Shona

聖經新譯本

Genesis

23

1Zvino upenyu hwaSara hwaiva makore zana nemakumi maviri nema­nomwe; ndiwo makore eupenyu hwaSara.
1亞伯拉罕買地埋葬撒拉撒拉享壽一百二十七歲,這是撒拉一生的歲數。
2Sara akafa paKiriyati-Abha ndiro Hebhuroni panyika yeKanani. Abhurahamu ndokuuya ndokuchema Sara nekumuririra.
2撒拉死在迦南地的基列.亞巴,就是希伯崙;亞伯拉罕為撒拉哀慟哭號。
3Zvino Abhurahamu wakasimuka pachiso che­wakafa wake, akataura kuvana vaHeti, achiti:
3亞伯拉罕從死者面前起來,對赫人說:
4Ndiri mutorwa nemweni kwamuri, ndipei nzvimbo yangu yekuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu abve pachiso changu.
4“我是在你們中間寄居的外族人,求你們在你們中間給我一塊墳地作產業,使我可以埋葬我死了的人,使她不露在我面前。”
5Zvino vana vaHeti vakapindura Abhura­hamu, vachiti kwaari:
5赫人回答亞伯拉罕,說:
6Tinzwei, ishe wedu, muri muchinda waMwari pa­kati pedu; vigai wakafa wenyu paguva rakanaka pakati pemakuva edu; hakuna pakati pedu ungakunyimai guva rake kuti muvige wakafa we­nyu.
6“我主請聽,你在我們中間是一位尊貴的王子,你可以在我們最好的墳地裡埋葬你死了的人,我們必沒有人阻止你在他的墳地埋葬你死了的人。”
7Zvino Abhurahamu wakasimuka ndokukotamira vanhu ve­nyika iyo, ivo vana vaHeti,
7於是,亞伯拉罕起來,向當地的赫人下拜,
8ndokutaurirana navo achiti: Kana chiri chido chenyu kuti ndivige wakafa wangu abve pachiso changu, ndinzwei, mundikumbirire kuna Efu­roni mwanakomana waZohari,
8對他們說:“你們若有意使我埋葬我死了的人,使她不露在我的眼前,就請聽我的話,為我請求瑣轄的兒子以弗崙,
9kuti andipe bako reMakapera raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro nemutengo wose, ive nzvimbo yangu yekuviga pakati penyu.
9叫他把他所擁有的,田頭上那麥比拉洞賣給我。他可以按著十足的價銀賣給我,使我在你們中間有產業作墳地。”
10Zvino Efuroni wakange agere pa­kati pevana vaHeti, uye Efuroni muHeti wakapindura Abhurahamu munzeve dzevana vaHeti, nedzevose vaipinda pasuwo reguta rake, achiti:
10那時,以弗崙正坐在赫人中間。於是,赫人以弗崙就回答亞伯拉罕,所有來到城門口的赫人都聽見他說:
11Kwete, ishe wangu, ndinzwei; munda ndinokupai, nebako riri mauri ndinoripa kwamuri; pamberi pemeso evana vevanhu vangu ndinoripa kwamuri; vigai wakafa wenyu.
11“我主,不要這樣,請聽我說,這塊田我送給你,連其中的洞我也送給你。我在我的族人眼前送給你,讓你可以埋葬你死了的人。”
12Abhurahamu ndokukotamira pasi pamberi peva­nhu venyika iyo.
12亞伯拉罕就在當地的人面前下拜,
13Zvino wakataura kuna Efuroni munzeve dzevanhu venyika iyo achiti: Asi kana uri iwe, donditeerera hako; ndi­chakupa mari yemunda; ugamu­chire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.
13然後在當地的人面前對以弗崙說:“請聽我說,如果你願意,我必定把地的價銀給你,請你收下吧,讓我可以在那裡埋葬我死了的人。”
14Efuroni ndokupindura Abhurahamu achiti kwaari:
14以弗崙回答亞伯拉罕,對他說:
15Ishe wangu, nditeererei; mu­nda ndewe mashekeri esirivha mazana mana, chii ichocho pakati pangu nemwi? Naizvozvo vigai wakafa we­nyu.
15“我主,請聽我說,一塊值四百塊(四千五百克)銀子的田地,在你我之間,算得甚麼呢?你埋葬你死了的人吧。”
16Abhurahamu ndokuteerera Efuroni. Zvino Abhurahamu wakayerera Efuroni mashe­keri esirivha aakareva munzeve dzevana vaHeti, mashekeri esirivha mazana mana, anoshandiswa kutenga kuvatengesi.
16亞伯拉罕同意以弗崙說的價銀,就照著他在赫人面前所說的,拿商人通用的銀子,稱了四百塊(四千五百克)銀子給以弗崙。
17Naizvozvo munda waEfuroni, wakange uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakange ririmo, nemiti yose yakange iri mumunda neyakange iri pamiganhu yose yakapoteredza zvikasimbiswa,
17於是,以弗崙在麥比拉,在幔利前面的那塊地,包括那塊田和其中的洞,田中和四周所有的樹木,
18kuna Abhurahamu kuva zvake pamberi pemeso evana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuwo reguta rake.
18都在赫人眼前,就是在所有來到城門口的赫人眼前,歸給亞伯拉罕作產業。
19Zvino shure kweizvi Abhurahamu wakaviga Sara mukadzi wake mubako remunda weMakapera pakatarisana neMamure, ndiro Hebhuroni panyika yeKanani.
19這事以後,亞伯拉罕把自己的妻子撒拉埋在迦南地,幔利前面麥比拉田間的洞裡。幔利就是希伯崙。
20Zvino munda nebako raivamo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu kuva zvake zvekuvoga vakafa kubva kuvanakomana vaHeti
20這樣,那塊田和田中的洞,就從赫人歸給了亞伯拉罕為產業作墳地。