1Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakatorwa pakati pevanhu, unogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvose zvipo nezvibayiro nekuda kwezvivi;
1每一個大祭司都是從人間選出來,奉派替人辦理與 神有關的事,為的是要獻上禮物和贖罪的祭物。
2iye une moyo munyoro pane vasingazivi naivo vakatsauka, naizvozvo naiyewo amene wakakomberedzwa neutera.
2他能夠溫和地對待那些無知和迷誤的人,因為他自己也被軟弱所困。
3Uye nekuda kwaizvozvi iye unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvevanhu.
3因此,他怎樣為人民的罪獻祭,也應該怎樣為自己的罪獻祭。
4Hakuna munhu ungazvitorera rukudzo urwu, asi uyo wakadamwa naMwari saAroniwo.
4沒有人可以自己取得這大祭司的尊榮,只有像亞倫一樣,蒙 神選召的才可以。
5Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka;
5照樣,基督也沒有自己爭取作大祭司的尊榮,而是曾經對他說:“你是我的兒子,我今日生了你”的 神榮耀了他;
6Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti: Ndiwe Mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
6就像他在另一處說:“你是照著麥基洗德的體系,永遠作祭司的。”
7Iye pamazuva enyama yake, apa minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa pakuti wakatya,
7基督在世的時候,曾經流淚大聲禱告懇求那位能救他脫離死亡的 神;因著他的敬虔,就蒙了應允。
8kunyange aiva Mwanakomana, zvakadaro wakadzidza kuteerera nekuda kwezvinhu zvaakatambudzika;
8他雖然是兒子,還是因著所受的苦難學會了順從。
9akati aitwa wakaperedzerwa, akazova muvambi weruponeso rwusingaperi kune vose avo vanomuteerera;
9他既然順從到底,就成了所有順從他的人得到永遠救恩的根源;
10akaidamwa naMwari Mupristi mukuru wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
10而且蒙 神照著麥基洗德的體系,稱他為大祭司。
11Watine zvinhu zvizhinji zvatingataura pamusoro pake, zvinorema kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
11勸勉信徒要長大成人論到這些事,我們有很多話要說,可是很難解釋;因為你們已經遲鈍了,聽不進去。
12Nekuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi, nekuda kwenguva makashaiwa kuti kuve neunokudzidzisaizve kuti zviga zvekutanga zvezvimiso zvaMwari zvinyi, uye mava savanoda mukaka, kwete chikafu chikukutu.
12到這個時候,你們應該已經作老師了;可是你們還需要有人再把 神道理的初步教導你們。你們成了只能吃奶而不能吃乾糧的人!
13Nekuti ani nani unodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama, nekuti mucheche.
13凡是吃奶的,還是個嬰孩,對公義的道理沒有經歷;
14Asi chikafu chikukutu ndechevakura zvakazara, vanokuziva kwakadzidziswa nenzira yekurovedzwa, kuzivisisa zvose zvakanaka nezvakaipa.
14只有長大成人的,才能吃乾糧,他們的官能因為操練純熟,就能分辨是非了。