1Ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsiraeri vose mhiri kwaJoridhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi.
1引言:摩西憶述往事以下是摩西在約旦河東的曠野,疏弗對面的亞拉巴,就是在巴蘭和陀弗、拉班、哈洗錄、底撒哈之間,向以色列人所說的話。
2Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi-bharinea, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe.
2從何烈山經過西珥山的路,到達加低斯.巴尼亞,共有十一天的路程。
3Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye;
3出埃及以後第四十年十一月一日,摩西照著耶和華吩咐他一切關於以色列人的話,都告訴了他們。
4wakati akunda Sihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, wakange agere Ashitaroti, paEdhirei,
4當時,他已經擊敗了住在希實本的亞摩利人的王西宏,和住在亞斯他錄與以得來的巴珊王噩。
5Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu vari mhiri kwaJoridhani, panyika yokwaMoabhu, akati,
5摩西在約旦河東的摩押地,開始講解這律法,說:
6Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, Makagara nguva yakaringana pagomo iri.
6“耶和華我們的 神,在何烈山告訴我們:‘你們在這山上住夠了;
7Dzokai, mufambe, muende kumakomo avaAmori nokunzvimbo dzakavakidzana navo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKanani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
7現在你們要轉回,起程到亞摩利人的山地去,到那些住在亞拉巴、山地、低地、南地、沿海一帶、迦南人的地、黎巴嫩,直到大河,就是幼發拉底河一帶的地方去。
8Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakove, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.
8看哪,我把這地擺在你面前,你們要進去,佔領這地為業,就是耶和華向你們列祖亞伯拉罕、以撒、雅各起誓應許給他們和他們的後裔的地。’
9Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;
9選立智慧人為首領(出18:13~27)“那時,我曾經對你們說:‘你們的重擔,我獨自一人無法擔當。
10Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyeredzi dzokudenga pakuwanda kwenyu.
10耶和華你們的 神使你們多起來;你們看,你們今日像天上的星那樣多。
11Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai.
11願耶和華你們列祖的 神,使你們比現在更多千倍,又照著他應許你們的話,賜福給你們。
12Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?
12我獨自一人怎能擔得起你們的重擔、責任和你們爭訟的事呢?
13Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikamwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.
13你們要按著支派選出一些有智慧、有見識、有經驗的人,我就立他們作你們的首領。’
14Mukandipindura, mukati, Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.
14你們回答我,說:‘你吩咐我們作的事很好。’
15Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vakazikamwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu.
15我就選出你們眾支派中的領袖,就是有智慧有經驗的人;按著你們的支派,立他們作管理你們的首領,就是作千夫長、百夫長、五十夫長、十夫長和其他官長。
16Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.
16“那時,我吩咐你們的審判官,說:‘你們在兄弟中聽訟,無論是兄弟彼此訴訟,或是與同居的外地人訴訟,都要按著公義審判。
17Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutowo mumwe; musatya munhu; nekuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
17審判的時候,不可偏袒人;無論貴賤尊卑,都要一樣地聽訟;不可怕人的情面,因為審判是屬於 神的;如果你們遇見難斷的案件,可以呈到我這裡來,讓我審斷。’
18Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita.
18那時,我把你們當作的一切事,都吩咐了你們。
19Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
19派人前往窺探迦南地(民13:1~24)“我們照著耶和華我們的 神吩咐我們的,從何烈山起行,走過你們所見那大而可怕的曠野,沿著到亞摩利人山地的路而行;後來到了加低斯.巴尼亞。
20Ndikati kwamuri, Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
20我對你們說:‘你們已經到了亞摩利人的山地,就是耶和華我們的 神賜給我們的。
21Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.
21看哪,耶和華你的 神已經把這地擺在你面前;你要照著耶和華你列祖的 神告訴你的上去,佔領那地;不要害怕,也不要驚惶。’
22Ipapo imwi makaswedera mose kwandiri, mukati, Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.
