又有一對預備好了的驢子,驢子身上馱著兩百個餅,一百個葡萄乾餅,一百個夏天的果餅和一皮袋酒。
2Mambo akati kuna Zibha, Unodiniko nezvizvi? Zibha akati, Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vamwe.
2王問洗巴:“你為甚麼帶這些東西來?”洗巴回答:“驢子是給王的家眷騎的,餅和夏天的果餅是給年輕人吃的,酒是給在曠野裡疲乏的人喝的。”
3Mambo akati, Mwanakomana washe wako uripiko? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, wakasara Jerusaremu, nekuti wakati, Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.
3王又問:“你主人的孫子米非波設在哪裡?”洗巴回答王說:“唉!他還留在耶路撒冷,因為他心裡想:‘以色列家會把我祖父掃羅的王國歸還給我。’”
4Ipapo mambo akati kuna Zibha, Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha akati, Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo.
4王對洗巴說:“看哪!凡屬米非波設所有的,都歸給你了。”洗巴說:“我叩拜我主我王,願我在你眼前蒙恩!”
5Zvino mambo Dhavhidhi wakati asvika paBhahurimu, mumwe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mwanakomana waGera, akabudapo;
5大衛容忍示每大衛王來到巴戶琳的時候,忽然有一人從那裡出來,他是屬掃羅家族的,名叫示每,是基拉的兒子。他一邊出來,一邊咒罵;
6akabuda, akafamba achingotuka, akaposhera Dhavhidhi namabwe, navaranda vose vamambo Dhavhidhi; zvino vanhu vose navarume vose vesimba vakanga vari kurudyi rwake no kuruboshwe rwake.
6又拿石頭投擲大衛和大衛王所有的臣僕,那時眾人和眾勇士都在王的左右。
7Shimei akatuka akati, Chibva, chibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaisvoipa;
7示每咒罵的時候,這樣說:“你這流人血的人啊,滾開!你這無賴啊,滾開!
8Jehovha wakadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakanga wakabata ushe panzvimbo yake. Jehovha wakapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; tarira, wabatwa nezvakaipa zvako, nekuti uri munhu weropa.
8你流了掃羅全家的血,接替掃羅作王,耶和華已經把這罪報應在你身上;耶和華已經把這國交在你兒子押沙龍的手裡。看哪!你現在自取其禍了,因為你是個流人血的人。”
9Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, Imbwa iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.
9洗魯雅的兒子亞比篩對王說:“為甚麼讓這條死狗咒罵我主我王呢?讓我過去,把他的頭砍下來。”
10Mambo akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vana vaZeruya; ngaatuke hake, kana Jehovha achinge ati kwaari, Tuka Dhavhidhi, ndianiko ungati, Waitireiko kudai?
10王說:“洗魯雅的兒子啊,我與你們有甚麼關係呢?如果他咒罵是因為耶和華對他說:‘你要咒罵大衛!’那麼誰敢說:‘你為甚麼這樣作呢?’”
11Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nekuti Jehovha wakamuraira.
11大衛又對亞比篩和他所有的臣僕說:“看哪!連我親生的兒子尚且尋索我的命,何況這便雅憫人呢?由他去吧,由他咒罵吧!因為這是耶和華吩咐他的。
12Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi.
12也許耶和華看見我的苦難,就施恩與我,以取代今天這人對我的咒罵。”
13Naizvozvo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba havo nenzira, Shimei akaramba achifamba nomujinga megomo pakatarisana naDhavhidhi, akafamba achingotuka nokumuposhera namabwe, nokumupfumburira guruva.
13於是大衛和跟從他的人繼續在大路上往前去。示每也沿著山坡,與大衛並排而行,一邊走,一邊咒罵,又用石頭投擲他,拿塵土揚他。
14Mambo navanhu vose vakanga vanaye vakasvika vaneta, vakazororapo.
14王和所有與他在一起的人到了一個地方,都覺得累了,就在那裡舒展一下。
15Abhusaromu navanhu vose, ivo varume vaIsiraeri, vakasvika Jerusaremu, Ahitoferi anayewo.
15戶篩和押沙龍押沙龍和以色列眾人進了耶路撒冷,亞希多弗也與押沙龍在一起。
16Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, wakati asvika kuna Abhusaromu, Hushai akati kuna Abhusaromu, Mambo ngaararame, mambo ngaararame!
16大衛的朋友亞基人戶篩去見押沙龍,對他說:“願王萬歲!願王萬歲!”
17Abhusaromu akati kuna Hushai, Ndizvo zvakanaka zvaunoitira shamwari yako? Wakaregereiko kuenda neshamwari yako?
17押沙龍問戶篩:“你就以這樣的‘慈愛’待你的朋友嗎?你為甚麼沒有與你的朋友一同走呢?”
18Hushai akati kuna Abhusaromu, Kwete, asi wakatsaurwa naJehovha uye vanhu ava, uye navarume vose vaIsiraeri, ndiye wandichava wake, ndiye wandichagara naye.
18戶篩回答押沙龍:“不!耶和華和這民,以及以色列眾人所揀選的,我應該歸屬他,與他在一起。
19Uye ndingafanira kushumira aniko? Handifaniri kushumira mwanakomana wake here? Sezvandakashumira baba venyu, ndichakushumiraiwo imwi saizvozvo.
19再者,我要事奉誰呢?不是前王的兒子嗎?我以前怎樣事奉你的父親,我現在也必怎樣事奉你。”
20Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?
20押沙龍與大衛的妃嬪押沙龍對亞希多弗說:“你們出個主意,我們應該怎樣行才好?”
21Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa.
21亞希多弗對押沙龍說:“你去與你父親留下來看守王宮的那些妃嬪親近,這樣以色列眾人聽見你與你父親已經完全決裂,所有跟隨你的人的手就都更堅強了。”
22Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.
22於是有人為押沙龍在王宮的平頂上搭了一座帳棚,押沙龍就在以色列眾人眼前與他父親的妃嬪親近。
23Zvino mano aAhitoferi aakapa mazuva iwayo, akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi aakapa Dhavhidhi naAbhusaromu vose.
23那時,亞希多弗所出的策略,好像是人求問 神得來的話一樣。亞希多弗為大衛,或為押沙龍所出的策略都是這樣。