1nekuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
1把握 神所賜的時機
2Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipawo, wakanaka nowakachena nowane tsvina, anobayira nowasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika nowanotya kupika.
2眾人的命運都是一樣的:義人與惡人、好人與壞人、潔淨的與不潔淨的、獻祭的與不獻祭的,所遭遇的都是一樣的;好人怎樣,罪人也怎樣;起誓的怎樣,怕起誓的也怎樣。
3Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
3在日光之下所發生的一切事,有一件令人遺憾的,就是眾人的命運都是一樣的,並且世人的心充滿邪惡,一生心懷狂妄,後來都歸到死人那裡去。
4nekuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nekuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.
4凡有生命的(“凡有生命的”原文作“凡與所有活人有關聯的”),就有盼望,因為活狗比死獅更好。
5nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nekuti havacharangarirwi.
5活人還知道自己必死,死人卻一無所知,而且再得不到酬勞,他們也被遺忘。
6Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.
6他們的愛,他們的恨,他們的嫉妒,都早已消失了,在日光之下所發生的一切事,永遠也沒有他們的分了。
7Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, umwe waini yako nomoyo wakafara; nekuti Mwari atofadzwa namabasa ako.
7你只管快快樂樂地去吃你的飯,懷著高興的心去喝你的酒,因為 神已經悅納了你所作的。
8nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.
8你當經常穿著白色的衣袍,頭上也不要缺少膏油。
9Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nekuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.
9在你一生虛空的年日中,就是 神在日光之下賜你虛空的年日中,你要和你所愛的妻子享受人生,因為那是你一生在日光之下從勞碌中所得的分。
10Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nekuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.
10凡是你手可作的,都當盡力去作;因為在你所要去的陰間裡,既沒有工作,又沒有籌謀;沒有知識,也沒有智慧。
11Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.
11我又看見在日光之下,跑得快的未必得獎,勇士未必戰勝,智慧的未必得糧食,精明的未必致富,博學的未必得人賞識,因為時機和際遇左右眾人。
12nekuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
12原來人並不知道自己的時機,正像魚被惡網圈住,鳥被網羅捉住,險惡的時機忽然臨到世人身上的時候,世人也照樣陷在其中。
13Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.
13智慧勝過武力在日光之下,我又看見一樣智慧,覺得很有意義:
14Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.
14有一座小城,人數不多;有一個大君王來進攻,把它包圍,建造巨大的高壘攻城。
15Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.
15城裡有一個貧窮但有智慧的人,用他的智慧救了那城。然而,卻沒有人記念那窮人。
16Ipapo ndakati, Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.
16於是我說:“智慧勝過武力”,但是那個窮人的智慧被藐視,他的話也沒有人聽從。
17Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira komunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
17聽智慧人安安靜靜說出來的話,勝過聽管理愚昧者的人的喊叫。
18Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
18智慧勝於戰鬥的武器,但一個罪人能破壞許多好事。