1Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.
1世上福樂不能滿足人心我看見日光之下有一件憾事,重壓在世人身上。
2Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.
2蒙 神賜予財富、資產和榮譽的人,心裡所願的,都一無所缺,可是 神使他無力享用,反而有外人來享用。這是虛空,也是禍患。
3Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
3人如果生下百子,活了許多歲數,年日長久,但是心裡不因美物滿足,又得不到安葬,我以為流產的胎比他還好。
4nekuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;
4因為這胎虛虛而來,暗暗而去,黑暗把他的名字遮蔽了。
5uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.
5這胎既看不見天日,又一無所知,就比那人更得安息。
6Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?
6那人即使活了一千年,再活一千年,也享受不到甚麼;他們兩者不是都歸一個地方嗎?
7Kubata kose komunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
7人的一切勞碌都為口腹,他的心卻還是填不滿。
8nekuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.
8智慧人比愚昧人有甚麼長處呢?窮人在眾人面前知道怎樣行事為人,又有甚麼長處呢?
9Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka komweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
9眼睛看見的,勝過心中想望的。這也是虛空,也是捕風。
10Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi nowanomupfuura nesimba.
10已經存在的,早已有了名稱;大家都知道人是怎樣的;人絕對無法與比自己強的抗辯。
11nekuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?
11因為話語增多,虛空也增多,這對人有甚麼益處呢?
12nekuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? nekuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
12在虛空、消逝如影的人生,短暫的日子裡,有誰知道甚麼是對人有益處呢?誰能告訴人他死後在日光之下會發生甚麼事呢?