1Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nekuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
1 神必拯救耶路撒冷錫安哪!你要醒來;醒來,披上你的力量。聖城耶路撒冷啊!要穿上你華美的衣服。因為未受割禮的和不潔淨的人,都再不得進到你那裡去。
2Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
2耶路撒冷啊!抖下塵土,起來,坐在位上吧!錫安被擄的居民(“居民”原文作“女子”)哪!解開你頸項上的鎖鍊。
3nekuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.
3耶和華這樣說:“你們被賣是毫無代價的,你們被贖回也必不用銀子。”
4nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Egipita kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
4主耶和華這樣說:“我的子民先前曾下到埃及,在那裡寄居;後來有亞述人無緣無故地欺壓了他們。
5Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5現在我在這裡作甚麼呢?”耶和華說:“我的子民毫無代價被取去;統治他們的人大肆咆哮。”耶和華說:“我的名終日不住被藐視。
6Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.
6所以我的子民必認識我的名,因此到了那日他們就必知道,說這話的就是我。看哪!是我。”
7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!
7那傳福音、宣布平安、傳美好的福音、宣布救恩,又對錫安說“你的 神作王了”的,他的腳蹤在山上多麼的美!
8Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nekuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
8聽啊!你守望者的聲音。他們都揚起聲來,一同歡呼,因為耶和華歸回錫安的時候,他們必親眼看見。
9Pemberai nomufaro, imbai pamwechete, imwi matongo eJerusaremu, nekuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
9耶路撒冷的廢墟啊!你們要發聲,一同歡呼。因為耶和華安慰了他的子民,救贖了耶路撒冷。
10Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
10耶和華在萬國的眼前,顯露他的聖臂,地極的人必看見我們 神的拯救。
11Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imwi munotakura nhumbi dzaJehovha.
11你們要離開,要離開,要從那裡出來,不要觸摸不潔淨的東西。扛抬耶和華器皿的啊!你們要從巴比倫城中出來,要自潔。
12nekuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nekuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
12你們出來,不必著急;你們行走,也不必奔逃,因為耶和華要走在你們前面,以色列的 神必作你們的後盾。
13Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
13預言僕人受苦看哪!我的僕人必行事亨通,他必受尊崇,被高舉,成為至高。
14Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
14許多人怎樣因你而驚奇,(因為他的容貌毀損得不像人,他的形狀毀損得不像世人);
15saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nekuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.
15照樣,他也必使多國的人驚異,君王要因他閉口不言,因為從未向他們述說過的事,他們必看見;他們從未聽過的,他們要明白。