Shona

聖經新譯本

Isaiah

27

1Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa.
1葡萄園之歌到那日,耶和華要施用他銳利、巨大和有力的刀,懲罰鱷魚,就是那快行的蛇;懲罰鱷魚,就是那曲行的蛇;並且要殺海中的大龍。
2Nezuva iro vachaimba vachiti, Munda wemizambiringa, chiuimbirai!
2到那日,有個出酒的葡萄園,你們必指著這園歌唱說:
3Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.
3“我耶和華是看守葡萄園的;我時刻澆灌著它,並且為免有人毀壞它,我日夜都看守著。
4Ini handina hasha; dai rukato nemhinzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete.
4我再沒有忿怒,若荊棘和蒺藜與我交戰,我就上前踐踏它們,把它們全部焚毀。
5Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.
5除非他們抓住我作他們的避難所,與我和好,與我和好。”
6Namazuva anouya Jakove achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.
6在將來的日子裡,雅各要扎根,以色列要發芽開花,他們的果實必遍布地面。
7Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here?
7以色列民受罰耶和華擊打以色列人,豈像擊打那些擊打他們的呢?主殺戮以色列人,豈像殺戮那些殺戮他們的呢?
8Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva.
8不,你只是漸漸地,藉著他們被擄與他們相爭;在吹東風的日子,就用暴風把他們逐去。
9Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakove zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
9藉此,雅各的罪孽才得赦免;他的罪過得以除掉的條件全都在於此,就是他叫祭壇上所有的石頭都變為破碎的灰石,使亞舍拉和香壇不再豎立。
10nekuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiiwa riri roga, hwava hugaro hwasiiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo.
10堅固的城變為淒涼,成了被撇下、被放棄的居所,像曠野一樣;牛犢必在那裡吃草,在那裡躺臥,並且吃盡那裡的樹枝。
11Kana matavi apo aoma, achavhumwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nekuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
11以色列民回歸枝條枯乾了,就必被折斷;婦女必來,拿去生火,因為這人民愚昧無知,所以他們的創造主不憐憫他們,那造成他們的,不向他們施恩。
12Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweEgipita; imwi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imwi vana vaIsiraeti.
12到那日,耶和華要從幼發拉底的溪流,直到埃及小河,收集他的穀物;以色列人哪!你們必一個一個被撿拾回來。
13Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeEgipita, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu.
13到那日,必有大號角吹響,那些在亞述地快要滅亡的,以及那些被趕散在埃及地的,都要前來,在耶路撒冷的聖山上敬拜耶和華。