Shona

聖經新譯本

Job

35

1Zvino Erihu akapindurawo, akati,
1人的善惡對 神無所損益以利戶回答說:
2Munoti ndiko kururama kwenyu here. Munoti, kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?
2“你說:‘我在 神面前更顯為義’,你自以為這話有理嗎?
3Zvamunoti, Muchabatsirweiko nazvo? Ndichawaneiko, zvingapfuura zvandingawana kana ndatadza hangu?
3你還說:‘你有甚麼益處呢?我不犯罪有甚麼好處?’
4Ndichakupindurai, Pamwechete neshamwari dzenyu.
4我要用言語回答你,和與你在一起的朋友。
5Tarirai kudenga-denga, muone; Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.
5你要往天仰望觀看,細看高過你的雲天。
6Kana muchinge matadza, ko mungamuitei iye? Kana kudarika kwenyu kuchinge kwakawanda, ko mungamuitei?
6你若犯罪,你能使 神受害嗎?你的過犯若增多,你又能使他受損嗎?
7Kana makarurama, mungamupeiko? Kana iye uchapiweiko paruoko rwenyu?
7你若為人正義,你能給他甚麼呢?他從你手裡能領受甚麼呢?
8Kuipa kwenyu kunobata munhu akaita semi, Kururama kwenyu kungabatsira mwanakomana womunhu.
8你的邪惡只能害像你的人,你的公義也只能叫世人得益。
9Vanhu vanoridza mhere nokuda kokumanikidza kwakawanda; Vanoridza mhere kuti varwirwe paruoko rwoane simba.
9他們因多受欺壓而呼叫,因受強權者的壓制而呼求。
10Asi hapana anoti, Mwari Muiti wangu aripiko? Iye anotiimbisa usiku;
10卻沒有說:‘ 神我的創造主在哪裡呢?他使人在夜間歌唱。
11Iye anotidzidzisa kupfuura shiri dzokudenga? Anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzokudenga?
11他教導我們過於教導地上的走獸,使我們有智慧勝於空中的飛鳥。’
12Ipapo vanochema, asi hapana anopindura, Nokuda kokuzvikudza kwavanhu vakaipa.
12因為惡人驕傲的緣故,他們在那裡呼求, 神卻不回答。
13Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo, waMasimbaose haangavi nehanya nazvo.
13真的, 神必不垂聽虛妄的呼求,全能者也必不留意,
14Ndoda kana muchiti, handimuoni; Mhosva iri pamberi pake, chimumirirai henyu!
14更何況你說你不得見他。你的案件在他面前,你忍耐地等候他吧!
15Asi zvino, zvaasina kutsiva pakutsamwa kwake, Kana kusava nehanya zvikuru nokuzvikudza;
15但現在因為他還沒有在忿怒中降罰,也不大理會人的過犯;
16Naizvozvo Jobho woshamisa muromo wake achireva zvisina maturo; Wowanza mashoko asingazivi.
16所以約伯開口說空話,多說無知識的話。”