1Nekuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kuperedzera avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira.
1律法既然是以後要來的美好事物的影子,不是本體的真象,就不能憑著每年獻同樣的祭品,使那些進前來的人得到完全。
2Dai zvakanga zvakadaro zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? nekuti vashumiri, kana vakange vanatswa kamwe chete vangadai vasingazivi zvivi zvavo.
2如果敬拜的人一次得潔淨,良心就不再覺得有罪,那麼,獻祭的事不是早就停止了嗎?
3Asi kuzvibayiro izvozvo vanoyeudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.
3可是那些祭品,卻使人每年都想起罪來,
4Nekuti hazvibviri kuti ropa rehando nerembudzi ribvise zvivi.
4因為公牛和山羊的血不能把罪除去。
5saka paanosvika panyika, unoti: Chibayiro nechipiriso hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;
5所以,基督到世上來的時候,就說:“祭品和禮物不是你所要的,你卻為我預備了身體。
6pazvibayiro zvinopiswa, nezvechivi hamuna kuzvifarira;
6燔祭和贖罪祭,不是你所喜悅的;
7Zvino ndikati: Tarirai ndauya (Murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) Kuita chido chenyu, Mwari.
7那時我說:‘看哪!我來了,經卷上已經記載我的事, 神啊!我來是要遵行你的旨意。’”
8Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipiriso, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo izvo zvinobayirwa sezvinoreva murairo),
8前面說:“祭品和禮物,燔祭和贖罪祭,不是你所要的,也不是你所喜悅的。”這些都是按照律法獻的;
9ndokuzoti: Tarira, ndinovuya kuzoita chido chenyu imwi Mwari. Unobvisa chekutanga kuti amise chechipiri.
9接著又說:“看哪!我來了,是要遵行你的旨意。”可見他廢除那先前的,為要建立那後來的。
10Nekuda ikoku takaitwa vatsvene kubudikidza nekubayirwa kwemuviri waJesu Kristu kamwe.
10我們憑著這旨意,藉著耶穌基督一次獻上他的身體,就已經成聖。
11Mupristi umwe neumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;
11所有的祭司都是天天站著事奉,多次獻上同樣的祭品,那些祭品永遠不能把罪除去。
12asi murume uyu wakati abayira chibayiro chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari;
12唯有基督獻上了一次永遠有效的贖罪祭,就在 神的右邊坐下來。
13kubva zvino achitarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
13此後,只是等待 神把他的仇敵放在他的腳下,作他的腳凳。
14Nekuti nechibayiro chimwe chete wakaperedzera nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
14因為他獻上了一次的祭,就使那些成聖的人永遠得到完全。
15Mweya Mutsvenewo unotipupurira; nekuti pakutanga wakange amboti:
15聖靈也向我們作見證,因為後來他說過:
16Iyi ndiyo sungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe, Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, nokuinyora mufungwa dzavo.
16“主說:‘在那些日子以後,我要與他們所立的約是這樣:我要把我的律法放在他們的心思裡面,寫在他們的心上。’”
17Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongozvirangaririzve.
17又說:“我決不再記著他們的罪惡,和不法的行為。”
18Zvino apo pane kangamwiro yezvizvi, hapachina kubayirwa kwechivi.
18這一切既然都赦免了,就不必再為罪獻祭了。
19Naizvozvo, hama, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
19勸勉和警告所以,弟兄們!我們憑著耶穌的血,可以坦然無懼地進入至聖所。
20nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;
20這進入的路,是他給我們開闢的,是一條通過幔子、又新又活的路,這幔子就是他的身體。
21uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,
21我們既然有一位偉大的祭司治理 神的家,
22ngatiswedere nemoyo wechokwadi, nechivimbo chakazara cherutendo, moyo yedu yasaswa pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakachena.
22我們良心的邪惡既然被灑淨,身體也用清水洗淨了,那麼,我們就應該懷著真誠的心和完備的信,進到 神面前;
23Ngatibatisise chitendero chetariro yedu, tisingazungunuki; nekuti iye wakavimbisa wakatendeka;
23又應該堅持我們所宣認的盼望,毫不動搖,因為那應許我們的是信實的。
24uye ngatirangariranei pakumutsirana rudo namabasa akanaka,
24我們又應該彼此關心,激發愛心,勉勵行善。
25tisarega kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru zvamunovona zuva richiswedera.
25我們不可放棄聚會,好像有些人的習慣一樣;卻要互相勸勉。你們既然知道那日子臨近,就更應該這樣。
26Nekuti kana tichitadza maune, tambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakusisina chibayiro pamusoro pezvivi,
26如果我們領受了真理的知識以後,還是故意犯罪,就再沒有留下贖罪的祭品了;
27asi kumwe kumirira tichitya kutongwa nekutsamwa kunopfuta moto, kuchapedza vevengi.
27只好恐懼地等待著審判,和那快要吞滅眾仇敵的烈火。
28Munhu unozvidza murairo waMozisi unofa kunze kwetsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;
28如果有人干犯了摩西的律法,憑著兩三個證人,他尚且得不到憐憫而死;
29zvino unofunga kuti uchanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei, wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye ukatora ropa resungano, raakaitwa mutsvene naro serisina maturo, uye akazvidza Mweya wenyasha?
29何況是踐踏 神的兒子,把那使他成聖的立約的血當作俗物,又侮辱施恩的聖靈的人,你們想想,他不是應該受更嚴厲的刑罰嗎?
30Nekuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinotaura Ishe, uyezve unoti: Ishe uchatonga vanhu vake.
30因為我們知道誰說過:“伸冤在我,我必報應。”又說:“主必定審判他自己的子民。”
31Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
31落在永活的 神手裡,真是可怕的。
32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;
32要忍耐行完 神的旨意你們要回想從前的日子,那時,你們蒙了光照,忍受了許多痛苦的煎熬;
33pamwe nekuti makaitwa chiokero zvose nekunyombwa nematambudziko; pamwe nekuti makagovanawo naivo vakaitirwa izvozvo.
33有時在眾人面前被辱罵,遭患難;有時卻成了遭遇同樣情形的人的同伴。
34Nekuti makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, inogara iri kumatenga.
34你們同情那些遭監禁的人;你們的家業被搶奪的時候,又以喜樂的心接受,因為知道自己有更美長存的家業。
35Naizvozvo regai kurasha kushinga kwenyu, kune muripo mukuru wemubayiro.
35所以,你們不可丟棄坦然無懼的心,這樣的心是帶有大賞賜的。
36Nekuti munoshaiwa moyo murefu, zvokuti, kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire chivimbiso.
36你們還需要忍耐,好使你們行完了 神的旨意,可以領受所應許的。
37Nekuti pachine kanguva kaduku-duku, uye unouya uchauya, uye haanganonoki.
37因為:“還有一點點的時候,那要來的就來,並不遲延。
38Asi wakarurama uchararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.
38我的義人必因信得生,如果他後退,我的心就不喜悅他。”
39Zvino isu hatizi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.
39但我們不是那些後退以致滅亡的人,而是有信心以致保全生命的人。