1Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
1智慧人懂得判斷時機誰像智慧人,誰知道事情的解釋呢?人的智慧使他容光煥發,使他臉上的戾氣轉消。
2Ndinoti, Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.
2我勸你,因為你指著 神起了誓,你就要遵守王的命令。
3Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nekuti anoita zvose zvaanoda.
3不要輕率離開王的面前,也不要參與惡事,因為王可以隨己意作任何事。
4nekuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, Munoiteiko?
4既然王的話有權柄,誰敢問他:“你在作甚麼?”
5Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.
5遵守命令的,必不遭受災禍;智慧人的心,曉得時機,懂得判斷。
6nekuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nekuti kushata komunhu kunomuremedza;
6各樣事務成就,都有合宜的時機和定局,儘管人的災禍重壓在自己身上。
7nekuti haazivi zvichazovapo; nekuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?
7他不曉得未來的事,將來要發生甚麼,誰能告訴他呢?
8Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukangamwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.
8沒有人能支配風(“風”或譯:“生命”),把它留住;沒有人能控制死期;戰爭之時,沒有人能免役;邪惡救不了行邪惡的人。
9Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
9敬畏 神終得福樂我看見了這一切,又專心查究在日光之下所發生的一切事。有這樣的一個時候:有人管轄別人,叫他受害。
10Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.
10然後我看見惡人得以埋葬,他們生前在聖地往來,而在他們這樣行的城中,竟被人遺忘。這也是虛空!(全節或譯:“然後我看見惡人得以埋葬,他們生前在聖地往來,並且在他們這樣行的城中,受人稱讚。這也是虛空!”或“然後我看見惡人得以埋葬,歸入墳墓;行正直的人卻與聖地隔離,在城中被人遺忘。這也是虛空!”)
11Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.
11對惡行已判定的刑罰遲遲沒有執行,世人的心就充滿行惡的意圖。
12Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
12罪人既然作惡百次,還享長壽,那麼我知道敬畏 神的人,就是在他面前存敬畏的心的,必享福樂。
13asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nekuti haatyi pamberi paMwari.
13惡人卻沒有福樂,也得不到長壽;他好像影子的短暫,因為他在 神面前不存敬畏的心。
14Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, Naizvozvi hazvina maturo.
14在世上有一件虛空的事,就是義人照惡人所行的受報應,惡人照義人所行的得報償。我說,這也是虛空。
15Ipapo ndakarumbidza mufaro, nekuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, amwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
15於是我稱頌快樂,因為人在日光之下最好是吃喝快樂。這是人在日光之下, 神賜給他一生的年日裡,從自己勞碌中所得的享受。
16Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),
16我專心認識智慧,察看世上的勞碌──有人晝夜不眠──
17ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nekuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.
17於是我看見了 神的一切作為,知道在日光之下所發生的事,人不能查明;儘管人勞碌尋查,總是查不出來;即使智慧人以為知道了,還是查不出來。