Shona

聖經新譯本

Acts

14

1Zvino zvakaitika paIkoniyamu, vakapinda pamwe musinagoge revaJudha, vakataura zvokuti chaunga chikuru chevaJudha nechevaGiriki chakatenda.
1在以哥念保羅和巴拿巴在以哥念照樣進猶太的會堂講道,結果一大群猶太人和希臘人都信了。
2Asi vaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
2但不順從的猶太人,煽動外族人,激起他們仇恨的心,來反對弟兄們。
3Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe unopupurira shoko renyasha dzake, uye unovapa kuita zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
3兩人卻仍住了很久,靠著主放膽講論,主也藉著他們的手行神蹟奇事,證實他恩惠的道。
4Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva nevaJudha, vamwe nevaapositori.
4城裡眾人就分裂了,有的附從猶太人,也有的附從使徒。
5Zvino kwakati kwava nekushusha kwevahedheni nekwevaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
5當時,外族人、猶太人,和他們的首領,蠢蠢欲動,想要侮辱使徒,用石頭打他們。
6vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
6兩人知道了,就逃往呂高尼的路司得和特庇兩城,以及周圍的地方,
7neipapo vakaparidza evhangeri.
7在那裡傳福音。
8Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka dzake, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
8在路司得路司得城有一個雙腳無力的人,坐在那裡。他生來就是瘸腿的,從來沒有走過路。
9Uyo wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti une rutendo kuti aporeswe,
9他聽保羅講道;保羅注視他,見他有信心,可以治好,
10akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
10就大聲說:“你起來,兩腳站直!”他就跳起來,並且走起路來。
11Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nerurimi rwechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
11眾人看見保羅所作的事,就用呂高尼話大聲說:“有神明成了人形,降到我們這裡來了!”
12Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Hemesi, nekuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
12於是他們稱巴拿巴為宙斯,稱保羅為漢密士,因為保羅帶頭講話。
13Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubayira pamwe nechaunga.
13城門前宙斯廟的祭司,牽著幾頭公牛,拿著一些花圈來到門口,要同群眾一起獻祭。
14Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
14巴拿巴和保羅兩個使徒聽見了,就撕裂衣服,跳進群眾中間,喊著說:
15ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.
15“各位,為甚麼這樣作呢?我們也是人,性情和你們一樣,我們傳福音給你們,正是要你們遠離這些虛妄的事,歸向永活的 神,就是那創造天、地、海和其中萬物的 神。
16Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
16在從前的世代裡,他容忍萬國各行其道,
17Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka nekutipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nechikafu nemufaro.
17然而卻未嘗不為自己留下明證,就如常常行善事,從天上降下雨來,常常賞賜豐年,使你們吃喝充足,滿心歡樂。”
18Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kwazvo kugumisa zvaunga kubayira kwavari.
18兩人說完了這些話,這才阻止群眾,不向他們獻祭。
19Asi kwakasvika vaJudha vakabva Andiyokiya neIkoniyamu, vanyengetedza zvaunga, zvino vakati vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachiti wafa.
19但有些猶太人,從安提阿、以哥念來,挑唆群眾,用石頭打保羅,以為他死了,就拖到城外去。
20Asi vadzidzi vakati vamuunganira, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akasimuka naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
20門徒正圍著他的時候,他竟然站起來,走進城裡去了。第二天,他跟巴拿巴一同到特庇去。
21Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkoniyamu neAndiyokiya,
21結束第一次宣教旅程他們在那城裡傳福音,使許多人作了門徒,然後回到路司得、以哥念、安提阿,
22vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
22堅固門徒的心,勸他們恆守所信的道,又說:“我們進入 神的國,必須經歷許多苦難。”
23Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
23兩人在各教會為他們指派了長老;禁食祈禱之後,就把他們交託給所信的主。
24Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
24兩人經過彼西底,來到旁非利亞,
25Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
25在別加講道以後,就下到亞大利。
26vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari kubata basa ravakange vapedzisa.
26從那裡坐船往安提阿。從前眾人就是在這地方,把他們交託在 神的恩典中,派他們去工作,現在他們已經完成了。
27Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose Mwari zvakange aita kubudikidza navo, uye kuti wakange azarurira sei mukova werutendo vahedheni.
27他們到了那裡,就召集了會眾,報告 神跟他們一起所行的一切,並且他為外族人開了信道的門。
28Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.
28兩人同門徒住了不少日子。