1Nhunzi dzakafa dzinonhuhwisa nokuvirisa chizoro chomuvhenganisi wezvinonhuhwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
1智慧使人成功幾隻死蒼蠅能使做香料者的膏油發霉變臭,一點點愚昧比智慧和榮譽的影響更大。
2Moyo womunhu wakachenjera uri kurudyi rwake, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.
2智慧人的心向右,愚昧人的心偏左。
3Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi.
3愚昧人連走路的時候,也顯出無知;他對每一個人表現出他是個愚昧人(“他對每一個人表現出他是個愚昧人”或譯:“他稱每一個人都是愚昧的”)。
4Kana kutsamwa komubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nekuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.
4如果掌權者向你發怒,你不要離開原位,因為柔順能免大過。
5Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati.
5在日光之下我看見一件憾事,好像是出於官長無意的錯誤,
6Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vafumi vanogara pakaderera.
6就是愚昧人得居眾多高位,富有的人卻處卑位。
7Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda.
7我見過奴僕騎馬,貴族卻像奴僕一樣在地上步行。
8Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.
8挖陷阱的,自己掉進去;拆牆垣的,有蛇來咬他。
9Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.
9採石的,被石打傷;劈柴的,被柴損害。
10Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa.
10斧頭若鈍了,還不把斧刃磨快,就必多費力氣;智慧的好處在於助人成功。
11Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, n'anga haibatsiri.
11未行法術先被蛇咬,那麼,法術對行法術的人就毫無用處。
12Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye.
12智慧人的口,說出恩言;愚昧人的嘴,卻吞滅自己。
13Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kokutaura kwaro upengo hwakashata.
13愚昧人的話開頭是愚昧,結尾是邪惡狂妄。
14Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake?
14愚昧人多言多語。人不知道將來會有甚麼事,誰能告訴他死後會發生甚麼事呢?
15Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nekuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta.
15愚昧人的勞碌徒使自己困乏,他連怎樣進城也不知道。
16Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani.
16邦國啊,如果你的王是個孩童,而你的大臣又一早吃喝宴樂,你就有禍了。
17Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa.
17邦國啊,如果你的王是貴冑之子,而你的大臣又按時吃喝,為要得力,不為醉酒,你就有福了。
18Nousimbe denga reimba rinosakara; nokusabata kwamaoko imba inodonha.
18房頂塌下是因為懶惰,房屋滴漏是因為懶得動手。
19Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.
19設宴是為歡笑,酒能使人生快活,金錢能解決萬事。
20Usatuka mambo, kunyange pakufunga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuvata; nekuti shiri yokudenga ingatakura inzwi, uye izvo zvinamapapiro zvingazivisa shoko.
20不要在意念中咒罵君王,也不要在臥房中咒罵財主,因為空中的飛鳥會傳聲,有翅膀的會述說這事。