Shona

聖經新譯本

Acts

13

1Zvino paivapo paAndiyokiya mukereke vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
1巴拿巴和掃羅奉差遣安提阿教會中,有幾位先知和教師,就是巴拿巴、名叫尼結的西面、古利奈人路求、與分封王希律一同長大的馬念,和掃羅。
2Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene ukati: Nditsaurirei Banabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
2他們事奉主,並且禁食的時候,聖靈說:“要為我把巴拿巴和掃羅分別出來,去作我呼召他們作的工。”
3Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
3於是他們禁食禱告,為兩人按手,就派他們去了。
4Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa neMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
4第一次宣教旅程他們既然奉聖靈差遣,就下到西流基,從那裡坐船往塞浦路斯。
5Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge evaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
5他們到了撒拉米,就在猶太人的各會堂裡宣講 神的道,還有約翰作他們的助手。
6Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bhari-Jesu.
6他們走遍全島,到了帕弗,遇見一個猶太人,名叫巴.耶穌,是個術士,又是個假先知。
7Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
7他常常和省長士求.保羅在一起;省長是個聰明人,他請了巴拿巴和掃羅來,要聽聽 神的道。
8Asi Erimasi n'anga, nekuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
8但術士以呂馬(以呂馬就是“術士”的意思)與使徒作對,要使省長轉離真道。
9Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
9掃羅,也就是保羅,卻被聖靈充滿,定睛看著他,
10wakati: Iwe uzere nekubiridzira kose nekunyengera kose, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kose, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
10說:“你這充滿各樣詭詐和各樣奸惡的人,魔鬼的兒子,公義的仇敵!你歪曲了主的正路,還不停止嗎?
11Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
11你看,現在主的手臨到你,你要瞎了眼睛,暫時看不見陽光。”他就立刻被霧和黑暗籠罩著,周圍找人牽他的手,給他領路。
12Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
12那時,省長看見了所發生的事,就信了,因為他驚奇主的教訓。
13Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
13在彼西底的安提阿保羅和同伴從帕弗開船,來到旁非利亞的別加,約翰卻離開他們,回耶路撒冷去了。
14Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
14他們從別加往前走,到了彼西底的安提阿,在安息日進了會堂,就坐下來。
15Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekuridziro kuvanhu, taurai.
15宣讀了律法和先知書以後,會堂的理事們派人到他們那裡來,說:“弟兄們,如果有甚麼勸勉眾人的話,請說吧!”
16Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
16保羅就站起來,作了一個手勢,說:“以色列人和敬畏 神的人,請聽!
17Mwari wevanhu urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
17以色列民的 神,揀選了我們的祖先;當他們在埃及地寄居的時候, 神抬舉這民,用大能(“大能”原文作“高”)的膀臂,把他們從那地領出來;
18Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inene makore makumi mana murenje.
18又在曠野容忍(“容忍”有些抄本作“養育”)他們,約有四十年之久;
19Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
19滅了迦南地的七族之後,就把那地分給他們為業;
20Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
20這一切歷時約四百五十年。後來 神賜給他們士師,直到撒母耳先知為止。
21Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakaomana waKishi, murume werudzi rwaBenjamini, kwemakore makumi mana.
21那時,他們要求立一個王, 神就把便雅憫支派中一個人,基士的兒子掃羅,賜給他們作王,共四十年之久。
22Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume unoenderana nemoyo wangu, uchaita chido changu chose.
22廢去掃羅之後,又為他們興起大衛作王,並且為他作證說:‘我找到耶西的兒子大衛,他是合我心意的人,必遵行我的一切旨意。’
23Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
23 神照著應許,已經從這人的後裔中,給以色列帶來了一位救主,就是耶穌。
24iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vose vaIsraeri.
24在他來臨之前,約翰早已向以色列全民宣講悔改的洗禮。
25Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo rwake, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu unouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
25約翰快要跑完他的路程的時候,說:‘你們以為我是誰?我不是基督。他是在我以後來的,我就是給他解腳上的鞋帶也不配。’
26Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahamu, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
26“弟兄們,亞伯拉罕的子孫,和你們中間敬畏 神的人哪,這救恩之道是傳給我們的。
27Nekuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, kana manzwi evaporofita anoverengwa zuva resabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumurasha;
27住在耶路撒冷的人和他們的官長,因為不認識基督,也不明白每逢安息日所讀的先知的話,就把他定了罪,正好應驗了先知的話。
28uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
28他們雖然找不出該死的罪狀,還是要求彼拉多殺害他。
29Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
29他們把所記載一切關於他的事作成了,就把他從木頭上取下來,放在墳墓裡。
30Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa;
30但 神卻使他從死人中復活了。
31iye wakaonekwa mazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
31有許多日子,他向那些跟他一同從加利利上耶路撒冷的人顯現,現在這些人在民眾面前作了他的見證人,
32Nesu tinoparidza kwamuri mashoko emufaro echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
32我們報好信息給你們: 神給列祖的應許,
33kuti Mwari wakazadzisa ichocho kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsazve Jesu sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
33藉著耶穌的復活,向我們這些作子孫的應驗了。就如詩篇第二篇所記的:‘你是我的兒子,我今日生了你。’
34Zvino zvekuti wakamumutsa kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
34至於 神使他從死人中復活,不再歸於朽壞,他曾這樣說:‘我必把應許大衛的、神聖可靠的恩福賜給你們。’
35Naizvozvo unoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora;
35所以他在另一篇說:‘你必不容你的聖者見朽壞。’
36nekuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
36“大衛在他自己的世代裡,遵行了 神的計劃,就睡了,歸回他列祖那裡,見了朽壞。
37asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
37唯獨 神所復活的那一位,沒有見過朽壞。
38Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kangamwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
38所以弟兄們,你們當知道,赦罪之道是由這位耶穌傳給你們的。在你們靠摩西律法不能稱義的一切事上,
39uye neuyu vose vanotenda vanonzi havana mhosva pazvinhu zvose zvamakange musingagoni kushaiswa mhosva pazviri nemurairo waMozisi.
39信靠他的人就得稱義了。
40Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
40你們要小心,免得先知書上所說的臨到你們:
41Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamiswe, nekuparara; nekuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatozombotendi, kunyange muchirirondedzerwa nemunhu.
41‘傲慢的人哪!你們要看、要驚奇、要滅亡,因為在你們的日子,我要作一件事,就算有人告訴你們,你們總是不信。’”
42Zvino pakubuda kwevaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa aparidzwe kwavari pasabata raitevera.
42保羅和巴拿巴出來的時候,眾人請求他們下一個安息日再對他們講這些話。
43Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji vevaJudha nevakatendeukira kuvaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivakumbira kuti varambire munyasha dzaMwari.
43散會以後,許多猶太人和歸信猶太教的虔誠人,跟從了保羅和巴拿巴。兩人對他們談話,勉勵他們要恆久住在 神的恩典中。
44Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
44下一個安息日,幾乎全城的人都聚了來,要聽主的道。
45Zvino vaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
45猶太人看見這麼多人,就滿心嫉妒,反駁保羅所講的,並且毀謗他們。
46Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu hwusingaperi, tarirai, zvino tinotendeukira kuvahedheni.
46保羅和巴拿巴卻放膽說:“ 神的道,先講給你們聽,是應該的。但因為你們棄絕這道,斷定自己不配得永生,所以我們現在就轉向外族人去了。
47Nekuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, Kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
47因為主曾這樣吩咐我們說:‘我已立你作外族人的光,使你把救恩帶到地極去。’”
48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevose vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda;
48外族人聽見了就歡喜,讚美主的道,凡指定得永生的都信了。
49uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rose.
49於是主的道傳遍那地。
50Asi vaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevarume vakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
50但猶太人唆使虔誠尊貴的婦女和城內的顯要,煽動大家迫害保羅和巴拿巴,把他們驅逐出境。
51Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikoniyamu.
51兩人當眾跺掉腳上的塵土,往以哥念去了。
52Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.
52門徒滿有喜樂,又被聖靈充滿。