1Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
1倚靠主之歌到那日,在猶大地必有人唱這歌:“我們有座堅固的城;耶和華把救恩作為城牆和外郭。
2Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
2打開城門吧!好讓公義和信實的國民,可以進入。
3Anae moyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nekuti anovimba nemi.
3專心倚靠你的,你必保護他一切平安,因為他倚靠你。
4Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
4你們要倚靠耶和華,直到永遠,因為耶和華是永存的磐石。
5nekuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
5他使那些驕傲的降卑,使那些高聳的城敗落;把它拆毀,散在地上,變作塵土。
6Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.
6它要被腳踐踏,就是困苦人的腳和貧窮人的腳。
7Nzira yavakarurama yakarurama; imwi munoruramisa nzira yavakarurama.
7義人的路是正直的,正直的主啊!你必修平義人的路。
8Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
8耶和華啊!我們等候你那審判的路徑;你的名字和稱號,都是我們心裡所愛慕的。
9Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nekuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
9夜間我的心渴想你,我裡面的靈切切尋求你,因為你的審判臨到大地的時候,世上的居民就會學習到甚麼是公義了。
10Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
10惡人雖然蒙了恩待,他仍不知道甚麼是公義;在公義的地上,他仍然行惡,也看不見耶和華的威嚴。
11Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
11耶和華啊!你的手高舉,他們還是看不見。願他們因看見你對子民的熱心而慚愧;願那為你的敵人預備的火吞滅他們。
12Jehovha, imwi muchatigadzirira rugare; nekuti makatibatirawo mabasa edu ose.
12耶和華啊!你必使我們得平安,因為我們所作的,都是你為我們成就的。
13Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemwi moga.
13耶和華我們的 神啊!在你以外,曾有別的主管轄我們,但只有你,我們要承認你的名。
14Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kose.
14死去的不能再活,離世的不能再起來,因為你懲罰他們,消滅了他們,使他們完全不再被記念。
15Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
15耶和華啊!你增添國民;你增添國民,你得了榮耀,又拓展了地的四境。
16Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
16耶和華啊!我們在急難中尋求你;你的懲罰臨到我們身上的時候,我們就傾心吐意低聲禱告。
17Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
17懷孕的婦人臨產時怎樣疼痛,在絞痛中喊叫;耶和華啊!我們在你面前也是這樣。
18Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo chete; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
18我們也曾像懷孕一般疼痛,但所生的像風;我們未曾在地上行過拯救的事,世上的居民也未曾因我們生下來。
19Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imwi mugere muguruva; nekuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
19屬你的死人要活過來,他們的屍體要起來;那些住在塵土裡的必醒起,並且歡呼。因為你的甘露像早晨的甘露般臨到,使地交出離世的人來。
20Fambai vanhu vangu mupinde muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
20勸民逃避主的忿怒我的子民哪!快來,進入你們的內室,把你們的門關上;隱藏片刻,直到 神的忿怒過去。
21nekuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
21因為你看!耶和華從他的居所出來,要懲罰地上居民的罪孽;大地要露出其上所流的血,不再遮蓋被殺的人。”