Shona

聖經新譯本

Ezekiel

6

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1拜偶像者的懲罰耶和華的話臨到我說:
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo,
2“人子啊!你要面向以色列的群山說預言,
3uti, Imi makomo avaIsiraeri, inzwai shoko ralshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
3說:‘以色列的群山,當聽主耶和華的話!主耶和華對大山、小山、溪澗和山谷這樣說:看哪!我必使刀劍臨到你,毀滅你們的邱壇。
4Maaritari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurawa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.
4你們的祭壇必然荒廢,你們的香壇要被打碎;我要使你們被殺的人倒在你們的偶像面前。
5Ndicharadzika zvitunha zvavana vaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mafupa enyu pamativi ose amaaritari enyu.
5我要把以色列人的屍體放在他們的偶像面前,又把你們的骸骨拋散在你們祭壇的周圍。
6Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maaritari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe.
6在你們居住的一切地方,城鎮都必荒涼,邱壇都必荒廢,以致你們的祭壇荒廢被棄,你們的偶像被打碎、被消滅,你們的香壇要被砍下,你們所製造的要被除滅;
7Vakaurawa vachawira pasi pakati penyu, nemwi muchaziva kuti ndini Jehovha.
7被殺的人必倒在你們中間,你們就知道我是耶和華。
8Kunyange zvakadaro ndichachengeta vakasara, nekuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose.
8遺民蒙恩免災“‘但我要保留一些餘剩的人,你們分散在各地的時候,你們必有人在列國中從刀劍下逃出來。
9Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa moyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
9那時,逃脫的人必在被擄去的列國中想起我怎樣為了他們而傷痛,因為他們動了淫亂的心離棄我,他們邪淫的眼戀慕偶像;那時他們必為了自己所行的惡事和他們一切可憎的事厭惡自己。
10Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo.
10他們必知道我是耶和華,我說要降這災禍在他們身上的話並不是空話。’”
11Zvanzi naIshe Jehovha, Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, Maiwe! Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nekuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
11行惡者必遭災禍主耶和華這樣說:“你要拍手頓足,說:‘哀哉!因以色列家一切可憎的惡事,他們必倒在刀劍、饑荒、瘟疫之下。’
12Ari kure achafa nehosha yakaipa, ari pedo achaurawa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
12在遠處的必因瘟疫死亡,在近處的必倒在刀劍之下,那餘下被圍困的也必因饑荒死亡。我必這樣在他們身上完全發盡我的烈怒。
13imwi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo,napasi pomuti mumwe nomumwe mutema napasi pomuouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuhwira zvakanaka.
13他們被殺的人倒在他們偶像的中間,在他們祭壇的周圍,就是在各高岡各山頂上,在每一棵翠綠的樹下和茂盛的橡樹下,就是他們獻馨香的祭給一切偶像的地方。那時,他們就知道我是耶和華。
14Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
14我必伸手攻擊他們,使他們一切居住的地方,從曠野到第伯拉他,都變成非常荒涼,他們就知道我是耶和華。”