1Saka tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, kuti chero nguva tirege kueredzwa.
1忽略偉大的救恩不能逃罪因此,我們必須更加密切注意所聽過的道理,免得我們隨流失去。
2Nekuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kose nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama kwemubairo,
2那透過天使所傳講的信息既然是確定的,所有干犯和不聽從的,都受了應得的報應。
3isu tichapukunyuka sei kana tichishaya hanya neruponeso rukuru rwakadai? Urwu rwakataurwa pakutanga naIshe, rwukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;
3如果我們忽略了這麼大的救恩,怎麼能逃罪呢?這救恩起初是由主親自宣講的,後來聽見的人給我們證實了。
4Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, nekuda kwekuda kwake.
4 神又照著自己的旨意,用神蹟、奇事和各樣異能,以及聖靈的恩賜,與他們一同作見證。
5Nekuti haana kuisa shoko rinouya pasi kuvatumwa, ratinotaura nezvaro.
5耶穌因受死得了榮耀尊貴 神並沒有把我們所說的“將來的世界”,交給天使管轄;
6Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Ko munhu chii, kuti mumurangarire? kana Mwanakomana wemunhu, kuti mumushanyire?
6但是有人在聖經上某一處證實說:“人算甚麼,你竟記念他?世人算甚麼,你竟眷顧他?
7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamupfekedza korona yekubwinya nerukudzo, mukamumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
7你使他比天使稍低微一點,卻賜給他榮耀尊貴作冠冕,(有些古卷在此有“並立他統管你手所造的一切”一句)
8Zvinhu zvose makaisa pasi pake pasi petsoka dzake. nekuti pane izvozvi wakaisa zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
8使萬物都服在他的腳下。”既然萬有都服了他,就沒有剩下一樣不服他的了。但是現在我們還沒有看見萬有都服他。
9Asi tinoona Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nekuda kwekutambudzika kwerufu, wakashongedzwa korona yekubwinya nekukudzwa, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.
9不過,我們看見那位暫時成了比天使卑微的耶穌,因為受了死的痛苦,就得了榮耀尊貴作冠冕,好叫他因著 神的恩典,為萬人嘗了死味。
10Nekuti zvakanga zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo naye, uye zvinhu zvose zvakaitwa naye, pakuisa vanakomana vazhinji pakubwinya, apedzeredze mutungamiriri wekuponeswa kwavo kubudikidza nematambudziko.
10救恩的元首耶穌萬有因他而有、藉他而造的那位,為了要帶領許多兒子進入榮耀裡去,使救他們的元首藉著受苦而得到成全,本是合適的。
11Nekuti zvose vanoitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune umwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama,
11因為那位使人成聖的,和那些得到成聖的,同是出於一個源頭;所以他稱他們為弟兄也不以為恥。
12achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichikuimbirai rumbidzo.
12他說:“我要向我的弟兄宣揚你的名,我要在聚會中歌頌你。”
13Uyezve: Ndichavimba naye, Uyezve: Tarirai ini nevacheche Mwari vaakandipa.
13又說:“我要信靠他。”又說:“看哪,我和 神所賜給我的孩子們。”
14Naizvozvo sezvo vacheche vari vagovani veropa nenyama, naiyewo wakagovana navo pane izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo unesimba rerufu, iye dhiabhorosi,
14孩子們既然同有血肉之體,他自己也照樣成為血肉之體,為要藉著死,消滅那掌握死權的魔鬼,
15agosunungura avo kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda paupenyu hwavo hwose.
15並且要釋放那些因為怕死而終身作奴僕的人。
16Nekuti zvirokwazvo, haana kuzvitorera vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahamu.
16其實,他並沒有救援天使,只救援亞伯拉罕的後裔。
17Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru uzere netsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
17所以,他必須在各方面和他的弟兄們相同,為了要在 神的事上,成為仁慈忠信的大祭司,好為人民贖罪。
18Nekuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiidzwa, unogona kuvabatsira avo vanoidzwa.
18因為他自己既然經過試探,受了苦,就能夠幫助那些被試探的人。