1Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu.
1以下是傳道者,就是在耶路撒冷作王、大衛的兒子所說的話。
2Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!
2萬事令人厭倦都是虛空傳道者說:虛空的虛空。虛空的虛空,一切都是虛空。
3Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
3人的一切勞碌,就是他在日光之下的勞碌,對自己有甚麼益處呢?
4Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.
4一代過去,一代又來,地卻永遠存在。
5Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve.
5太陽升起,太陽落下,匆忙回到它上升之處。
6Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.
6風向南颳,又往北轉,循環周行,旋轉不息。
7Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.
7江河向海裡流,海卻不滿溢;江河之水歸回本源,循環流轉。
8Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.
8萬事都令人厭倦,人說,說不盡;眼看,看不飽;耳聽,聽不足。
9Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
9已有的事必再有,作過的事必再作;日光之下並無新事。
10Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira.
10有甚麼事人可以說:“看啊!這是新的”?其實,很久之前已經有了,在我們之前早就有了。
11Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.
11以前的事,無人記念;將來的事,後來的人也不追憶。
12Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu.
12智慧知識都是虛空那時,我傳道者在耶路撒冷作以色列的王。
13Ndikarwadza moyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.
13我曾用智慧專心尋求查究天下所發生的一切事;原來 神給予世人的,是勞苦的擔子,叫他們為此煩惱。
14Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
14我看過日光之下所發生的一切事,不料,一切都是虛空,都是捕風。
15Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa.
15彎曲的,不能弄直;缺少的,不能數算。
16Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.
16我自己心裡說:“我得了極大的智慧,勝過所有在我以前統治耶路撒冷的人;我見識了許多智慧與知識。”
17Asi ndakati ndichirwadza moyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo chete.
17我又專心究察智慧和知識,狂妄和愚昧,才知道這也是捕風。
18nekuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.
18因為多有智慧,就多有煩惱;加增知識,就加增痛苦。