1Asi zvino chinzwa, iwe Jakove, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura,
1以色列人將蒙賜福“但現在,我的僕人雅各,我所揀選的以色列啊!你要聽。
2zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, Usatya hako, iwe Jakove, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.
2那創造你,從母胎裡就塑造了你,又要幫助你的耶和華這樣說:我的僕人雅各啊!我所揀選的耶書崙啊!你不要懼怕。
3nekuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako;
3因為我要把水澆灌乾渴之處,把河水澆灌乾旱之地;我必把我的靈澆灌你的後裔,把我的福降給你的子孫。
4vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.
4他們要像從草中生長起來,又像溪水旁的柳樹。
5Mumwe achati, Ndiri waJehovha, mumwezve achazvitumidza nezita raJakove, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri.
5這個必說:‘我是屬耶和華的’;那個也必以雅各的名稱呼自己;另一個必親手寫上‘我是屬耶和華的’,並且要以以色列的名字替自己命名。”
6Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
6 神是獨一真神耶和華以色列的王、以色列的救贖主、萬軍之耶和華這樣說:“我是首先的,我是末後的;除我以外,再沒有真神。
7Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo.
7誰像我呢?讓他宣告,讓他述說,又在我面前陳明吧!自從我設立古時的子民,未來的事和將要發生的事,讓他們把它們述說出來吧!
8Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? imwi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.
8你們不要驚惶,也不要懼怕。我不是老早就說了給你們聽,告訴了你們嗎?你們就是我的見證人。除我以外,還有真神嗎?沒有別的磐石;我一個也不知道。”
9Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe.
9製造偶像者的愚昧製造偶像的人,盡都是虛空的,他們所喜愛的,都沒有益處。他們的見證人,一無所見,一無所知,以致他們蒙羞。
10Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?
10誰製造神像,或鑄造偶像,不想得到益處呢?
11Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete.
11看哪!所有與它同夥的都必蒙羞;工匠也不過是人罷了。讓他們都集合起來,都站立起來;讓他們都懼怕,都一同蒙羞。
12Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haamwi mvura, ndokuziya.
12鐵匠先用工具在鐵上雕刻,然後在火炭中加工,再用鎚子把鐵錘成形狀,用他有力的膀臂錘成。他若飢餓,就沒有力量;他若不喝水,就疲乏。
13Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso , ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba.
13木匠拉線,用筆畫出輪廓,用鉋子鉋平,用圓規畫出模樣,做成人的形狀,有人一般的美麗,好住在廟裡。
14Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.
14他為自己砍伐香柏樹,或選取榆樹和橡樹,讓它在樹林中長起來;他栽種松樹,讓雨水使它長大。
15Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira.
15人可以用這樹作燃料,可以拿來生火取暖,又可以燒著烤餅;人竟然用它做神像敬拜,他做了雕刻的偶像,又向它叩拜。
16Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, Haiwa, ndadziya, ndaona moto.
16他把木頭的一半放在火裡燃燒;在上面烤肉;吃了烤肉,並且吃飽了,就自己烤火取暖,說:“哈哈!我暖和了,我看見火了。”
17Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, Ndirwirei, nekuti ndimi mwari wangu.
17他用剩下來的一半做了一個神像,就是他雕刻的偶像,他向它俯伏,向它敬拜,又向它禱告,說:“求你救我,因為你是我的神。”
18Havazivi, uye havarangariri, nekuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.
18他們並不知道,也不明白;因為耶和華閉住他們的眼睛,使他們不能看見,塞住他們的心,使他們不能明白。
19Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?
19沒有人細心思想,也沒有人有知識有聰明說:“我把木頭的一半放在火裡燃燒,我也在炭火上烘過餅,烤過肉吃,剩下的,我卻用來做了一個可憎之物,我要向木頭叩拜嗎?”
20Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?
20他所追求的只是灰塵,被迷惑了的心使他偏離正道了;他不能救自己,也不會說:“在我的右手中不是有個假神嗎?”
21Funga zvinhu izvi, iwe Jakove, naIsiraeri, nekuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.
21耶和華救贖之恩雅各和以色列啊!要記念這些話,因為你是我的僕人。我造了你,是要你作我的僕人;以色列啊!你必不會被我忘記。
22Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nekuti ndakakudzikunura.
22我塗抹了你的過犯,像密雲消散;我塗抹了你的罪惡,如薄雲滅沒,你當歸向我,因為我救贖了你。
23Imba, iwe denga rose, nekuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imwi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nekuti Jehovha akadzikunura Jakove, achazvirumbidza muna Isiraeri.
23諸天啊!你們要歡呼,因為耶和華作成了這事。地的深處啊!你們要吶喊。群山啊!你們要發聲歡呼。樹林和其中所有的樹啊!你們都當這樣。因為耶和華救贖了雅各,他要藉著以色列使自己得榮耀。
24Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, Ndini Jehovha, ini ndoga anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
24你的救贖主,就是那在母胎中就造了你的耶和華這樣說:“我耶和華是創造萬物的,我是獨自展開諸天,鋪張大地的。
25Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.
25我使說假話者的兆頭失效,使占卜者都變成愚昧人;我使有智慧的人後退,使他們的知識變為愚拙。
26Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, Richagarwa navanhu, napamusoro pamaguta aJudha, Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;
26我使我僕人的話實現,使我使者的謀算成就。我對耶路撒冷說:‘你必有人居住。’對猶大的城鎮說:‘你們要再被建造起來,至於其中的廢墟,我必重建它們。’
27iye anoti kumvura yakadzika, Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,
27我對深淵說:‘你乾了吧,我必使你的江河乾涸!’
28iye anoti pamusoro paKoreshi, Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusaremu Richavakwa, uye pamusoro petemberi, Nheyo dzako dzichateyiwa.
28我對古列說:‘我的牧人;他必成就我所喜悅的一切。’他要對耶路撒冷說:‘你必被重建起來!’他必對聖殿說:‘你的根基要奠定!’”