1Mhirizhonga yakati yamira, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, ndokubuda kuti aende Makedhonia.
1往馬其頓及希臘騷亂平息以後,保羅派人把門徒請了來,勸勉一番,就辭別起行,往馬其頓去。
2Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira zvikuru nemashoko mazhinji, akasvika Girisi.
2他走遍那一帶地方,用許多話勸勉眾人,然後來到希臘。
3Akati agara mwedzi mitatu, zano raitwa nevaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda Siria nechikepe, akazvipira kudzokera nepaMakedhonia.
3他在那裡住了三個月,正要坐船往敘利亞去的時候,有些猶太人設計要害他,他就決意路經馬其頓回去。
4Akaperekedzwa naSopatro weBheriya, neveTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTrofimo veAsia.
4與他同行的有比里亞人畢羅斯的兒子所巴特,帖撒羅尼迦人亞里達古和西公都,特庇人該猶和提摩太,亞西亞人推基古和特羅非摩。
5Ivo vakatungamira vakatimirira paTroasi.
5這些人先走,在特羅亞等候我們。
6Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso; tikasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu; patakagara mazuva manomwe.
6至於我們,過了除酵節才從腓立比開船,五天後到特羅亞他們那裡,逗留了七天。
7Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, akagadzirira kuenda chifume; akaredzva mharidzo kusvikira pakati peusiku.
7在特羅亞使猶推古復活禮拜日,我們聚會擘餅的時候,保羅對大家講道,他因第二天就要起行,就一直講到半夜。
8Kwakange kune mwenje mizhinji muimba yekumusoro mavakange vakaungana.
8我們聚會的那座樓上,有許多燈火。
9Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro wakati achiramba achiparidza, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, rikasimudzwa rafa.
9有一個少年人,名叫猶推古,坐在窗臺上,因為保羅講得很長,他很困倦,沉沉地睡著了,就從三樓跌下來;把他扶起來的時候,已經死了。
10Ipapo Pauro akaburuka akawira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa, nekuti mweya waro uri mariri.
10保羅走下去,伏在他身上;把他抱住,說:“你們不要驚慌,他還活著。”
11Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa akadya, akataura nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.
11隨即回到樓上,擘餅吃了,又講了很久,直到天亮才走。
12Vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.
12他們把活著的孩子帶走,得到很大的安慰。
13Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe Aso, takananga kukwidza Pauro ipapo, nekuti wakange araira saizvozvo, iye achida kufamba netsoka.
13從特羅亞往米利都我們先上船,開往亞朔,照著保羅的安排,要在那邊接他,因為他自己要走陸路去。
14Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza, tikandosvika Mitirene;
14他在亞朔與我們會合,我們接他上船,去到米推利尼。
15tikabva ipapo nechikepe, fume tikasvika pakatarisana neKiyo; fume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu chifume tikasvika Mireto.
15從那裡開船,第二天到了基阿對面,過了一天就在撒摩靠岸,再過一天到了米利都。
16Nekuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, nekuti wakange asingadi kupedza nguva paAsia; nekuti waimhanya kuti kana zvichibvira ave paJerusarema nezuva rePendekosita.
16原來保羅決定越過以弗所,免得在亞西亞耽擱時間,因為他希望能在五旬節趕到耶路撒冷。
17Zvino ari paMireto akatumira Efeso akadana vakuru vekereke.
17保羅勸勉以弗所的長老他從米利都派人去以弗所,請教會的長老來。
18Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika paAsia, mugariro wandakaita pakati penyu nguva dzose,
18他們到了,保羅說:“你們知道,自從我到了亞西亞的第一天,我一直怎樣跟你們相處,怎樣服事主,
19ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kose, nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzakaipa dzevaJudha;
19凡事謙卑,常常流淚,忍受猶太人謀害的試煉。
20kuti handina sei kuvanza zvingakubatsirai asi ndakakuratidzai nekukudzidzisai pachena dzimba nedzimba;
20你們也知道,我從來沒有留下一件有益的事,不在眾人面前或在家裡告訴你們,教導你們。
21ndichipupura kwazvo zvose kuvaJudha nekuvaGiriki, kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.
21我對猶太人和希臘人都作過見證,要他們悔改歸向 神,信靠我們的主耶穌。
22Zvino tarirai, ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa mumweya, ndisingazivi zvichandiwira ikoko,
22現在,我的心靈受到催逼,要去耶路撒冷,我不知道在那裡會遭遇甚麼事,
23asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti zvisungo nenhamo zvakandigarira.
23只知道在各城裡聖靈都向我指明,說有捆鎖和患難在等著我。
24Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari.
24但我並不珍惜自己的性命,只求跑完我的路程,完成我從主耶穌所領受的職分,為 神恩惠的福音作見證。
25Zvino tarirai, ndinoziva kuti imwi mose vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changuzve.
25“我曾在你們那裡走遍各地,宣揚 神的國。現在,我知道你們眾人不會再見我的面了。
26Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa revanhu vose;
26所以我今天向你們作證,我是清白的,與眾人的罪(“罪”原文作“血”)無關。
27nekuti handina kuvanza kukuparidzirai zano rose raMwari.
27因為 神的全部計劃,我已經毫無保留地傳給你們了。
28Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rose pamusoro paro Mweya Mutsene pawakakuitai vatariri, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
28聖靈既然立你們為全群的監督,牧養 神用自己的血所贖來的教會,你們就應當為自己謹慎,也為全群謹慎。
29Nekuti ndinoziva izvi kuti kana ndaenda mapumhi anorura achapinda pakati penyu asingaregi boka.
29我知道在我離開之後,必有兇暴的豺狼進入你們中間,不顧惜羊群。
30Uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
30你們自己中間也必有人起來,講些歪曲悖謬的話,引誘門徒跟從他們。
31Naizvozvo rindai, murangarire kuti munguva yemakore matatu handina kurega siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.
31所以你們應當警醒,記念我三年之久,晝夜不停地帶著眼淚勸戒你們各人。
32Uye ikozvino hama ndinokukumikidzai kuna Ishe, nekushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevakaitwa vatsvene vose.
32現在我把你們交託給 神和他恩惠的道;這道能建立你們,也能在所有成聖的人中賜基業給你們。
33Handina kuchiva sirivheri kana ndarama kana nguvo yemunhu.
33我從來沒有貪圖任何人的金銀或衣服。
34Imwi mumene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevanhu vandaiva navo.
34我這兩隻手,供應了我和同伴的需要,這是你們自己知道的。
35Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vasina simba, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.
35我凡事以身作則,你們必須照樣辛勞,扶助軟弱的人,並且記念主耶穌的話:‘施比受更為有福。’”
36Zvino wakati ataura saizvozvi, akafugama, akanyengetera navo vose.
36他說了這些話,就跪下來同大家一起禱告。
37Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,
37眾人都痛哭,伏在保羅的頸上,與他親嘴。
38vachishungurudzika kwazvo neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
38他們最傷心的,是保羅說他們不會再見他的面那句話。最後他們送他上了船。