Shona

聖經新譯本

Genesis

22

1Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahamu akati kwaari: Abhurahamu! Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
1 神試驗亞伯拉罕這些事以後, 神試驗亞伯拉罕,對他說:“亞伯拉罕啊!”他回答:“我在這裡。”
2Ndokuti: Zvino tora mwanakomana wako, wako umwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria; umupe ave chibayiro chinopiswa pamusoro perimwe gomo randichakuudza.
2 神說:“帶著你的兒子,就是你所愛的獨生子以撒,到摩利亞地去,在我所要指示你的一座山上,把他獻為燔祭。”
3Abhurahamu ndokumuka mangwa­nani-ngwanani, akasungira chigara padhongi rake, akatora vaviri vemajaya ake naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechiba­yiro chinopiswa, ndokusimuka, ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.
3亞伯拉罕清早起來,預備好了驢,帶著兩個童僕和自己的兒子以撒,也劈好了獻燔祭用的柴,就起程到 神指示他的地方去。
4Zvino nemusi wetatu Abhurahamu waka­simudza meso ake, akaona nzvimbo iri kure.
4第三日,亞伯拉罕舉目觀望,遠遠地看見了那地方。
5Abhurahamu ndokuti kumajaya ake: Imwi chigarai henyu pano nembo­ngoro, ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.
5亞伯拉罕對他的童僕說:“你們和驢留在這裡,我與孩子要到那邊去敬拜,然後回到你們這裡來。”
6Abhurahamu ndokutora huni dzechi­bayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto neba­nga muruoko rwake, ndokuenda vari va­viri.
6亞伯拉罕把獻燔祭的柴,放在他兒子以撒的身上,自己手裡拿著火與刀。他們二人一起向前走的時候,
7Isaka ndokutaura naAbhurahamu baba vake akati: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwana wangu. ndokuti: Tarirai, moto nehuni, asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripi?
7以撒問他父親亞伯拉罕說:“爸爸!”亞伯拉罕回答:“我兒!有甚麼事?”以撒說:“你看,火與柴都有了,可是獻燔祭用的羊羔在哪裡呢?”
8Abhurahamu ndokuti: Mwari ucha­zvipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.
8亞伯拉罕回答:“我兒, 神自己必親自預備獻燔祭用的羊羔。”於是二人繼續一起前行。
9Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaakange avaudza; Abhurahamu ndokuvakapo aritari; ndokugadzira huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamu­soro pehuni.
9他們到了 神指示的地方,亞伯拉罕就在那裡築了一座祭壇,擺好了柴,捆綁了自己的兒子以撒,就把他放在祭壇的柴上。
10Zvino Abhurahamu wakata­mbanudza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.
10亞伯拉罕伸手拿刀,要宰殺自己的兒子的時候,
11Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari ari kumatenga akati: Abhurahamu! Abhurahamu! Iye ndokuti: Ndiri pano.
11耶和華的使者從天上呼叫亞伯拉罕,說:“亞伯拉罕,亞伯拉罕!”亞伯拉罕回答:“我在這裡。”
12Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nekuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako, wako umwe chete.
12天使說:“不可在這孩子身上下手,一點也不可害他;現在我知道你是敬畏 神的了,因為你沒有留下你的獨生子不給我。”
13Abhurahamu ndokusimudza meso ake, ndokutarira, ndokuona shure gondohwe rakange rakabatwa mufomwe nenyanga dzaro. Abhurahamu ndokunotora gondohwe riya, akaripisa chikava chiba­yiro panzvimbo yemwanakomana wake.
13亞伯拉罕舉目觀望,看見一隻公綿羊,兩角扣在稠密的小樹叢中;亞伯拉罕就去取了那隻公綿羊,把牠獻為燔祭,代替自己的兒子。
14Abhurahamu ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-jire; sezvo kuchinzi nanhasi, Pagomo raJehovha zvicharangarirwa.
14亞伯拉罕給那地方起名叫“耶和華以勒”。直到今日,人還說:“在耶和華的山上必有預備。”
15Zvino mutumwa waJehovha waka­danidzira kuna Abhurahamu rwechipiri, ari kumate­nga,
15耶和華的使者第二次從天上呼叫亞伯拉罕,
16ndokuti: Ndakapika neni ndomene, ndizvo zvinoreva Jehovha, nekuti waita chinhi ichi, ukasanyima mwanakomana wako, wako umwe chete;
16說:“耶和華說:‘我指著自己起誓,你既然作了這事,沒有留下你的獨生子,
17ndichakuropafa­dza nekuropafadza, uye ndichawanza nekuwanza mbeu yako senyeredzi dzekumatenga, uye se­jecha riri pamahombekombe egungwa; uye mbeu yako ichava varidzi vemasuwo eva­vengi vayo;
17我必定賜福給你,必使你的後裔繁多,像天上的星,海邊的沙;你的後裔必佔領仇敵的城門。
18nemumbeu yako ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa, nekuti wa­kateerera inzwi rangu.
18地上萬國都要因你的後裔得福,因為你聽從了我的話。’”
19Zvino Abhura­hamu wakadzokera kumajaya ake; ndoku­simuka ndokuenda vose Bheerishebha; Abhurahamu ndokugara paBheerishebha.
19亞伯拉罕回到他的童僕那裡;他們就起程,一起到別是巴去了;亞伯拉罕就住在別是巴。
20Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti Abhurahamu wakaudzwa zvichinzi: Tarira, Mirika wakaberekerawo munin'ina wako Nahori vanakomana:
20拿鶴的子孫這些事以後,有人告訴亞伯拉罕說:“密迦也給你的兄弟拿鶴生了幾個兒子;
21Uzi dangwe rake, naBuzi munin'ina wake, naKemueri baba vaAramu,
21長子是烏斯,他的弟弟是布斯,和亞蘭的父親基母利;
22naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri;
22還有基薛、哈瑣、必達、益拉和彼土利。
23Bhetueri ndokubereka Rabheka; ava va­sere Mirika wakavakaberekera Nahori, munununa waAbhurahamu.
23(彼土利生了利百加。)”這八個人,都是密迦給亞伯拉罕的兄弟拿鶴生的兒子。
24Nemurongo wake, wezita rainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTa­hashi, naMaaka.
24拿鶴的妾名叫流瑪。她也生了提八、迦含、他轄和瑪迦。