22你們眾人都走到我這裡來,說:‘我們要先派些人去,替我們窺探那地,然後把我們上去該走哪一條路,該進哪些城,向我們回報。’
23Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe.
23這話我很同意,就從你們中間選了十二個人,每支派一人。
24Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora,
24於是他們轉身出發,上了山地,到了以實各谷,窺探那地。
25Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
25他們手裡拿著那地的果子,帶下來到我們這裡,並且向我們回報,說:‘耶和華我們的 神要賜給我們的地是美地。’
26Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu;
26眾民缺乏信心(民13:25~33)“但你們不肯上去,竟違背了耶和華你們的 神的吩咐;
27mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze.
27你們在帳幕裡抱怨,說:‘耶和華因為恨我們,所以把我們從埃及地領出來,要把我們交在亞摩利人手中,消滅我們。
28Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa moyo yedu, dzichiti, Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.
28我們上哪裡去呢?我們的兄弟使我們心灰意冷,說:那地的人比我們高大;他們的城邑又大又堅固,高聳入天;我們在那裡還看見有亞衲族的人。’
29Ipapo ini ndakati kwamuri, Musavhunduka henyu, kana kuvatya.
29我就對你們說:‘不要驚恐,不要害怕他們。
30Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paEgipita pamberi penyu,
30耶和華你們的 神,就是那走在你們前面的那一位,他必為你們作戰,好像他在埃及,在你們面前,為你們所行的一切一樣,
31nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.
31並且在曠野裡,你們也看見了耶和華你們的 神,怎樣在你們所行的一切路上,背負你們,好像人背負自己的兒子一樣,直到你們來到了這地方。’
32Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu;
32雖然這樣,你們還是不信耶和華你們的 神;
33iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
33他在路上走在你們前面,為你們尋找安營的地方;夜間用火柱,日間用雲彩,指示你們當走的路。
34Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti,
34眾民的懲罰(民14:20~45)“耶和華聽見了你們說話的聲音,就惱怒,起誓說:
35Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu,
35‘這個邪惡世代的人,連一個也不能看見我起誓應許賜給他們列祖的美地;
36asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nekuti iye wakatevera Jehovha nomoyo wose.
36只有耶孚尼的兒子迦勒可以看見;並且我要把他踏過的地賜給他和他的子孫,因為他專心跟從了我耶和華。’
37Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, Newewo haungapindi ikoko;
37因為你們的緣故,耶和華也向我發怒,說:‘你也不能進入那地;
38Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nekuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.
38但是站在你面前侍候你的嫩的兒子約書亞,他可以進到那裡去;你要鼓勵他,因為他要使以色列人承受那地為業。
39Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo.
39還有你們的小孩子,你們說要被擄掠的,和你們的兒女,就是今天還不知道善惡的,他們都要進入那地;我要把那地賜給他們,他們要佔領那地。
40Asi kana murimwi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa dzvuku
40至於你們,你們要轉回,經往紅海的路,起程到曠野裡去。’
41Zvino imwi mukapindura, mukati kwandiri, Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu. Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
41“那時你們回答我,說:‘我們得罪了耶和華;現在我們願意照著耶和華我們 神的一切吩咐,上去作戰。’於是你們都預備了兵器,輕率地上山去了。
42Zvino Jehovha akati kwandiri, Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nekuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.
42耶和華對我說:‘你要對他們說:“你們不要上去,也不要作戰,因為我不在你們中間,免得你們在仇敵面前被擊敗。”’
43Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
43我就告訴你們,你們卻不聽從,竟違背耶和華的吩咐,擅自上山去了。
44Zvino vaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma.
44住在那山上的亞摩利人,就出來攻擊你們,好像蜂群一樣追趕你們,在西珥擊殺你們,直到何珥瑪。
45Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake.
45你們就回來,在耶和華面前哭,但耶和華不聽你們的聲音,也不向你們側耳。
46Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.
46於是你們在加低斯住了許多日子。”