1Zvino zvirokwazvo sungano yekutanga yakanga ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
1舊約敬拜的規例前約也有它敬拜的規例,和屬世界的聖所。
2Nekuti tende rekutanga rakagadzirwa raiva nechigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvekuratidza; ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
2因為有一個支搭好了的會幕,第一進叫作聖所,裡面有燈臺、桌子和陳設餅。
3Zvino mberi kwevheiri rechipiri kwakange kune tende rainzi nzvimbo tsvene kune dzose,
3在第二層幔子後面還有一個會幕,叫作至聖所,
4yakanga ine mudziyo wendarama wezvinonhuhwira, neareka yesungano yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutunga, nemahwendefa esungano;
4裡面有金香壇,有全部包金的約櫃,櫃裡有盛著嗎哪的金罐、亞倫那發過芽的杖和兩塊約板。
5pamusoro payo makerubhi okubwinya, akadzikatira chigaro chetsitsi; chatisingagoni kurondedzera tichiita chimwe chimwe ikozvino.
5櫃的上面有榮耀的基路伯罩著施恩座,關於這一切,現在不能一一細說了。
6Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda nguva dzose mutende rekutanga, vachiperedzera mabasa ekushumira Mwari;
6這一切物件都這樣預備好了,祭司就常常進入第一進會幕,執行敬拜的事。
7asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari oga kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibayirira iye nezvitadzo zvevanhu;
7至於第二進會幕,只有大祭司一年一次獨自進去,並且非帶著血不可,好為自己和人民的愚妄把血獻上。
8Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo tsvene kune dzose yakanga isati yataridzwa tende rekutanga richimire;
8聖靈藉著這事表明,當第一進會幕存在的時候,進入至聖所的路,還沒有顯明出來。
9wakange uri mufananidzo wenguva iyo yavaibayira nayo zvose zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kuperedzera iye unoshumira pahana yake,
9這第一進會幕是現今的時代的預表,其實所獻的禮物和祭品,都不能使敬拜的人在良心上得到完全。
10nekuti zvinongova zvechikafu, nezvimwiwa, nekushamba kwakasiyana siyana nezviga zvenyama zvavakatemwa kusvikira panguva yekuvandudzwa.
10這些只是關於飲食和各樣潔淨的禮儀,是在“更新的時候”來到之前,為肉體立的規例。
11Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, netende rakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, risina kuitwa nemaoko, ndiko kuti risati riri rekusikwa kuno,
11基督的血潔淨我們但基督已經來了,作了已經實現的美好事物的大祭司;他經過更大、更完備的會幕(不是人手所做的,也就是不屬於這被造的世界的)。
12kwete neropa rembudzi kana mhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe, panzvimbo tsvene, atiwanira rudzikinuro rwusingaperi.
12他不是用山羊和牛犢的血,而是用自己的血,只一次進了至聖所,就得到了永遠的救贖。
13Nekuti kana ropa renzombe nerembudzi nemadota etsiru, kana zvichisaswa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakunatswa panyama,
13如果山羊和公牛的血,以及母牛犢的灰,灑在不潔的人身上,尚且可以使他們成為聖潔,身體潔淨,
14zvikuru sei ropa raKrsitu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvipa sechibayiro kuna Mwari, chisina gwapa kuti richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, kuti mushumire Mwari mupenyu.
14何況基督的血呢?他藉著永遠的靈,把自己無瑕無疵的獻給 神,他的血不是更能潔淨我們的良心脫離死行,使我們可以事奉永活的 神嗎?
15uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti nenzira yerufu kuitira rudzikunuro pakudarika pasi pesungano yekutanga, avo vakadamwa vagopiwa chivimbiso chenhaka isingaperi.
15因此,他作了新約的中保,藉著他的死,使人在前約之下的過犯得到救贖,就叫那些蒙召的人,得著永遠基業的應許。
16Nekuti apo pane rugwaro rwenhaka, panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakaiita.
16凡有遺囑(“遺囑”或譯:“約”,與17節同),必須證實立遺囑的人死了;
17Nekuti testamendi ine simba kune vakafa; nekuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.
17因為人死了,遺囑才能確立,立遺囑的人還活著的時候,遺囑決不生效。
18Naizvozvo kana yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
18因此,前約並不是沒有用血立的:
19Nekuti zviga zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi*, akasasa zvose bhuku romene nevanhu vose,
19當日摩西按照律法,向所有人民宣布了各樣的誡命,就拿牛犢(好些抄本在此有“和山羊”)的血和水,用朱紅色的羊毛與牛膝草,灑在律法書上和人民身上,
20achiti: Iri iropa resungano yamakarairwa naMwari.
20說:“這就是 神規定你們立約的血。”
21saizvozvo wakasasa neropa zvose tende nemidziyo yose yekushumira.
21他照樣把血灑在會幕和各樣應用的器皿上。
22Zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa nemurairo neropa; uye pasina kuteurwa kweropa, hapana kangamwiro.
22按著律法,幾乎所有都是用血潔淨的,如果沒有流血,就沒有赦免。
23Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi; asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibayiro zvakanaka kupfuura izvi.
23基督一次獻上自己就除掉罪照著天上樣式作的既然必須這樣去潔淨,天上物體的本身,就應該用更美的祭品去潔淨了。
24Nekuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga komene, kuti ikozvino aonekwe pamberi paMwari nekuda kwedu;
24因為基督不是進了人手所做的聖所(那不過是真聖所的表象),而是進到天上,現在替我們顯露在 神的面前。
25kwetewo kuti azvibayire kazhinji, semupristi mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
25他不必多次把自己獻上,好像大祭司每年帶著不是自己的血進入至聖所一樣。
26dai zvakanga zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva, kuti abvise chivi nechibayiro chake omene.
26如果這樣,他從創世以來,就必須受許多次的苦了。可是現在他在這世代的終結,只顯現一次,把自己作為祭品獻上,好除掉罪。
27Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, shure kwezvizvi kutongwa;
27按著定命,人人都要死一次,死後還有審判。
28saizvozvo Kristu abayirwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, uchazoonekwa rwechipiri, asina chivi, naivo vanomutarira, guve ruponeso.
28照樣,基督為了擔當許多人的罪,也曾經一次把自己獻上;將來他還要再一次顯現,不是為擔當罪,而是要向那些熱切期待他的人成全救恩。