Shona

聖經新譯本

Isaiah

42

1Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa.
1 神的僕人看哪!這是我的僕人,我扶持他;我所揀選的,我的心喜悅他;我已經把我的靈賜給他,他必把公理帶給萬國。
2Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha.
2他不呼喊,也不揚聲,也不叫人在街上聽見他的聲音。
3Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
3壓傷的蘆葦,他不折斷;將熄滅的燈火,他不吹滅;他忠實地傳出公理。
4lye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake.
4他不灰心,也不沮喪,直到他在地上設立公理,眾海島的人都等候他的教訓。
5Zvanzi naMwari iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo,
5那創造諸天,展開穹蒼,鋪張大地和大地所出的一切,賜氣息給地上的眾人,又賜靈性給在地上行的人的耶和華 神這樣說:
6Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi;
6“我耶和華憑著公義呼召了你;我必緊拉著你的手,我必保護你,立你作人民的約,作列國的光,
7usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patirongo, navagere murima paimba yokusungwa.
7為要開瞎子的眼,領被囚的出牢獄,領住在黑暗中的出監牢。
8Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.
8我是耶和華,這是我的名;我必不把我的榮耀歸給別人,也不把我當受的稱讚歸給雕刻的偶像。
9Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.
9看哪!先前預言過的事已經成就了,現在我說明新的事;它們還沒有發生以前,我就先說給你們聽了。”
10Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri.
10頌讚 神之歌所有航海的和海中所充滿的,眾海島和其上的居民哪!你們都要向耶和華唱新歌,從地極向他發出讚美。
11Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo.
11願曠野和其中的城鎮都揚聲;願基達人居住的村莊都高呼;願西拉的居民都歡呼,在山頂上吶喊。
12Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zviwi kurumbidzwa kwake.
12願他們把榮耀歸給耶和華,在眾海島中宣揚對他的頌讚。
13Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba.
13耶和華必像勇士出戰,必像戰士激動熱心;他要呼喊,大聲吶喊,要向仇敵顯出自己的威猛。
14Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete.
14我已經很久緘默不言,閉口不語,但現在我要像待產的婦人一樣呼喊,我要急速地喘氣。
15Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapisa.
15我必使大山小山都變為荒場,使一切草木都枯乾;我要使江河變為乾地,使水池乾涸。
16Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichaatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasii.
16我必領瞎子走陌生的道,帶他們走他們不知道的路。我必在他們面前使黑暗變為光明,使彎曲的地方變為平直。這些事我都要作,決不放棄。
17Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, Imi muri vamwari vedu, ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
17那些倚靠偶像,對鑄像說:“你們是我們的神”的,必被趕逐,全然蒙羞。
18Inzwai, imwi matsi; tarirai, imwi mapofu, muone.
18責民愚昧無知聾子啊!你們要聽。瞎子啊!你們要留心去看。
19Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
19有誰比我的僕人更瞎呢?有誰比我差派的使者更聾呢?有誰瞎眼像那與我立了和約的呢?有誰瞎眼像耶和華的僕人呢?
20Anoona zvinhu zvizhinji, asi haacherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi.
20你們看見了許多的事,卻沒有留心,耳朵開著,卻沒有聽見。
21Zvakafadza Jehovha, nokuda kokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
21耶和華為自己公義的緣故,喜歡使律法為大為尊。
22Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, Dzosa!
22但這人民是被搶劫和被掠奪的,全都困陷在洞穴中,被收藏在監牢裡;他們作了掠物,無人搭救;他們成了擄物,無人說:“要歸還!”
23Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achateerera nokunzwa panguva inouya?
23你們中間誰肯聽這話呢?誰肯從今以後留心聽呢?
24Ndianiko akarega Jakove apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
24誰把雅各交出來給掠奪者?誰把以色列交給搶劫的呢?豈不是耶和華,就是我們得罪的那位嗎?因為他們不肯遵行他的道,也不肯聽從他的律法。
25Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.
25因此,他把他猛烈的怒氣和慘酷的戰爭,傾倒在他身上;這在他四周如火燒起來,他還不知道;把他燒著了,他也不放在心上。