1Rangarirawo Musiki wako pamazuva ovujaya bwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; panguva yauchazoti handifariri izvozvo;
1在你壯年的日子,當記念你的創造主。不要等到衰敗的日子,就是你所說:“我毫無喜樂”的那些年日臨到,
2zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
2日頭、光明、月亮、星宿變暗,雨後烏雲再現的時候。
3zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nekuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
3那時,看守房子的發抖,強壯的彎腰,推磨的稀少,都停了工,往窗外看的都昏暗了,
4mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
4當街的門口關閉,推磨的聲音微弱。雀鳥一叫,人就起來。唱歌的歌聲(“歌聲”原文作“女子”)都低微。
5Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kose kuchapera; nekuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha;
5人怕高處,怕路上有驚嚇。杏樹開花,蚱蜢蹣跚而行,催情果失效。因為人歸他永遠的家,哭喪的在街上遊行。
6rwonzi rwesirivha rusati rwasunungurwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
6銀鍊斷掉,金碗破裂,瓶子在泉旁破碎,打水的輪子在井邊破爛。
7guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
7塵土要歸回原來之地,靈要歸回賜靈的 神。
8Zvanzi noMuparidzi, Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!
8傳道者說:“虛空的虛空,一切都是虛空。”
9Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
9結論:敬畏 神,謹守誡命傳道者不但有智慧,還將知識教訓眾人;他既揣摩,又查考,也編撰了許多箴言。
10Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
10傳道者搜尋可喜悅的話,正確地寫下真理。
11Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
11智慧人的言語像刺棒,他們所彙集的箴言像釘牢的釘子,都是一位牧者所賜的。
12Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
12我兒,還有,你當受勸勉:著書多,沒有窮盡;讀書多,身體疲倦。
13Zvino magumo eshoko rose ranzwikwa ndirori: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nekuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
13你們一切都聽見了,總而言之,應當敬畏 神,謹守他的誡命,因為這是每一個人的本分。
14nekuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.
14人所作的每一件事,連一切隱藏的事,無論是善是惡, 神都必審問。