1Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.
1公義之王看哪!必有一王憑公義執政,必有眾領袖按公平治理。
2Munhu mumwe nomumwe achava seutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.
2必有一人像避風所,和避暴雨的隱密處,像乾旱之地的溪水,又像疲乏之地的磐石陰影。
3Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
3那時,能看見事物者的眼睛,必不再昏暗;能聽到事物者的耳朵,必然傾聽。
4moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.
4性急者的心必明白知識,口吃者的舌頭必說話清楚。
5Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
5愚頑人不再被稱為高尚,惡棍也不再被稱為大方。
6nekuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinomwiwa.
6因為愚頑人說的是愚頑話,他心裡所想的是罪孽,慣行褻瀆 神的事,說錯謬的話攻擊耶和華,使飢餓的人仍空著肚子,使口渴的人仍無水可喝。
7Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
7至於惡棍,他的手段是邪惡的,他圖謀惡計,用虛假的言語毀滅困苦的人,即使在窮乏人講公理的時候,他也是這樣。
8Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.
8高尚的人卻籌謀高尚的事,他也必堅持這些高尚的事。
9Simukai, imwi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imwi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
9預言審判與復興安逸的婦女啊!你們要起來,聽我的聲音;無憂無慮的女子啊!你們要側耳聽我的話。
10nekuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imwi vasine hanya; nekuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
10無憂無慮的女子啊!再過一年多,你們就必受困擾,因為沒有葡萄可摘,收禾稼的日子也沒有來。
11Dederai, imwi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imwi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.
11安逸的婦女啊!你們要受震驚。無憂無慮的女子啊!你們要受困擾了,脫去衣服,赤著身子,以麻布束腰吧。
12Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.
12你們要為美好的田地和多結果子的葡萄樹搥胸哀哭。
13Panyika yavanhu vangu pachamera mhinzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
13也為那些在我子民的土地上長起來的荊棘和蒺藜而哀哭,為那歡樂的城和所有快樂的房屋,也是這樣。
14nekuti imba yamambo ichasiiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
14因為宮殿必被丟棄,熱鬧的城市也被撇下,山岡和守望樓必永遠成為洞穴,作了野驢喜歡的地方和羊群的草場。
15kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
15等到聖靈從高處傾倒在我們身上,曠野變為肥田,肥田被看為樹林的時候,
16Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.
16公平就必居在曠野中,公義必住在肥田裡。
17Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.
17公義的果效必是平安,公義的效驗必是平靜與安穩,直到永遠。
18Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
18那時,我的子民必住在平安的居所,安穩的住處,不受騷擾的安息之處。
19Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.
19但在敵人的國土中,必有冰雹降下,打倒他們的樹林,他們的城必被夷平。
20Makaropafadzwa imwi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.
20你們這些在各水邊撒種,又使牛驢隨意走動的,是多麼有福啊!