1Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba.
1巴比倫王攻陷耶路撒冷猶大王約雅敬在位第三年,巴比倫王尼布甲尼撒來到耶路撒冷,把城圍困。
2Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake.
2主把猶大王約雅敬和 神殿中的一部分器物交在尼布甲尼撒手裡,他就把這些器物帶到示拿地的神廟那裡,存放在廟中的寶庫裡。
3Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda;
3但以理與三友被選入宮王吩咐他的太監長亞施毗拿說:“你要從以色列人中,把一些王室的後裔和貴族帶進來;
4majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea.
4這些年輕人必須沒有殘疾、英俊、足智多才、有高度學習能力、明察事理,而且他們必須有能力可以在王宮裡工作。你要教他們學習迦勒底的文學和語言。”
5Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaaimwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo.
5王指定每日給他們一份御用的佳餚美酒;又教養他們三年。期滿以後,他們就侍立在王面前。
6Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha.
6他們中間有猶大人但以理、哈拿尼雅、米沙利、亞撒利雅。
7Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego.
7太監長給他們起了新的名字,稱但以理為伯提沙撒,哈拿尼雅為沙得拉,米沙利為米煞,亞撒利雅為亞伯尼歌。
8Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvinorese nezvokudya zvamambo kana newaini yaaimwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvinoresa.
8但以理決心不用王膳但以理決心不讓御用的佳餚美酒玷污自己,所以求太監長幫助他,使他不用玷污自己。
9Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.
9於是 神使但以理在太監長面前得著恩惠和同情。
10Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokumwa; nekuti achaonereiko zviso zvenyu zvakasuruvara kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchapinza musoro wangu munjodzi kuna mambo.
10只是太監長對但以理說:“我懼怕我主我王,他已指定了你們應用的飲食;如果他見到你們的面色比你們同歲的年輕人憔悴難看,你們就使我的頭在王面前保不住了。”
11Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari,
11後來但以理對太監長分派看管但以理、哈拿尼雅、米沙利、亞撒利雅的人說:
12Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo yeminyemba tidye, nemvura timwe.
12“請你試試僕人十天,容我們只吃素菜、喝清水。
13Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona.
13然後,請你觀察我們的容貌,和那些享用王的佳餚的年輕人的容貌,就照著你觀察的結果,待你的僕人吧!”
14Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi.
14吃素喝水健康更佳看管他們的人就允准他們的這個要求,試試他們十天。
15Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo.
15過了十天,見他們的容貌比所有享用王的佳餚的年輕人,更加俊美健壯。
16Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vamwe, akavapa mirivo.
16看管他們的人就撤去指定給他們享用的佳餚美酒,讓他們吃素菜。
17Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakange achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
17主賜知識聰明出眾超群這四個年輕人在各種文字和學問上, 神都賜他們知識和聰明;但以理並且能明白一切異象和異夢。
18Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari.
18到了王吩咐帶所有年輕人進宮的日子,太監長就領他們到尼布甲尼撒王面前。
19Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo.
19王和他們談話,發現他們所有的人中,沒有一個比得上但以理、哈拿尼雅、米沙利、亞撒利雅的;他們四人就侍立在王面前。
20Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen'anga dzose dzaiva paushe hwake.
20王考問他們一切智慧和聰明的事,就發現他們比全國所有的術士和用法術的更勝十倍。
21Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.
21直到古列王元年,但以理還在。