Shona

聖經新譯本

Hosea

6

1Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nekuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.
1勸人民誠心歸向 神“來吧!讓我們回轉歸向耶和華;因為,他雖然撕裂了我們,但必定醫治我們;他雖然擊傷了我們,卻必替我們裹傷。
2Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.
2兩天以後,他要使我們復原;第三天,他使我們起來,我們就可以活在他的面前。
3Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.
3讓我們認識,竭力追求認識耶和華。他必定出現,像晨光一樣,他必臨到我們,如雨水一般,又像滋潤大地的春雨。
4Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? nekuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.
4指摘人民虛偽的行為“以法蓮啊!我要怎樣待你呢?猶大啊,我要怎樣待你呢?你們的愛心像早晨的雲霧;又像瞬即消逝的朝露。
5Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.
5因此,我藉眾先知砍碎他們,用我口中的話殺戮他們;我的審判必如光一般發出。
6nekuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
6我喜愛憐恤,不喜愛祭祀;我喜愛人認識 神的知識,勝過人獻的燔祭。
7Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.
7可是他們卻在亞當城背約,在那裡向我行詭詐。
8Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rinamakwapa eropa.
8基列是作孽之人的城,他們的腳蹤染滿了血漬。
9Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapristi rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.
9在往示劍的路上,祭司結黨殺害人,就像埋伏路旁的強盜;他們行了邪惡的事。
10Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panovufeve, Isiraeri vakasvibiswa.
10在以色列家!我看見了可怕的事;那裡有以法蓮的淫行,以色列被玷污了。
11Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.
11猶大啊!我使我的子民歸回的時候,必有為你定下的一個收割時期。”