1Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake zvachichipo kurege kuva neumwe wenyu uchawanikwa achitaira pakupindamo.
1信的人可以進入安息所以,那進入安息的應許,既然還給我們留著,我們就應該戰戰兢兢,恐怕我們中間有人像是被淘汰了。
2Nekuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko rokunzwikwa harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nerutendo kuna ivo vakanzwa.
2因為有福音傳給我們,像傳給他們一樣,只是他們所聽見的道,對他們沒有益處,因為他們沒有用信心與所聽見的打成一片(“沒有用信心與所聽見的打成一片”,有古卷作“沒有用信心與聽從這道的人打成一片”)。
3Nekuti isu vakatenda tinopinda pazororo sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
3然而我們信了的人,就可以進入那安息。正如 神所說:“我在烈怒中起誓說,他們絕不可進入我的安息!”其實 神的工作,從創立世界以來已經完成了。
4Nekuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwari akazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;
4因為論到第七日,他在聖經某一處說:“在第七日 神歇了他的一切工作。”
5nepanozve: Havangapindi muzororo rangu.
5但在這裡又說:“他們絕不可進入我的安息。”
6Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
6既然這安息還留著要讓一些人進去,但那些以前聽過福音的人,因為不順從不得進去;
7unogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi achitaura nemuromo waDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake musawomesa moyo yenyu.
7所以 神就再定一個日子,就是過了很久以後,藉著大衛所說的“今天”,就像前面引用過的:“如果你們今天聽從他的聲音,就不要硬著心。”
8Nekuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva pashure pamusoro perimwe zuva.
8如果約書亞已經使他們享受了安息, 神後來就不會再提到別的日子了。
9Zvino zvasarira vanhu vaMwari kuzorora kwesabata.
9這樣看來,為了 神的子民,必定另外有一個“安息日”的安息保留下來。
10Nekuti uyo wakapinda muzororo rake wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pane ake.
10因為那進入 神安息的人,就歇了自己的工作,好像 神歇了自己的工作一樣。
11Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo iroro, kuti zvimwe kusava neunozowa achitevera muenzaniso iwoyo wekusateerera.
11所以,我們要竭力進入那安息,免得有人隨著那不順從的樣子就跌倒了。
12Nekuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba nekupinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nemafundo nemongo; nerinonzwisisa ndangariro nezvinangwa zvemoyo.
12 神的道是活的、有效的 神的道是活的,是有效的,比一切兩刃的劍更鋒利,甚至可以刺入剖開靈與魂,關節與骨髓,並且能夠辨明心中的思想和意念。
13Hakuna chinhu chakasikwa chisingaratidziki pachiso chake; asi zvinhu zvose zvakafukurwa nekuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
13被造的在 神面前沒有一樣不是顯明的,萬有在他的眼前都是赤露敞開的;我們必須向他交帳。
14Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kutenda kwedu.
14我們的大祭司耶穌我們既然有一位偉大的、經過了眾天的大祭司,就是 神的兒子耶穌,就應該堅持所宣認的信仰。
15Nekuti hatina mupristi mukuru usingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu asina chivi.
15因為我們的大祭司並不是不能同情我們的軟弱,他像我們一樣,也曾在各方面受過試探,只是他沒有犯罪。
16Naizvozvo ngatiswederei takashinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha dzekubatsira panguva yakafanira.
16所以,我們只管坦然無懼地來到施恩的寶座前,為的是要領受憐憫,得到恩惠,作為及時的幫助。