1Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;
1戶篩破壞亞希多弗的計謀亞希多弗又對押沙龍說:“求你准我挑選一萬二千人,今晚我要動身去追趕大衛,
2ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.
2趁他疲乏手軟的時候,忽然追上他,使他驚惶失措,與他在一起的人就必逃跑;我只要單單擊殺王一人,
3Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.
3使眾人都來歸你。你所尋索的那個人一死,眾人就都歸你了,眾人也可以平安無事。”
4Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri.
4押沙龍和以色列的眾長老都看這事為美。
5Ipapo Abhusaromu akati, Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.
5押沙龍說:“把亞基人戶篩召來,我們也聽聽他怎麼說。”
6Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.
6於是戶篩來見押沙龍,押沙龍問他說:“亞希多弗說了這樣的話,我們可以照著他的話去行嗎?如果不可以,請你提議吧!”
7Hushai akati kuna Abhusaromu, Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.
7戶篩回答押沙龍:“亞希多弗這次計劃的謀略不好。”
8Hushai akawedzera, akati, Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
8戶篩又說:“你知道你父親和那些跟隨他的人都是勇士;他們兇惡威猛,好像野地裡喪子的母熊一樣;並且你父親是個戰士,必不會與眾人在一起住宿。
9Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, ani nani unonzwa uchati, Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.
9現在他或躺在一個坑中,或在另一個地方,如果他首先攻擊你的手下,聽見的人就必說:‘跟從押沙龍的人被殺了!’
10Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nekuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
10那時,縱使有人像獅子一般勇敢,心裡也必驚慌,因為全以色列都知道你父親是個勇士,跟隨他的人都是英勇的人。
11Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
11因此,我建議把以色列眾人,從但到別是巴,都聚集到你這裡來,好像海邊的沙那樣多,然後你親自率領他們上戰場。
12Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasii kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo.
12無論我們在哪一個地方找到大衛,就攻擊他;我們臨到他,像露水降在地上一樣。這樣,他和跟隨他的人,就一個也不會留下。
13Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.
13如果他退入城裡去,以色列眾人就要帶繩子到那城去,我們要把那城拉到河裡去,使那裡連一塊小石頭也找不到。”
14Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nekuti Jehovha wakange atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
14押沙龍和以色列眾人都說:“亞基人戶篩的謀略比亞希多弗的好。”因為耶和華定意要破壞亞希多弗的好計謀,為要降災禍給押沙龍。
15Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapristi, Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.
15大衛接獲報告渡河而逃於是戶篩對撒督祭司和亞比亞他說:“亞希多弗為押沙龍和以色列的眾長老所策定的謀略是這樣這樣的,我所策定的謀略又是這樣這樣的。
16Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.
16現在你們要趕快派人去告訴大衛:‘今天晚上你不可在曠野的渡口住宿,務要過河,免得王和跟隨他的眾人都被吞滅。’”
17Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nekuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.
17那時,約拿單和亞希瑪斯停留在隱.羅結,他們不敢進城,怕被人看見。有一個婢女經常出來,把話告訴他們,然後他們再去告訴大衛王。
18Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakange ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.
18但有一個僕人看見他們,就去告訴押沙龍。因此,他們兩人急忙離開那裡,來到巴戶琳某人的家裡;那人的院子裡有一口井,他們就下到井裡。
19Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakune chinhu chakazozikamwa.
19那家的主婦拿了一塊大布,蓋在井口上,又在上面鋪了一些麥子,所以沒有人知道這件事。
20Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, Ahimaazi naJonatani varipiko? Mukadzi akati kwavari, Vayambuka rukova. Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.
20押沙龍的臣僕到這家來見那婦人,問她:“亞希瑪斯和約拿單在哪裡?”那婦人回答他們說:“他們已經過了河了。”於是臣僕搜索他們,卻沒有找著,就都回耶路撒冷去了。
21Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nekuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.
21亞希多弗自殺他們走了以後,兩人從井裡上來,去告訴大衛王,對大衛說:“你們要起來,趕快過河,因為亞希多弗已經定了這樣這樣的謀略攻擊你們。”
22Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Joridhani; kwakati koedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakange achigere kuyambuka Joridhani.
22於是大衛和跟隨他的眾人都起來,渡過約旦河;到了天亮,沒有一人還沒有渡過約旦河的。
23Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
23亞希多弗見自己的謀略不被採納,就預備了驢子,起程往本城自己的家去。他安排好了家裡的事,就上吊死了,埋葬在他父親的墳墓裡。
24Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Joridhani, iye navarume vose valsiraeri, vaakanga anavo.
24押沙龍追殺大衛大衛到了瑪哈念,押沙龍和跟隨他的以色列眾人也都過了約旦河。
25Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakange ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakange apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munin'ina waZeruya, amai vaJoabhu.
25押沙龍派亞瑪撒統率軍隊,作軍隊的元帥,取代約押。亞瑪撒是以實瑪利人以特拉的兒子。以特拉曾經與拿轄的女兒亞比該親近過;亞比該和約押的母親洗魯雅是姊妹。
26VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriyadhi.
26以色列人和押沙龍都在基列地安營。
27Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,
27大衛到了瑪哈念的時候,亞捫族的拉巴人拿轄的兒子朔比、羅.底巴人亞米利的兒子瑪吉、基列的羅基琳人巴西萊,
28vakauya nenhovo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,
28帶來寢具、碗盤、瓦器、小麥、大麥、麵粉、炒麥、豆子、紅豆、炒豆、
29nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vaakanga anavo vadye; nekuti vakati, Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje.
29蜂蜜、奶油、綿羊和乳酪送給大衛和跟隨他的人吃,因為他們說:“這些人在曠野一定又飢餓,又疲倦,又口渴了。”