Shona

聖經新譯本

Acts

21

1Zvino zvakaitika kuti taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama muKose, fume muRodhe, tikabvapo, tikasvika Patara;
1結束第三次宣教旅程我們離別了他們以後,船就直航到了哥士,第二天到羅底,從那裡開往帕大拉;
2tikati tawana chikepe, chaiyambukira Fonisiya, tikapinda, tikaenda nechikepe.
2遇見了一艘開往腓尼基的船,就上船起行。
3Takati toona Saipuresi, tikaisiya kuruoko rweruboshwe, tichienda Siria nechikepe, tikamhara paTire; nekuti chikepe chaifanira kututunura mutoro wacho ipapo;
3我們遠遠看見塞浦路斯,就從南邊駛過,直航敘利亞,在推羅靠了岸,因為船要在那裡卸貨。
4zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati kubudikidza nemweya kuna Pauro arege kukwira kuJerusarema.
4我們找到了一些門徒,就在那裡住了七天。他們憑著聖靈的指示告訴保羅不要上耶路撒冷去。
5Zvino takati tapedza mazuva iwayo takabuda tikaenda; uye vose vakatiperekedza nevakadzi nevana, kusvikira kunze kweguta; ipapo tikafugama pamahombekombe tikanyengetera.
5過了這幾天,我們就啟程前行,他們眾人帶著妻子兒女送我們到城外。我們跪在海灘上禱告,互相道別。
6Tawonekana takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
6我們上了船,他們就回家去了。
7Isu takati tapedza rwendo kubva Tire, tikasvika Pitoremai, tikakwazisa hama, tikagara navo zuva rimwe.
7我們從推羅繼續航行,到了多利買,問候那裡的弟兄,與他們同住了一天。
8Zvino fume isu taiva veboka raPauro tikabva, tikasvika Kesariya; zvino tikapinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
8第二天我們離開那裡,來到該撒利亞,到了傳福音的腓利家裡,與他住在一起。他是那七位執事中的一位。
9Iyeyu wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
9他有四個女兒,都是童女,是會說預言的。
10Zvino takati tichigarap mazuva mazhinji, kwakauya kubva Judhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
10我們住了幾天之後,有一位先知,名叫亞迦布,從猶太下來。
11uye wakati asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo nemaoko, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nekumuisa mumaoko avahedheni.
11他來見我們,把保羅的腰帶拿過來,綁住自己的手腳,說:“聖靈說,猶太人在耶路撒冷要這樣捆綁這腰帶的主人,把他交在外族人的手裡。”
12Zvino takati tichinzwa zvinhu izvi, isu tose nevenzvimbo iyo tikamukumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
12我們聽了這些話,就和當地的人勸保羅不要去耶路撒冷。
13Asi Pauro akapindura, akati; Munoitei, muchichema nekuodza moyo wangu? Nekuti ini ndakagadzirira kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
13保羅卻回答:“你們為甚麼哭,使我心碎呢?我為主耶穌的名,不但被捆綁,就算死在耶路撒冷我也都準備好了。”
14Zvino wakati achiramba kudzorwa, tikanyarara tikati: Kuda kwaIshe ngakuitwe.
14他既然不聽勸,我們只說了“願主的旨意成就”,就不出聲了。
15Zvino shure kwem, takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
15過了幾天,我們收拾行裝,上耶路撒冷去。
16Nevamwe vadzidzi veKesariya vakaenda nesu, uye vakauya neumwe Minaasoni weSaipuresi, mudzidzi wakare watainogara naye.
16有該撒利亞的幾個門徒同我們在一起,領我們到一個塞浦路斯人拿孫家裡住宿;他作了門徒已經很久了。
17Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzikatigamuchira nemufaro.
17保羅報告工作的情況我們到了耶路撒冷,弟兄們歡歡喜喜接待我們。
18Fume Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; nevakuru vose vakange varipo.
18第二天,保羅和我們一同去見雅各,長老們也都在座。
19Zvino wakati avakwazisa, ndokuvarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevahedheni nekushumira kwake.
19保羅問候了他們,就把 神藉著他的工作在外族人中所行的事,一一述說出來。
20Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe, vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zvevaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;
20他們聽了,就讚美 神,對保羅說:“弟兄,你看,猶太人中信主的有好幾萬,都是對律法很熱心的人。
21zvino vakaudzwa nezvako kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
