1Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weEgipita nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.
1酒政和膳長各得一夢這些事以後,埃及王的酒政和膳長,得罪了他們的主人埃及王。
2Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
2法老就惱怒酒政和膳長這兩個臣宰,
3Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutirongo, pakanga pakasungwa Josefa.
3把他們關在軍長府內的監房裡,就是約瑟被囚禁的地方。
4Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
4軍長把他們交給約瑟,約瑟就侍候他們。他們在監房裡過了好些日子。
5Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weEgipita, vakanga vakasungwa mutirongo.
5他們二人,就是被關在監裡的埃及王的酒政和膳長,同一夜各作了一個夢,二人的夢各有不同的解釋。
6Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
6到了早晨,約瑟進去到他們那裡,見他們神色不安,
7Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?
7就問法老的兩個臣宰,就是與他一同關在他主人府內的監房裡的,說:“今天你們的臉色為甚麼這樣難看呢?”
8Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.
8他們回答他:“我們各人作了一個夢,但沒有人能夠解釋。”約瑟對他們說:“解夢不是出於 神嗎?請把夢告訴我吧。”
9Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, muchiroto kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu;
9約瑟為酒政解夢酒政就把自己的夢告訴約瑟,對他說:“在夢裡我看見我面前有一棵葡萄樹。
10ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva;
10葡萄樹上有三根枝子;樹一發芽,就開了花,上頭的葡萄都成熟了。
11mukombe waFarao wakange uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.
11法老的杯在我手裡,我拿了葡萄擠在法老的杯中,把杯遞在法老的手裡。”
12Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
12約瑟對他說:“這夢的解釋是這樣:三根枝子就是三天。
13mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
13三天之內,法老必使你抬起頭來,恢復你原來的職位;你仍要把杯遞在法老的手裡,好像先前作他的酒政時一樣。
14Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire tsitsi, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
14不過,你一切順利的時候,求你記念我,施恩給我,在法老面前提拔我,救我脫離這監獄。
15nekuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.
15我實在是從希伯來人之地被拐來;就是在這裡,我也沒有作過甚麼事該被關在監牢裡的。”
16Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
16約瑟為膳長解夢膳長見夢解得好,就對約瑟說:“我也作了一個夢,在夢裡我看見自己頭上有三籃白餅。
17mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.
17最上面的籃子裡,有為法老烤的各種食物,但飛鳥來吃我頭上籃子裡的食物。”
18Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
18約瑟回答:“這夢的解釋是這樣:三個籃子就是三天。
19mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.
19三天之內,法老必砍下你的頭來,把你掛在木頭上,必有飛鳥來吃你身上的肉。”
20Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake,
20到了第三日,就是法老的生日,他為臣僕擺設筵席,在他們面前把酒政和膳長提出監來,
21akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
21恢復了酒政原來的職位,叫他可以把杯遞在法老的手中;
22asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
22法老卻把膳長掛起來,正如約瑟給他們的解釋一樣。
23Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukangamwa.
23但是酒政並不記念約瑟,竟把他忘記了。