1Josefa akanga aburutsirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muEgipita, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Egipita.
1約瑟在波提乏的家約瑟被帶下埃及去了。有一個埃及人,是法老的臣宰,軍長波提乏,從那些帶約瑟下來的以實瑪利人手裡買了他。
2Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muEgipita.
2耶和華與約瑟同在,約瑟就事事順利,住在他主人埃及人的家裡。
3Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
3他的主人見耶和華與他同在,又見耶和華使他手裡所作的盡都順利,
4Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake.
4約瑟就得主人的歡心,服事他的主人。他主人指派他管理他的家,把自己所有的一切都交在他手裡。
5Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuEgipita nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
5自從主人指派約瑟管理他的家,和他所有的一切,耶和華就因約瑟的緣故,賜福給那埃及人的家。他家裡和田間所有的一切,都蒙耶和華賜福。
6Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya.
6波提乏把自己所有的一切,都交在約瑟的手裡。除了自己所吃的飯以外,其他的事他一概不管。約瑟生來體格壯健,容貌俊美。
7Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, Vata neni.
7約瑟被主母引誘陷害這些事以後,約瑟主人的妻子以目傳情給約瑟,說:“與我同睡吧。”
8Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri kwandiri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
8約瑟不肯,對他主人的妻子說:“你看,家中的事我主人一概不管;他把他所有的一切,都交在我的手裡。
9hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nekuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?
9在這家裡沒有比我大的。除你以外,我主人沒有留下一樣不交給我,因為你是他的妻子。我怎可以作這極惡的事,得罪 神呢?”
10Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
10她雖然天天對約瑟這樣說,約瑟卻不聽從她,不肯與她同睡,也不與她在一起。
11nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo.
11有一天,約瑟到屋裡辦事,家裡的人沒有一個在屋裡。
12Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
12婦人就抓住約瑟的衣服,說:“與我同睡吧。”約瑟把自己的衣服留在婦人的手裡,跑到外面去了。
13Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
13婦人見約瑟把衣服留在她手裡,跑到外面去,
14akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
14就把家裡的人都叫了來,對他們說:“你們看,我丈夫帶回家來的希伯來人想調戲我。他進到我這裡來,要與我同睡,我就大聲呼叫。
15Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.
15他一聽見我高聲呼叫,就把衣服留在我身邊,跑到外面去了。”
16Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
16婦人把約瑟的衣服放在她身邊,等她的主人回家。
17Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
17她又用同樣的話對他說:“你帶回家來的希伯來人,竟進到這裡來,要調戲我。
18Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.
18我高聲呼叫,他就把衣服留在我身邊,跑到外面去了。”
19Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.
19約瑟被囚獄中約瑟的主人聽了他妻子對他所說的話,說:“你的僕人就是這樣對待我。”他就非常生氣。
20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutirongo.
20於是,約瑟的主人拿住約瑟,把他關在監裡,就是王的囚犯被監禁的地方;約瑟就在那裡坐監。
21Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe tsitsi nomutariri wetirongo.
21但是,耶和華與約瑟同在,向他施慈愛,使他得到監獄長的歡心。
22Mutariri wetirongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutirongo; iye aiva muiti wezvose zvaiitwamo.
22因此,監獄長把監裡所有的囚犯都交在約瑟手裡;他們在那裡所作的一切事務,都由約瑟負責處理。
23Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nekuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
23凡交在約瑟手裡的事務,監獄長一概不聞不問;因為耶和華與約瑟同在,使他所作的盡都順利。