1Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.
1鬥爭勞碌都是虛空我又看見日光之下所發生一切欺壓的事:受欺壓的流淚,卻無人安慰他們;欺壓他們的,手裡握著權柄,因此無人安慰受欺壓的。
2Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.
2我讚歎那已死的人,勝過那還活著的人。
3Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu.
3那還沒生下來的,就是還沒看過日光之下所行的惡事的,比這兩種人更有福。
4Zvino ndakaona kubata kose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
4我看見各樣的勞碌和各樣精巧的工作,都是出於人與人彼此的競爭。這也是虛空,也是捕風。
5Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.
5愚昧人抱著手,吃自己的肉。
6Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika no kudzingana nemhepo.
6一掌盛滿安寧,勝過兩手抓滿勞碌捕風。
7Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva.
7我又看到日光之下有一件虛空的事。
8Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munin'ina, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nefuma. Anoti, Zvino ndinobatira ani, ndichinyima moyo wangu zvinhu zvakanaka? Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
8有人孤單無依,沒有兒子,沒有兄弟,仍勞碌不休,眼目也不以自己的財富為足。他問:“我勞勞碌碌,刻薄自己不去享受,是為誰呢?”這也是虛空,是勞苦的擔子。
9Vaviri vanopfuura mumwe, nekuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo.
9二人勝過一人,因為他們一起的勞碌有美好的酬報。
10nekuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.
10如果一個跌倒,另一個可以把他的同伴扶起來。但一人孤身跌倒,沒有別人把他扶起來,他就悲慘了。
11Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?
11還有,二人同睡,就都暖和;一人獨睡,怎能暖和呢?
12Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
12有人能制伏孤身一人,如果有二人就擋得住他。三股合成的繩子,不容易扯斷。
13Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.
13貧窮但有智慧的年輕人,勝過年老不再納諫的愚昧王。
14nekuti akabuda mutirongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyange paushe hwake akaberekwa ari murombo.
14雖然他是從監獄出來,在自己的國中,又是出身貧寒,卻起來作王。
15Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake.
15我看見所有在日光之下行走的活人,都隨從那取代老王的年輕人。
16Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
16所有的人民,就是他所統治的人民,多得無數;然而後來的人卻不喜歡他。這實在也是虛空,也是捕風。