21他們聽說,你教導所有在外族人中的猶太人背棄摩西,叫他們不要給孩子行割禮,也不要遵守規例。
22Zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane, nekuti vachanzwa kuti wasvika.
22他們總會聽見你來了,那怎麼辦呢?
23Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tine varume vana vane mhiko;
23你就照我們的話作吧,我們這裡有四個人,都有願在身。
24zvino uvatore, uzvinatse pamwe navo, uvaripire kuti vaveure misoro; kuti vose vazive kuti zvose zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo; asi iwewo pachako unofamba zvakanaka uchichengeta murairo.
24你把他們帶去,和他們一同行潔淨禮,並且替他們付錢,讓他們剃去頭髮,這樣大家就知道以前所聽見關於你的事,都不是真實的,也知道你是遵守律法循規蹈矩而行的人。
25Asi maererano nevahedheni vanotenda, takavanyorera nekutema kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
25至於信主的外族人,我們已經寫了信,吩咐他們要禁戒祭偶像的食物、血、勒死的牲畜和淫亂。”
26Ipapo Pauro akatora varume avo zuva raitevera, akazvinatsa pamwe navo, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwemazuva okunatsa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe.
26保羅就把那幾個人帶走了,第二天和他們一同行了潔淨禮。他們進了殿,報明了他們潔淨期滿的日子,以及各人獻祭的時間。
27Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha vaibva Asia vakamuona mutembere, vakamutsa vanhu vose vakaisa maoko kwaari.
27保羅在聖殿被猶太人捉住七日將完的時候,從亞西亞來的猶太人看見保羅在殿裡,就煽動群眾,並且捉住他,
28vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vose kose-kose zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino, pamusoro pazvo unouisa vaGiriki mutembere, achisvibisa nzvimbo ino tsvene.
28喊叫著說:“以色列人哪,快來幫忙!這個人到處教人反對人民,反對律法和這個地方,他甚至把希臘人也帶進殿裡,污穢了這聖地。”
29Nekuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifungidzira kuti Pauro wakamuuisa mutembere.
29原來他們看見過以弗所人特羅非摩同保羅在城裡,就以為保羅帶他進了殿。
30Neguta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.
30於是全城震動,民眾一齊跑來,捉住保羅,拉出殿外,殿門就立刻關起來了。
31Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chemazana chehondo, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.
31他們正想殺他的時候,有人報告營部的千夫長,說:“整個耶路撒冷都亂了!”
32Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari. Ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
32千夫長立刻帶著士兵和百夫長跑到他們那裡。眾人一看見千夫長和士兵,就停止毆打保羅。
33Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri; akabvunza kuti wainzi ani, uye kuti waitei.
33於是千夫長上前捉住保羅,吩咐人用兩條鐵鍊捆住他,問他是甚麼人,作過甚麼事。
34Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi noekuda kwenyonganyonga, akaraira kuti vamuise kuimba yemauto.
34那時眾人叫這個喊那個,吵吵鬧鬧,以致千夫長沒有辦法知道真相,只好下令把保羅帶到營樓去。
35Wakati achisvika pamitanho, akaita zvekutakurwa nemauto nekuda kwebongozozo rechaunga;
35保羅到了臺階下面的時候,士兵把他抬起來,因為群眾猛擠,
36nekuti chaunga chevanhu chakatevera, chichidanidzira, chichiti: Mubvisei!
36而且有一群人跟在後面叫喊:“幹掉他!”
37Zvino Pauro oda kupinzwa muimba yemauto wakati kumukuru wechuru: Ko ndingataura nemwi here? Iye akati: Unoziva chiGiriki here?
37保羅為自己申辯(徒9:1~22,26:9~18)他們帶著保羅快到營樓的時候,保羅對千夫長說:“我可以跟你講一句話嗎?”千夫長說:“你懂希臘話嗎?
38Ko hausi uya muEgipita wakadeya kumutsa bongozozo pamazuva apfuura here; akaendesa murenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
38難道你不就是不久以前作亂的、帶領四千個殺手到曠野去的那個埃及人嗎?”
39Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta risiri duku. Zvino ndinokukumbirai: Nditenderei kutaura kuvanhu.
39保羅說:“我是猶太人,是基利家的大數人,並不是無名小城的公民,求你准我向民眾講幾句話。”
40Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:
40千夫長准許了他,保羅就站在臺階上,向民眾作了一個手勢。大家安靜下來了,保羅就用希伯來語講話,說: