Shona

聖經新譯本

Deuteronomy

14

1imwi muri vana vaJehovha Mwari wenyu; musazvitema,kana kuzviveura pakati pameso pamusoro pavakafa.
1禁戒某種喪事的風俗“你們是耶和華你們的 神的兒女,不可為了死人割傷自己的身體,也不可使你們的額上光禿;
2nekuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzavanhu vari panyika, kuti uve rudzi rwake chairwo.
2因為你是屬於耶和華你的 神的聖潔子民;耶和華從地上的萬民中揀選了你們,特作他自己的子民。
3Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.
3潔淨與不潔淨的動物(利11:1~20)“可厭惡之物,你都不可吃。
4Mhuka dzamungadya ndidzo: Mombe, negwai, nembudzi;
4你們可以吃的牲畜是以下這些:牛、綿羊、山羊、
5nenondo, nemhara, nemhembwe, netsoma, nemharapara, nenyati, nengururu.
5鹿、羚羊、赤鹿、野山羊、麋鹿、野羊、野鹿。
6Mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana, ine tsoka dzakaparadzana, inodzeya, ndidzo dzamungadya henyu.
6在走獸中,分蹄成兩蹄趾,又反芻的走獸,你們都可以吃。
7Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nekuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
7但是那些反芻或分蹄的走獸中,你們不可吃的有:駱駝、兔子和石獾,因為牠們反芻卻不分蹄,就對你們不潔淨。
8nenguruve; nekuti ina mahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, uye musabata zvitunha zvadzo.
8至於豬,因為牠分蹄卻不反芻,就對你們不潔淨。牠們的肉,你們不可吃;牠們的屍體,你們不可觸摸。
9Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi namakwande mungazvidya;
9“在水中,你們可以吃的,有以下這些:有鰭有鱗的,你們都可以吃。
10asi zvose zvisina zvimbi namakwande, musazvidya izvo, hazvina kunaka kwamuri.
10有鰭沒有鱗的,你們都不可吃;這是對你們不潔淨的。
11Mungadya shiri dzose dzakanaka.
11“潔淨的鳥類,你們都可以吃。
12Asi dzamusingafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
12你們不可吃的鳥類有以下這些:鷹、狗頭鷹、紅頭鷹、
13norukodzi, nenjerere, noruvangu namarudzi arwo;
13鳶、隼、黑隼,以及這一類的鳥;
14namarudzi ose amakunguvo;
14烏鴉和這一類的鳥;
15nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
15駝鳥、夜鷹、海鷹、雀鷹,以及這一類的鳥;
16nezizi duku, nezizi guru, nejichidza,
16小貓頭鷹、貓頭鷹、角鴟、
17nehukurwizi, negora, nekanyurura-hove;
17小梟、禿鵰、魚鷹、
18nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
18鸛、鷺,以及這一類的鳥;戴勝和蝙蝠。
19Zvose zvina mapapiro zvinokambaira zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri; hazvifaniri kudyiwa.
19有翅膀的昆蟲,對你們都不潔淨,你們都不可吃。
20Asi shiri dzose dzakanaka mungadzidya henyu.
20潔淨的鳥類,你們都可以吃。
21Musadya chinhu chakanora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuwo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nekuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
21“自死的動物,你們都不可吃;可以送給你城裡的寄居者吃,或是賣給外族人吃,因為你是歸耶和華為聖的子民;不可用山羊羔母的奶煮山羊羔。
22Utsaure zvakanaka zvegumi zvezvibereko zvose zvembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimwe nerimwe.
22什一奉獻的條例“你要把你撒種所產的,就是田地每年所出的,獻上十分之一。
23Unofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kugarisa zita rakepo, zvegumi zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nezvavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.
23又要把你的五穀、新酒和新油的十分之一,以及你牛群羊群中頭生的,在耶和華你的 神面前吃,就是在他選擇作他名的居所的地方吃,好使你可以學習常常敬畏耶和華你的 神。
24Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuzvisvitsako, nekuti nzvimbo iyo yawakatsaurirwa naJehovha Mwari wako, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, kana Jehovha Mwari wako akakuropafadza,
24耶和華你的 神賜福與你的時候,耶和華你的 神選擇要立為他名的地方,如果離你太遠,那路又太長,使你不能把供物帶到那裡去;
25unofanira kuzvitengesa nemari, ndokubata mari mumaoko ako, ugoenda kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako,
25你就可以換成銀子,把銀子拿在手裡,到耶和華你的 神選擇的地方去,
26ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikamwa nomoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva moyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
26你可以用這銀子隨意買牛羊、清酒和烈酒;你心想要的,都可以買;在那裡,你和你的家人,都要在耶和華你的 神面前吃喝歡樂。
27Uye muRevhi uri mukati mamasuwo ako, usamukangamwa, nekuti haana mugove kana nhaka newe.
27住在你城裡的利未人,你不可丟棄他,因為他在你們中間無分無業。
28Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuwo ako.
28“每三年之末,你要把那一年的全部出產的十分之一取出來,積存在你的城裡;
29Zvino muRevhi, zvaasina mugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuwo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose aunoita namaoko ako.
29這樣,利未人(因為他在你們中間無分無業),以及在你城裡的寄居者和孤兒寡婦,就可以來,吃得飽足;好叫耶和華你的 神,在你手所作的一切事上,賜福給你。”