1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1終局已到耶和華的話臨到我說:
2Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.
2“人子啊!主耶和華對以色列地這樣說:‘終局到了!終局臨到這地的四境了!
3Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.
3現在終局已經臨到你了。我要發怒攻擊你,按著你的行為審判你,照著你一切可憎的事報應你。
4Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
4我的眼必不顧惜你,我也不憐恤你,我卻要按著你的行為,照著你中間可憎的事報應你,你們就知道我是耶和華。’
5Zvanzi naIshe Jehovha, Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.
5主耶和華這樣說:‘看哪,獨特的災禍,臨到了!
6Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.
6終局到了,終局臨到了,它已經起來跟你作對。看哪,它臨到了!
7Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, usati uri mupururu wamakomo.
7這地的居民哪,災害臨到你了!時候到了,日子近了,是混亂喧嚷的日子,不是山上歡呼的日子。
8Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.
8現在我快要把我的烈怒倒在你身上,向你完全發盡我的怒氣。我要按著你的行為審判你,照著你一切可憎的事報應你。
9Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.
9我的眼必不顧惜,我也不憐恤。我卻要按著你的行為,照著你中間可憎的事報應你,你們就知道擊打你們的是我耶和華。
10Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.
10罪的懲罰“‘看哪,這日子到了!災害已經發出,杖已經開花,狂傲已經發芽。
11Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.
11強暴興起,成了懲罰邪惡的杖,他們無一存留,他們的群眾都不在了。他們的財富沒有了,他們中間也沒有尊榮。
12Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nekuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
12時候到了,日子近了,買的不必歡喜,賣的不用憂愁;因為烈怒要臨到眾人身上。
13nekuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nekuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.
13賣的人雖然還活著,卻不能得回所賣的。因為這個關乎眾人的異象必不更改。因為罪孽的緣故,沒有人能保全自己的性命。
14Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nekuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.
14 神的烈怒與審判“‘他們吹了號角,準備了一切,卻沒有人出去作戰;因為我的烈怒要臨到眾人身上。
15Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
15城外有刀劍,城內有瘟疫和饑荒;在田野的必死在刀下,在城裡的必被饑荒和瘟疫吞滅。
16Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.
16他們中間逃脫的,必因自己的罪孽在山上發出哀聲,像谷中的鴿子哀鳴一樣。
17Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achayerera mvura.
17他們的手都發軟,他們的膝像水一般軟弱。
18Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.
18他們必用麻布束腰,戰兢把他們遮蓋,各人的臉上滿是羞愧,各人的頭上都光禿。
19Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nekuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.
19他們要把自己的銀子拋在街上,把自己的金子當作污穢之物。在耶和華發怒的日子,他們的金銀不能拯救他們,不能滿足他們的心,也不能填滿他們的肚腹,因為這些金銀都成了叫他們落在罪孽裡的絆腳石。
20Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.
20他們以美麗的飾物為誇耀,又用這些來鑄造可憎可厭的偶像,因此我要使它們成為污穢之物。
21Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.
21我要把它們交在外族人的手裡作掠物,給地上的惡人作戰利品,他們必褻瀆這些東西。
22Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.
22我必轉臉不看他們,讓他們褻瀆我的聖所。強盜要進那裡去,褻瀆那地方。
23Itai ngetani, nekuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
23你要製造鎖鍊,因為這地滿了血腥(“血腥”或譯:“流血的審判”),這城滿了強暴。
24Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
24我要使列國中最兇惡的人來佔領他們的房屋;我要止息強盛者的驕傲,他們的聖所都被褻瀆。
25Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.
25驚恐臨到,他們就求平安,卻得不著。
26Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira mupristi, namano achashaikwa kuvakuru.
26災禍加上災禍,壞消息加上壞消息,不絕而來,他們要向先知求異象,但是,祭司的教訓、長老的指導,都必斷絕,
27Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
27君王要悲哀,官長要把淒涼當作衣服穿上,那地人民的手都要發顫。我要按著他們的行為待他們,按著他們審判的法則審判他們,他們就知道我是耶和華。’”