1Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro.
1豁免年的條例(利25:1~7)“每七年的最後一年,你要施行豁免。
2Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwereti, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nekuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
2豁免的方式是這樣:債主都要把借給鄰舍的一切豁免了,不可向鄰舍和兄弟追討,因為耶和華的豁免年已經宣告了。
3Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura.
3如果借給外族人,你可以向他追討,但借給你的兄弟,無論你借的是甚麼,你都要豁免。
4Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako),
4在你中間必沒有窮人,因為在耶和華你的 神賜給你作產業的地上,耶和華必大大賜福給你。
5kana uchingoshingaira koga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
5只要你留心聽從耶和華你的 神的話,謹守遵行我今日吩咐你的一切誡命。
6Nekuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwereti, asi iwe usatora chikwereti; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
6因為耶和華你的 神,必照著他應許你的,賜福給你;你必借貸給許多國的民,卻不會向他們借貸;你必統治許多國的民,他們卻不會統治你。
7Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuwo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako;
7“但是在耶和華你的 神賜給你的地上,無論哪一座城裡,在你中間如果有一個窮人,又是你的兄弟,你對這窮苦的兄弟不可硬著心腸,也不可袖手不理。
8asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwereti zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira.
8你一定要向他伸手,照著他缺乏的借給他,補足他的缺乏。
9Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo, iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
9你要自己謹慎,不可心裡起惡念,說:‘第七年的豁免年近了’,你就冷眼對待你窮苦的兄弟,甚麼都不給他,以致他因你求告耶和華,你就有罪了。
10Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nekuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
10你必須給他,給他的時候,你不要心裡難受,因為為了這事,耶和華你的 神必在你一切工作上,和你所辦的一切事上,賜福給你。
11Nekuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.
11既然在地上必有窮人存在,所以我吩咐你說:‘你總要向你地上的困苦和貧窮的兄弟大伸援助之手。’
12Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake.
12對待奴婢的條例(出21:1~11)“你的兄弟,無論是希伯來男人,或是希伯來女人,如果賣身給你,要服事你六年;到第七年,就要讓他離開你得自由。
13Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu.
13你使他自由離開的時候,不可讓他空手而去;
14Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
14要從你的羊群、禾場、榨酒池中,多多地供給他;耶和華你的 神怎樣賜福給你,你也要怎樣分給他。
15Unofanira kurangarira iwe kuti wakange uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
15你要記得你在埃及地作過奴僕,耶和華你的 神救贖了你;因此我今日吩咐你這件事。
16Asi kana akati kwauri, Handidi hangu kubva kwamuri, nekuti unokuda iwe naveimba yako, nekuti unofara hake newe,
16如果他對你說:‘我不願離開你。’他說這話是因為他愛你和你的家,又因為他喜歡和你相處,
17ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo.
17那麼,你就要拿錐子,把他的耳朵在門上刺透,他就永遠作你的奴僕;對待你的婢女,你也要這樣行。
18Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nekuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
18你使他自由離開你的時候,不要為難,因為他服事了你六年,應得雇工雙倍的工資;這樣,耶和華你的 神必在你所作的一切事上,賜福給你。
19Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
19頭生牛羊的條例“你的牛群羊群中所生,是頭生雄性的,你都要把牠分別為聖歸給耶和華你的 神。你的牛群中頭生的,你不可用牠去耕田;你的羊群中頭生的,你不可給牠剪毛。
20Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako.
20你和你的家人,年年要在耶和華選擇的地方,在耶和華你的 神面前,吃這頭生的牲畜。
21Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako.
21這頭生的,如果有甚麼殘疾,像瘸腿或是瞎眼,無論有任何嚴重的殘疾,你都不可獻給耶和華你的 神。
22Unofanira kuchidya mukati mamasuwo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo.
22你可以在家裡吃,不潔淨的人和潔淨的人都一樣可以吃,像吃羚羊和鹿一樣。
23Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.
23只是不可吃牠的血;要把血倒在地上,像倒水一樣。”