Shona

聖經新譯本

Genesis

21

1Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaakange ataura; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaakange areva.
1以撒出生耶和華照著以前所說的,眷顧撒拉;耶和華按著他的應許,給撒拉作成。
2Sara ndokuva nemimba, ndokuberekera Abhura­hamu mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaakange areva kwaari.
2亞伯拉罕年老的時候,撒拉懷了孕,到了 神應許的日期,就給亞伯拉罕生了一個兒子。
3Zvino Abhurahamu wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera kuti: Isaka.
3亞伯拉罕給撒拉為他所生的兒子,起名叫以撒。
4Abhurahamu ndokudzingisa mwanakomana wake Isaka ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.
4亞伯拉罕的兒子以撒生下來第八天,亞伯拉罕就照著 神吩咐他的,給以撒行了割禮。
5NaAbhurahamu wakange ane makore zana, Isaka mwanakomana wake paakamuberekerwa.
5他兒子以撒出生的時候,亞伯拉罕正一百歲。
6Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko, wose uno­nzwa uchaseka neni.
6撒拉說:“ 神使我歡笑,凡聽見的,也必為我歡笑。”
7Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahamu: Sara achayamwisa vana? Nekuti ndamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
7又說:“誰能告訴亞伯拉罕,撒拉要乳養兒女呢?在他年老的時候,我竟給他生了一個兒子。”
8Mwanakomana ndokukura, ndokuru­murwa. Abhurahamu ndokuita mabiko makuru nemusi wekurumurwa kwalsaka.
8夏甲與以實瑪利母子被逐孩子漸漸長大,就斷了奶。以撒斷奶的那天,亞伯拉罕擺設盛大的筵席。
9Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari, muEgipita, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.
9撒拉看見那埃及人夏甲給亞伯拉罕所生的兒子在嬉戲,就對亞伯拉罕說:
10Naizvozvo wakati kuna Abhurahamu: Dzinga mukadzi nhapwa uyu ne­mwanakomana wake, nekuti mwanako­mana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.
10“把這婢女和她的兒子趕出去,因為這婢女的兒子不能和我的兒子以撒一同承受產業。”
11Shoko iro rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahamu, nekuda kwe­mwanakomana wake.
11亞伯拉罕因他的兒子而非常煩惱。
12Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kushoko rake, nekuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
12 神對亞伯拉罕說:“不要因這童子和你的婢女而煩惱。撒拉對你說的話,你都要聽從;因為以撒生的,才可以稱為你的後裔。
13Asi nemwa­nakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi rukuru, nekuti imbeu yako.
13至於這婢女的兒子,我也要使他成為一國,因為他也是你的後裔。”
14Abhurahamu ndokumuka mangwa­nani-ngwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa kuna Hagari, akaisa pafudzi rake, nemwana, akamuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheerishe­bha.
14亞伯拉罕清早起來,拿餅和一皮袋水,給了夏甲,放在她的肩膀上,又把孩子交給她,就打發她離開。夏甲走了,在別是巴的曠野飄蕩。
15Zvino mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe gwenzi.
15皮袋裡的水用盡了,夏甲就把孩子撇在一棵小樹底下。
16Ndokunogara pasi pakatarisana naye, chinhambwe chinenge chingasvika museve pakupotserwa; nekuti wakati: Ndi­rege kuona kufa kwemwana. Ndoku­gara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
16然後自己走開,在離開約有一箭之遠的地方,相對而坐,說:“我不忍眼看孩子死去。”就相對坐著,放聲大哭。
17Zvino Mwari wakanzwa inzwi remuko­mana; mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kudenga, ndokuti kwaari: Chii Hagari? Usatya, nekuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.
17 神聽見了童子的聲音,他的使者就從天上呼叫夏甲,對她說:“夏甲啊,你為甚麼這樣呢?不要害怕,因為孩子在那裡所發的聲音 神已經聽見了。
18Simuka, simudza mukomana, umubate neruoko rwako, nekuti ndicha­muita rudzi rukuru.
18起來,扶起孩子,盡力保護他;因為我要使他成為大國。”
19Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokumwisa mukomana.
19 神開了夏甲的眼睛,她就看見一口水井。她去把皮袋盛滿了水,就給孩子喝。
20Zvino Mwari wakava nemukomana, akakura, ndokugara murenje, akava mufuri wemiseve.
20 神與孩子同在,他漸漸長大,住在曠野,成了個弓箭手。
21Zvino wakagara murenje reParani, mai vake ndokumutorera mukadzi kunyika yeEgipita.
21他住在巴蘭的曠野,他的母親從埃及地給他娶了一個妻子。
22Zvino zvakaitika nenguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura naAbhurahamu, vachiti: Mwari unewe pazvinhu zvose zvaunoita;
22亞伯拉罕與亞比米勒立約那時,亞比米勒和他的軍長非各對亞伯拉罕說:“在你所作的一切事上, 神都與你同在。
23Nai­zvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwana wangu kana mwana wemwana wangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uchaitawo kwandiri, nekunyika mawakagara uri mutorwa.
23現在你要在這裡指著 神對我起誓,你不會以詭詐待我和我的子子孫孫。我怎樣恩待了你,你也要怎樣恩待我和你寄居的地方。”
24Abhurahamu ndokuti: Ndichapika.
24亞伯拉罕回答:“我願意起誓。”
25Zvino Abhurahamu wakatsiura Abhime­reki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravakange vatora nesimba.
25亞伯拉罕因亞比米勒的僕人強佔了一口水井,就指責亞比米勒。
26Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi, newe hauna kundiudza, handina kumbozvinzwa, asi nhasi.
26亞比米勒說:“誰作了這事,我不知道,你都沒有告訴我;我現在才聽見。”
27Abhurahamu ndokutora makwai nenzo­mbe, akapa Abhimereki; uye va­kaita sungano vari vaviri.
27於是亞伯拉罕牽了牛羊來,送給亞比米勒,二人就彼此立約。
28Abhurahamu akatsaura masheche manomwe emakwai.
28亞伯拉罕把羊群中的七隻母羊羔,放在另外一處。
29Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Masheche awa manomwe awatsaura chii?
29亞比米勒問亞伯拉罕:“你把這七隻母羊羔放在另外一處,是甚麼意思呢?”
30Iye ndokuti: Nekuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa mano­mwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndaka­chera tsime iri.
30亞伯拉罕回答:“意思就是:你從我手裡接受這七隻母羊羔,好作我挖了這口井的證據。”
31Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheerishebha, nekuti ndipo pavakapika vari vaviri.
31因此那地方名叫別是巴,因為他們二人在那裡起了誓。
32Naizvozvo vakaita sungano paBheeri­shebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera ku­nyika yevaFirisitia.
32他們在別是巴立約以後,亞比米勒和他的軍長非各,就起程回非利士地去了。
33Abhurahamu ndoku­sima mutamarisiki* paBheerishe­bha, ndokudanapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.
33亞伯拉罕在別是巴栽了一棵垂絲柳樹,就在那裡求告耶和華永活的 神的名。
34Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.
34亞伯拉罕在非利士人的地方寄居了許多日子。